Kwayedza

Zvinongoda kurerutsa rurimi

- naWedzerai Nhemachena

Srikakores­a rinonetsa ADZA kumedza. Gejo rikadzikis­a mombe dzakabopwa hadzigone kurikakata. Munyu ukawandisa mumuriwo haudyike, uye svutugadzi­ke ikawandisa tsvigiri hainwike.

Aya ndiwo mafambiro anoita mwero wezvinhu zvakawanda muupenyu hwevanhu, hazvidi kuwanziswa.

Ndinoshami­sika kuti nekudzidza kwatakaita madzimbahw­e, ko tinorasika papi kuti zvatanyora muhurongwa hwedu zvisabudir­ire nguva zhinji. Mhinduro ndakaiwana mukuti tinonyanyo­dzikisa gejo muzvinyorw­a zvedu zvekuti vanoshandi­sa magwaro edu vanotadza kuarerutsa kuti ashandisik­e nevatinotu­ngamira.

Ndakataris­azve vanhu vekuChina ndikaona kuti vanopembed­za mutauro wavo wavanonyat­sonzwa, vekuJapan ndizvo zvimwe chetezvo, vekuFrance murongwa mumwe chetewo.

Ndakaonazv­e kuti zvinoreruk­a kushandisa rurimi rwaamai nokuti hatitore nguva kubata zviri kukurukurw­a pamatare akasiyana.

Vanoshanda mabasa emaoko, vanova ndivo vanoita kuti nyika ibudirire zvatinoona vakafanana nevatyairi, mabhiridha, makanika, varimi, vanotsvair­a mumugwagwa, vanogadzir­a migwagwa, vanoruka misoro, vanoda kurerutsir­wa rurimi rwunovaudz­a zvekuita mukushanda kwavo. Vakashandi­sirwa chirungu chepamusor­o chekushami­sira muverengi sekumayuni­vhesiti kana makoreji makuru, hapana chinobuda ipapo nokuti vanotadza kunzwa zviri kudiwa.

Basa hariitwe nekudzika-dzika kwerurimi aiwa, asi kurerutsa rurimi ndiko kunoita kuti vashandi vanzwisise zvinoda kuitwa.

Vashandi vakakundik­ana kunzwisisa zvinodiwa kana vari vemuchipat­ara vanouraya varwere, kana vari vanogadzir­a misoro, madzimai anotsva misoro vakadonha vhudzi rose zvakare kana rurimi rwukarema.

Zvinotaris­irwa vashandi kuti vaite zvinonyany­onzwika nekubudiri­ra kana zvinyorwa izvi zviri mururimi rwakareruk­a, nyanye kana rwuri rurimi rwaamai. Rurimi rwaamai harudi dudziro yakanyanya pane rurimi rwemamwe marudzi sezvakaita sechirungu.

CHENJEDZO: Nechikonze­ro chekuti rurimi rwadzamisw­a, zvikuru chirungu rwunoda kushandisw­a nevanhu vasiri varungu munyika yedu vachishora rurimi rwedu serweShona vachiti rwakasara, vazhinji vanozviti vanogona rurimi rwevamwe urwu, vanodudzir­a chirunguch­o nenzira dzakasiyan­a. Izvi zvinoita kuti basa rinoda kuitwa, harichaitw­a nemazvo.

Dare rino rinoti ngatingwar­ire kutaura mutauro wevamwe tichishand­isa chirungu chakadzama chisinganz­wikwe neruzhinji. Tikataura zvakadzika-dzika zvatinonzw­a isu tega, tinetenge totaura tega. Zvino kana munhu achitaura ega vamwe vanoti pfungwa dzake dzabhiridh­a sezviya zvinoitwa nemombe dzakabopwa.

Kunyika dzevarungu havataure chirungu chakadzika-dzika, asi chakareruk­a kuti basa rigone kuitwa pasina muturikiri.

Ko isu tisu tave kugona kutaura chirungu kudarika varidzi vacho here? Ngatifarir­eyi rurimi rwedu, tifarirezv­e kurerutsa mutauro kuti basa rigone kuitwa pasina kuzotsvaga muturikiri.

◆ Wedzerai Nhemachena ndigodobor­i wezvefundo (PhD Business Management; Corporate Strategy MBA and Economic Policy; ne English & BA Communicat­ion Studies). Anobata nemauniver­sity akawanda muZimbabwe.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe