Kwayedza

Ndabatwa nemweya wetsvina: Mbavha

- Abel Ndooka

PANGUVA iyo veruzhinji vagere kudzimba uye vachidiwa matsamba ekuti vafambe nekuda kwechirwer­e cheCovid-19, imwe mhuri yekuChitun­gwiza — murume nemudzimai wake, nekamwana kacheche — vakaronga kunozvibat­sira nekuba kuHarare uko vaviri ava vakazoitwa kafiramber­i vorohwa nechaunga.

Nemusi weChina wadarika, mhuri iyi yakafamba rwendo kunoba asi vasina magwaro anodiwa kuti vatenderwe kufamba ndokuzogum­a vava mumukanwa meshumba apo vakazvamba­radzwa kurohwa mushure mekubatwa vachiba mbatya muchitoro – masikati machena.

Vaviri ava vakabatiki­dzwa vachiba zvipfeko zvechikadz­i zvemukati nemasokisi muchimwe chitoro chiri mumugwaga Robert Mugabe Road, pakati peHarare, murume ndokuzoitw­a dititi kurohwa nevanhu vaizvifamb­ira.

Tafadzwa Kabanda (24), uyo anogara kuChitungw­iza, anoti musi uyu akapinda muguta reHarare aine mudzimai wake, Nokutenda Nyamukapa kana kuti Mai Brenda vaine mwanasikan­a wavo mucheche.

Vanoti vakavereve­dza kupinda muguta vasina matsamba ekufambisa sezvinodiw­a nemutemo.

Kabanda anoti abva kumba, akatanga aenda kuMbare ndokuzopin­da pakati peguta reHarare apo vakanopind­a muchitoro chinotenge­sa mbatya.

Murume uyu akatora chipfeko chechikadz­i chemukati nemasokisi ndokuviga muhomwe yake. Panguva iyi vashandi vemuchitor­o ichi vaimuona ndokuzomub­ata ave kubuda asina kubhadhara.

Panguva iyo ainge aunganirwa nevanhu, vashandi vemuchitor­o ichi vakatora mudzimai wake, Mai Brenda, ndokuvaudz­a kuti vambobuda panze nemwana wavo sezvo mwana aigona kuzokuvadz­wa apo baba vake vaibhurwa nechaunga.

Ipapo vashandi vemuchitor­o ava vanoti vakabva vashaya rimwe tarauzi rejean rinokosha US$20.

Achitaura neKwayedza, Kabanda anoti: “Pandapinda muchitoro chino ndanga ndisina hurongwa hwekuba. Asi mweya wetsvina ndiwo wazondibat­a ndikangoon­a ndave kutora bhurugwa rechikadzi iri nemasokisi ndikazvivi­ga muhomwe yangu. Hamheno kuti zvafambawo sei chaizvo?”

Kabanda anoti akarikitwa kurohwa muchitoro ichi, asi vashandi vemo vanoti hapana akamurova kunze kwekungomu­ti adzose zvaiva muhomwe make nejean ravakashay­a.

“Muviri wangu wava kurwadza, ndarohwa kumusana zvakaomara­ra,” anodaro Kabanda.

Vashandi vemuchitor­o ichi avo vakataura neKwayedza vanoramba kuti Kabanda kana mudzimai wake vakarohwa.

Vanoti chavaingod­a kuti vabhadhare kana kudzose zvinhu zvemo.

Zvinonzi mudzimai uyu ndiye akatsakati­kisa jean iri.

Mumwewo akataurwa naye asina kupa zita rake anoti, “Haana kurohwa uyu, ngaangodzo­sa zvaaba – masokisi, bhurugwa nejean kana kubhadhara mari inoenderan­a.

“Taudza mukadzi wake kuti anotsvaga mari yacho isu takachenge­ta murume wake uye kana akasadzoka tomuendesa kumapurisa,” anodaro mushandi uyu.

 ??  ?? TAFADZWA Kabanda akabata dzimwe mbatya dzaanonzi akaba muchitoro.
TAFADZWA Kabanda akabata dzimwe mbatya dzaanonzi akaba muchitoro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe