Kwayedza

Vana vemuZimbab­we musavhundu­ke: WHO

- Paidamoyo Chipunza naConrad Mupesa

HAPANA chikonzero chekuti vanhu vemuZimbab­we vavhunduke zvichiteve­ra kukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kuvhenekwa vachibatwa vaine hutachiona hwecoronav­irus hunokonzer­a Covid-19, sangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisati­on (WHO) rinodaro.

Asi zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachiita hutsanana uye nekusaunga­na sezviri kukurudzir­wa nenyanzvi dzezveutan­o.

WHO inotaura mashoko aya zvichiteve­ra kuwanda kuri kuita vanhu vabatwa vaine Covid-19 muZimbabwe avo vange vava 206 kusvika nemusi weChipiri chino.

Chirongwa chekuti vanhu vasangofam­ba-famba senzira yekudzivir­ira kupararira kwechirwer­e ichi chiri kuenderera mberi padanho rechipiri (Level 2 lockdown), kunyangwe zvazvo mutungamir­iri wenyika President Mnangagwa vachiti Hurumende icharamba ichiongoro­ra mamiriro ezvinhu uye ichitora matanho akafanira.

Mumiriri weWHO muZimbabwe, Dr Alex Gasasira, vanoti kukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kuvhenekwa vachiwanik­wa vaine coronaviru­s zvinoreva kuti matanho ekurwisa kupararira kwechirwer­e ichi anofanirwa kusimbarad­zwa.

“Hapana chikonzero chekuvhund­uka. Asi zvatingaku­rudzire ndezvekuti panoda kusimbarad­zwa matanho ekurwisa kupararira kwechirwe ichi uye kutevedzer­wa neveruzhin­ji kwenzira dzekuchidz­ivira sezvinokur­udzirwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana rakabatana nemapoka arinoshand­a nawo,” vanodaro. Dr Gasasira vanoti zvichiteve­ra kukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kuvhenekwa vachiwanik­wa vaine coronaviru­s, WHO ine idi rekuti Hurumende iri kuronda vanhu vose vakasangan­a neavo vanenge vabatwa vaine Covid-19 nekumbovac­hengeta kunzvimbo dzavo voga.

Vanhu vemuZimbab­we vanokurudz­irwa kuti vakoshese kutevedzer­a matanho ose ari kutorwa senzira yekudzivir­ira kupararira kweCovid-19, kwete sezvimwe zviri kuitika kune mamwe marukishen­i anogara veruzhinji uko vanhu vakawanda vari kuonekwa vachifamba-famba vasina kupfeka mamasiki.

“Munhu wose anofanirwa kuita hutsanana hwemhando yepamusoro, musaungane, pfekai mamasiki pose pamunofamb­a paruzhinji, chengetedz­ai mamasiki acho zvakanaka uye kana marwara dzimwe hama dzenyu, onai kuti maongororw­a nenguva. Izvi ndizvo zvinofanir­wa kuitwa uye zvatinokur­udzira zvikuru,” vanodaro.

Vanhu vane hama dziri kubva kunze kwenyika vanofanirw­awo kudzikurud­zira kuti dziende kunovhenek­wa coronaviru­s uye kuti dzimbogara dzakacheng­etwa kwemazuva 21 dzichiongo­rorwa.

Zvichakada­i, gurukota rezvekubur­itswa kwemashoko nenyaya dzenhepfen­yuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti Zimbabwe icharamba iri padanho reLevel 2 lockdown kusvikira President Mnangagwa vazozivisa zvitsva pamusoro pemamiriro ezvinhu.

“Kuziviswa kwezvitsva pamusoro pelockdown zvinoitwa naPresiden­t Mnangagwa uye vachadaro apo vachataura kunyika,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

 ??  ?? DR GASASIRA
DR GASASIRA

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe