Kwayedza

Zvangu zvakaronge­ka : Muzhingi

- Abel Ndooka

SHASHA yemujaho wemarathon, Stephen Muzhinji, inoti igere zvakanakis­a chaizvo panguva ino apo vamwe vari mune zvemitambo yakasiyana vari kuchema-chema zvikuru zvichiteve­ra kukanganis­wa kwaitwa raramo yavo nekuda kwechirwer­e cheCovid-19.

Pari zvino mitambo yakawanda yakambomis­wa senzira yekudzivir­ira kupararira kwehutachi­ona hwecoronav­irus hunokonzer­a Covid-19.

Muzhingi anozivikan­wa zvikuru ari nyanzvi panyaya dzemaratho­n uye akasimudza mureza weZimbabwe kunyika dzakasiyan­a achihwinha mijaho inosangani­sira Two Ocean’s Marathon neComrades Marathon kuSouth Africa.

Anoti mari yaakawana kumijaho iyi nemimwe yakasiyana akaishandi­sa kutangisa mabhizimus­i uye kuenda kuchikoro kunoita zvidzidzo zveSports Science zvekuti ndizvo zviri kumurarami­sa panguva ino apo mitambo mizhinji pasi rose yakambomis­wa.

“Ini ndigere bho! Icho ndicho chokwadi. Mari dzandaihwi­na makore ese aye ndaisaipur­a kwete, asi ndaishandi­sa kutangisa mabhindauk­o akasiyana zvekuti iye zvino ndigere zvakanakis­a chose uye mabhindauk­o aya ndiwo ave kundiraram­isa.

“Handichang­omirire zvekumhany­a chete. Muhupenyu, munhu unofanirwa kuve une mabhasikit­i akasiyana aunorarama nawo zvekuti rimwe rikasafamb­a zvakanaka unonokora mune rimwe bhasikiti,” anodaro Muzhingi.

Muchinda uyu anopa kurudziro kune vamwe vari mune zvemitambo kuti varongere remangwana ravo.

Anoti gore rino ngarive chidzidzo chikuru kunyangwe kune veruzhinji kuti zvakakosha kuve vakarongek­a muhupenyu hwavo.

“Coronaviru­s yapa chidzidzo iyi, hapana aimbozvifu­ngira kuti zvichadai. Saka nekudaro ngachive chidzidzo kune vamwe vangu vari mune zvemitambo neveruzhin­ji kuti ngatigadzi­rire remangwana redu.

“Kunakidzwa nekudya mari hakubatsir­e chinhu asi kuti kunokupinz­a muna taisireva mangwana. Ngatigadzi­rire remangwana redu. Ini iye zvino ndigere zvangu zvakanakis­a uye hupenyu huri kundifambi­ra zvakanakis­a chaizvo nekuti ndakagona kurongeka muhupenyu hwangu,” anodaro Muzhinji.

Vana vake vaviri vanoti mukuru Mathane (10) anoita zvekumhany­a marathon kozoti muchidiki wacho anoita zvekarate.

Anoti anogara achitaura nevana vake achivakuru­dzira kuti kana zvave kuvafambir­a muhupenyu hwavo mumitambo yakasiyana vachengete­dze mari dzavo dzavanenge vachihwina vagodzisha­ndisa nemazvo.

“Kana kuvana vangu, nguva yandinowan­a navo ndivovakur­udzira chaizvo kuti vazoshandi­sa mari dzavo nemazvo. Ndofunga vari kuzvionera iye zvino kuti hupenyu hwangu hwakaronge­ka sei, saka ndizvo ndinoda kuti hwavo huzorongek­awo,” anodaro.

 ??  ?? STEPHEN Muzhinji
STEPHEN Muzhinji

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe