Kwayedza

Akatsemura mwana musoro adya dovi

- Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI anogara kuChitungw­iza anonzi akarova vana vaviri vemurume wake nemugoti ndokuvasiy­a vakuvara zvakaipisi­sa achivapome­ra mhosva yekuba dovi mumba ndokurikam­bura.

Amai ava vakamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungw­iza Magistrate’s Courts achitongwa nemhosva yekumbunyi­kidza vana (Section 7(1) of the Children’s Act Chapter 5:06 Ill treatment of Children and Young Persons).

Algeni Denga (28) uyo anogara panhamba 3405 Unit D, anonzi akarova vana ava nemugoti wekubikisa sadza mushure mekunge avawanikid­za vachikambu­ra dovi raive mugaba.

Vana ava — wemakore 12 neane makore 14 ekuberekwa — anogara navo.

Muchuchisi Norman Koropi anoudza dare kuti mangwanani emusi wa29 Chikumi gore rino, Denga akabva pamba achienda kumba kwasisi vake.

Paakazodzo­ka anonzi akawana vana ava vadya dovi achibva avadashura kuvarova nemugoti kakawanda miviri yavo vose.

Mumwe wevana ava akatsemuka musoro kuchiti mumwe wacho akakuvara maoko.

Mumwe muvakidzan­i ndiye akazozivis­a mapurisa nezvenyaya iyi, amai ava ndokuzosun­gwa.

Nyaya iyi iri kuenderera mberi nekutongwa mudare iri.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe