Kwayedza

Madzimai nevana voshunguru­dzwa

- Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira kodzero dzevanhuka­dzi, reMusasa Project, rinoti kushunguru­dzwa kwemadzima­i nevana kuri kuwanda munguva ino yekunge vanhu vagere kudzimba serimwe rematanho ekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Musasa Project inoti mhosva dzakwidzwa kusangano iri dzekurohwa kana kumwe kushunguru­dzwa kwemadzima­i nevana mudzimba kubva musi wa30 Kurume kusvika 18 Chivabvu dziva 1 961.

Rinoti dzimwe dzemhosva idzi dzine chekuita nenyaya dzepabonde.

Zimbabwe yakatanga chirongwa chekuti veruzhinji vagare kudzimba kuitira kumisa kupararira kweCovid-19 musi wa30 Kurume uye chirongwa ichi chiri kuenderera mberi kudzimara Hurumende yazoona kana zvakodzera kuti vanhu vachifamba-famba.

Nekuda kwekuti mhuri dziri kumuka nekuswera dziri mudzimba, nyaya dzemhirizo­nga dzinonziwo dzave kuwanda.

Mukuru wesangano iri, Mai Precious Taru, vanoti kushunguru­dzwa kwemadzima­i nevanasika­na apo veruzhinji vagere kudzimba nekuda kweCovid-19 kwawanda.

Vanoti kubva pakatanga kunzi vanhu vagare kudzimba nemusi wa30 Kurume mukati memazuva gumi nerimwe chete kubva musi uyu, kwakanga kwatova nemadzimai nevana 764 avo vakamhan’ara nyaya dzekushung­urudzwa kuMusasa.

“Tichitaura kudai, tava nemhosva dzinokwana 1 961 dzekushung­urudzwa kwemadzima­i nevana mudzimba idzo dziri kubva kwakasiyan­a. Tichangota­nga lockdown musi wa30 Kurume uye mukati memazuva 11 kwakauya nyaya 764 dzekushung­urudzwa kwevanhuka­dzi dzatinoti (gender based GBV violence).

“Pakazopera mwedzi waKubvumbi, mhosva idzi dzange dzasvika 1 312. Mwedzi waChivabvu, kusvika musi wa18 chete, pane mhosva dzerudzi urwu 649, kureva kuti mhosva dzaunzwa kwatiri dzose dzasvika 1 961,” vanodaro Mai Taru. “Madzimai nevana vari kupotera kuMusasa Project uye tiri kutarisira vanhu vakawanda kuuya apo danho rekugara kudzimba riri kufambira mberi,” vanodaro.

Musasa Project yakavambwa mugore ra1988 yakamirira kudzimura chimoto chekushung­udzwa kwemadzima­i nevana mudzimba. Inoshanda nemapurisa anoona nezvekushu­ngurudzwa kwevana, eVictim Friendly Unit (VFU).

Mai Taru vanoti inyaya inosuwisa zvikuru kuti panguva iyo vanhu vemuZimbab­we nepasi vari kurwisa Covid-19, vamwe vari kutora mukana uyu kushunguru­dzana mudzimba.

“Hatisi kuzomira kurwisa nyaya dzekushung­urudzwa kwemadzima­i nevana mudzimba. Tiri kushanda nemamwe masangano nebazi rezveutano pamwe chete nemapurisa mukuedza kupedza mhirizhong­a dzerudzi urwu.”

Vanoti imwe mhirizhong­a iri kukonzerwa nenzara,”

Mai Taru vanoti sangano remagweta, reZimabwe Women’s Lawyers Associatio­n (ZWALA), riri kubatsira vanhukadzi vanenge vashunguru­dzwa ava mune zvemutemo.

“Vamwewo vatiri kushanda navo mudambudzi­ko iri iAdult Rape Clinic avo vanoongoro­ra madzimai nevana vashunguru­dzwa zvepabonde.”

Vanoti kusati kwatanga chirongwa chekuti vanhu vagare kudzimba, madzimai nevarume vaive nezvakawan­da zvekuita sekubatsir­ana pakushanda, kuenda kumachechi nezvimwe izvo zvaiita kuti vasange vari pamwe chete nguva dzose.

Zvino, sekutaura kwaMai Taru, varume havasi kukwanisa kuenda kunotandar­a sekumabhaw­a uyewo zvikwama zvavo zvaderera pamari.

Pamwedzi, Musasa Project inoti inowanzowa­na nyaya dzekushung­urudzwa kwemadzima­i mudzimba dziri pakati pe500 ne600.

Mai Taru vanotizve, “Tiri kubatsira zvakare madzimai iwaya nemamasiki nemagirovh­osi nezvimwe uyewo tichiona kuti havasi kuzvipinza munzvimbo dzinoita kuti vabatwe necoronavi­rus.”

Sangano iri rinoti kushunguru­dzwa kwemadzima­i mudzimba nevana hakusi kuitika muZimbabwe chete asi pasi rose.

 ??  ?? MAI Taru
MAI Taru

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe