Kwayedza

‘Musanyeber­we, hakuna muteuro unorapa Covid’

- Malven Mugadzikwa

MUKURU wechechi yeJohanne Masowe kuCentenar­y anoti veruzhinji ngavasabat­wa kumeso nemamwe maporofita kana vanamati vachinyeng­edzwa kuti kune muteuro kana mafuta akazodzwa anorapa chirwere cheCovid-19.

Madzibaba Biggie “Jonah” Musanzika vanoti kune mamwe maporofita nevakuru vemachechi vari kuudza vanamati kuti vatenge mafuta kana mvura dzavanoti vakanamati­ra vachiti zvinorapa Covid-19.

Vanoti uku kuita kwemaporof­ita anoda kungotora mari dzevanhu nekuti hazvishand­e.

“Tinokurudz­ira vanhu kuenda kuchipatar­a uye chechi yedu hairambidz­e mutendi wayo kunorapwa. Tinokurudz­irawo mamwe machechi kuti vabvumire vatendi vavo kunobatsir­wa kuzvipatar­a nekuti varapi vanotowedz­erwa zivo naMwari.

“Hakuna hutachiona hunorapwa nemuteuro kana nemafuta akazodzwa sekureva kunoita mamwe maporofita nevatungam­iri vemachechi. Vari kubata vanhu kumeso vachiti vane anointing oil kana anointing water inopedza coronaviru­s.

“Vanhu vakadai vanofanirw­a kusungwa votongwa kumatare nekuti uku kubira vanhu mari kuri pachena uye zvinoita kuti chirwere cheCovid-19 chipararir­e. Chedu semaporofi­ta nevakuru vemachechi kuparidza shoko raMwari nekudzinga mamhepo, zvikwambo nezvimwewo – kwete Covid-19,” vanodaro Madzibaba Jonah.

Asi vanoti vanhu vanofanirw­a kunamatira kuti chirwere ichi chipere sezvo riri denda rabata pasi rose.

Vanoti vanamati – kusanganis­ira maporofita nevakuru vemachechi – vanofanirw­a kuva muchereche­dzo wakanaka kunyika, kunyanya panyaya dzekuterer­a zvinodiwa neHurumend­e mukudzivir­ira kupararira kweCovid-19.

Mukereke mavo vari kukurudzir­a vanhu kupfeka mamasiki uye pavanosang­ana huwandu hwavo haudarike makumi mashanu sezvakatar­wa neHurumend­e.

“Tiri kushanda zvakanaka nechikwata chevakatum­wa kuzoongoro­ra kuti vanhu vari kutevedza murawo (taskforce). Takasunung­uka kuongororw­a tose kuti hapana ane hutachiona here uye takagadzir­ira kuti pakave nemumwe wedu abatwa aine denda iri, tomboburit­sa vose vaakanamat­a navo pachena kuti vaongorarw­e kuitira kuti chirwere chisaparar­ire.”

Vanotizve musangano ravo hapana ati aongororwa akabatwa aine coronaviru­s izvo zvavanoten­da vachiti muchereche­dzo wekuti vari kutevedzer­a mirawo yeHurumend­e maringe nekuzvidzi­virira.

Sangano ravo rakambomis­a kuti vanhu vanonamati­rwa vachibatwa misoro uye mharidzo dzavo nehumwe hurongwa hunoda veruzhinji vari kuisa muzvikwata zvemaWhats­App.

 ??  ?? MADZIBABA Biggie “Jonah” Musanzika
MADZIBABA Biggie “Jonah” Musanzika

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe