Madzimai nevana voshungurudzwa
SANGANO rinomirira kodzero dzevanhukadzi, reMusasa Project, rinoti kushungurudzwa kwemadzimai nevana kuri kuwanda munguva ino yekunge vanhu vagere kudzimba serimwe rematanho ekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.
Musasa Project inoti mhosva dzakwidzwa kusangano iri dzekurohwa kana kumwe kushungurudzwa kwemadzimai nevana mudzimba kubva musi wa30 Kurume kusvika 18 Chivabvu dziva 1 961.
Rinoti dzimwe dzemhosva idzi dzine chekuita nenyaya dzepabonde.
Zimbabwe yakatanga chirongwa chekuti veruzhinji vagare kudzimba kuitira kumisa kupararira kweCovid-19 musi wa30 Kurume uye chirongwa ichi chiri kuenderera mberi kudzimara Hurumende yazoona kana zvakodzera kuti vanhu vachifamba-famba.
Nekuda kwekuti mhuri dziri kumuka nekuswera dziri mudzimba, nyaya dzemhirizonga dzinonziwo dzave kuwanda.
Mukuru wesangano iri, Mai Precious Taru, vanoti kushungurudzwa kwemadzimai nevanasikana apo veruzhinji vagere kudzimba nekuda kweCovid-19 kwawanda.
Vanoti kubva pakatanga kunzi vanhu vagare kudzimba nemusi wa30 Kurume mukati memazuva gumi nerimwe chete kubva musi uyu, kwakanga kwatova nemadzimai nevana 764 avo vakamhan’ara nyaya dzekushungurudzwa kuMusasa.
“Tichitaura kudai, tava nemhosva dzinokwana 1 961 dzekushungurudzwa kwemadzimai nevana mudzimba idzo dziri kubva kwakasiyana. Tichangotanga lockdown musi wa30 Kurume uye mukati memazuva 11 kwakauya nyaya 764 dzekushungurudzwa kwevanhukadzi dzatinoti (gender based GBV violence).
“Pakazopera mwedzi waKubvumbi, mhosva idzi dzange dzasvika 1 312. Mwedzi waChivabvu, kusvika musi wa18 chete, pane mhosva dzerudzi urwu 649, kureva kuti mhosva dzaunzwa kwatiri dzose dzasvika 1 961,” vanodaro Mai Taru. “Madzimai nevana vari kupotera kuMusasa Project uye tiri kutarisira vanhu vakawanda kuuya apo danho rekugara kudzimba riri kufambira mberi,” vanodaro.
Musasa Project yakavambwa mugore ra1988 yakamirira kudzimura chimoto chekushungudzwa kwemadzimai nevana mudzimba. Inoshanda nemapurisa anoona nezvekushungurudzwa kwevana, eVictim Friendly Unit (VFU).
Mai Taru vanoti inyaya inosuwisa zvikuru kuti panguva iyo vanhu vemuZimbabwe nepasi vari kurwisa Covid-19, vamwe vari kutora mukana uyu kushungurudzana mudzimba.
“Hatisi kuzomira kurwisa nyaya dzekushungurudzwa kwemadzimai nevana mudzimba. Tiri kushanda nemamwe masangano nebazi rezveutano pamwe chete nemapurisa mukuedza kupedza mhirizhonga dzerudzi urwu.”
Vanoti imwe mhirizhonga iri kukonzerwa nenzara,”
Mai Taru vanoti sangano remagweta, reZimabwe Women’s Lawyers Association (ZWALA), riri kubatsira vanhukadzi vanenge vashungurudzwa ava mune zvemutemo.
“Vamwewo vatiri kushanda navo mudambudziko iri iAdult Rape Clinic avo vanoongorora madzimai nevana vashungurudzwa zvepabonde.”
Vanoti kusati kwatanga chirongwa chekuti vanhu vagare kudzimba, madzimai nevarume vaive nezvakawanda zvekuita sekubatsirana pakushanda, kuenda kumachechi nezvimwe izvo zvaiita kuti vasange vari pamwe chete nguva dzose.
Zvino, sekutaura kwaMai Taru, varume havasi kukwanisa kuenda kunotandara sekumabhawa uyewo zvikwama zvavo zvaderera pamari.
Pamwedzi, Musasa Project inoti inowanzowana nyaya dzekushungurudzwa kwemadzimai mudzimba dziri pakati pe500 ne600.
Mai Taru vanotizve, “Tiri kubatsira zvakare madzimai iwaya nemamasiki nemagirovhosi nezvimwe uyewo tichiona kuti havasi kuzvipinza munzvimbo dzinoita kuti vabatwe necoronavirus.”
Sangano iri rinoti kushungurudzwa kwemadzimai mudzimba nevana hakusi kuitika muZimbabwe chete asi pasi rose.