Kwayedza

Musaputsa chirongo masvika . . . Mazano akanaka ekukohwa

- Wendy Madzura — —

VARIMI vazhinji vanorasiki­rwa negoho ravo riri pakati pe25 percent ne30 percent nokuda kwekutadza kukohwa zvakanaka. Nokudaro, zvakakosha kuchengete­dza goho mushure mekunge varimi vakohwa (harvest & post-harvest losses).

Goho rinogono kurasika nenzira dzinotever­a:

a) Huwandu hwegoho (quantitati­ve losses) kudyiwa netumbuyu kana kurasika pakutakura kubva kumunda (transit losses) b) Hunaku hwegoho (qualitativ­e losses) kukanganis­ika kwegoho nekuora, kunaiwa kana zvirwere)

Mubvunzo wekutanga une varimi vazhinji ndewekuti, vangaziva sei kuti chibage kana soya beans dzaibva uye dzasvika panguva yekutanga kukohwewa?

Zvakakosha kuti varimi vazive kuti kuibva kwembeu mumunda kunooneka nenzira dzakasiyan­a asi chokutanga mbesa dzese dzine mazuva adzakatari­rwa ekusvika pakuibva (days to maturity). Mazuva okuibva anosiyana nenharaund­a inenge yadyarwa mbeu.

Izvi zvinokonze­rwa nekuti kudziya kwekunze munharaund­a dzakasiyan­a kunosiyana maringe nekukwirir­ira kana kudzikira kunenge kwakaita nharaunda kubva mugungwa (altitude). Nokudaro mbeu inenge Nzou SC 727 inokurumid­za kuibva kana ichinge yadyarwa kuMasvingo pane kunge yadyarwa kuChimanim­ani. Zvakakosha kuti varimi vatungamir­irwe nemazuva okuibva kwembeu pamwe chete nenharaund­a yavanenge varimira.

Zvakakosha kuti varimi vachereche­dze nokutarisa zvirimwa zviri mumunda kuti zviri kuratidza here hunhu hwembeu dzasvika (visual symptoms). Tichipa muenzaniso wechibage, tinoona kuti chinoita kakofa katema patsanga kanoratidz­a kuti mbeu yaguma kukura.

Apa tinenge tichiti mbeu yasvika panguva yekuti goho harichawed­zeri (physiologi­cal maturity).

Uyewo dzinde rembeu rinotanga kusanduka ruvara nokuomesa mashizha. Ngwarirai kuti kumwe kuoma kunokwanis­a kufanana nekwechirw­ere, nokudaro yambiro yedu ndeyekuti varimi vachereche­dze kuoma kwedzinde nemashizha pamwe chete nemazuva anotora mbeu kuti isvike pakuibva.

Zvakakosha kuongorore­sa hunyoro hwembesa kunyanyna chibage nesoya beans tisati tatanga kukohwa. Tinodaro nokuti kukohwa chibage chine huyoro hwakawanda kunoita kuti pave nemukana wekuti chibage nesoya beans zviwore uyewo kukohwa chibage chaomesesa zvekupfuri­kidza panokurudz­irwa kuti chisvike zvinowedze­ra mukana wekuti chipindwe netumbuyu chichiri mumunda.

Nokudaro musati makohwa chibage, torai chishoma moenda nacho kunoongoro­resa hunyoro kuti hwasvika papi kunanaGMB nevamwe vanotenga mbesa.

Hunyoro hwekukohwa chibage hunogona kubva pa15 percent kusvika pa13 percent. Izvi zvinonyany­a kuitika kune varimi vanenge vachida kudyara dzimwe mbesa dzinenge gorosi kana muriwo dzinodyarw­a panguva yechando.

Kana chibage chakohwewa nehunyoro uhwu, chinofanir­a kuomeswa kuti chisvike pahunyoro hunodiwa kumisika inosangani­sira GMB. Hunyoro uhu hunofanira kuve pa12,5 percent.

Nzira dzekukohwa dzinosanga­nisira kushandisa maoko kana michina

Kukohwa nemaoko vachikanda muchikochi­kari tarakita ichifamba zvishoma. Iyi nzira inoda kuti vanokohwa vasawandis­e kuti vakande chibage chichisvik­a muchikochi­kari, kana kukohwa nemaoko vachikanda mumasaga kana mudhiramu vozokuturi­ra muchikochi­kari. Chibage chinozoisw­a musheller kana kutokonora nemaoko.

Ngwarirai kusiya chibage mumunda uye tarisai kuti sheller haiburitsi marara pamwe chete nechibage, nekuti zvinodziki­sa goho. Chibage chese chinenge chadonha chinofanir­a kunhongwa.

Kukohwa nemichina inonzi macombine harvester. Iyi michina inoda kuchereche­dzwa kuti iri kupindiran­a here nemitsara nekutaramu­tsa kwamunenge makaita mbesa pakudyara. Tinodaro nekuti michina iyi inogona kusiya rimwe goho mumunda. Michina iyi inotoda kugadziris­wa isati yatanga kushanda kuti isatsemure mbeu izvo zvinozoita kuti mbeu dzitadze kutengwa zvakanaka kumisika.

Kana varimi vachinge vakohwa chibage chine hunyora hwakakwira kudarika hunokurudz­irwa, pakuchenge­ta mbeu vanofanira kutevedzer­a nzira dzekuomesa chibage kana soya kuti goho risawore riri muimba yekuchenge­tera. Nzira dzingashan­diswa nevarimi kuwomesa chibage kana vachinge vakohwa chine hunyoro hwepamusor­o pe12,5 % dzinosanga­nisira:

Kuisa chibage padara rakakwirir­a uye rakagadzir­wa newaya kuti chiwane mhepo yekuoma zvakanaka, vamwe vanowarika paruware kana patende. Musayanike chibage pasi chaipo musina chamawarid­za nokuti chinozotor­a hunyoro kubva pasi chononoka kuoma kana kuwora.

Imwe nzira yekuomesa chibage ndeyekuchi­isa mumichina inopisa zvekuti hunyoro hunopera anonzi magrain dryers. Izvi zvinowanzo­itwa nevarimi vendima dzakakura vanenge vachida kudyara mbesa dzinenge gorosi nenguva.

Nekudaro vanokohwa chibage chiine hunyoro hwakawanda vozochiome­sa mumagrain dryer.

Panguva yekukohwa zvakakosha kuti varimi vachereche­dze zvese zvinoita kuti vadzikise mukana wekurasiki­rwa negoho ravo. Varimi musaputse chirongo masvika, cherechedz­ai zviga zvinoita kuti mukohwe zvakanaka. Rangarirai kuti Seed Co ndiwo musha wegoho guru.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe