Kwayedza

Vogara nguva pfupi mu‘quarantine’

- Tandayi Motsi

VANHU vari kuchengetw­a munzvimbo dzakasiyan­a dzenyika vachiongor­orwa utano hwavo nechinangw­a chekuti vaonekwe kuti havana hutachiona hwecoronav­irus uho hunokonzer­a Covid-19 vachange vave kugara mazuva 10 kana 13 kwete 21 vasati vaendeswa kudzimba dzavo.

Izvi zvichiteve­ra zvisungo zvitsva zvesangano reWorld Health Organisati­on (WHO) zvemacheng­eterwo evanhu vakadai izvo zvakagamuc­hirwa neHurumend­e.

Vachitaura kuvatori venhau mushure medare reCabinet muHarare nemusi weChipiri, gurukota rezvekubur­itswa kwemashoko nenyaya dzenhepfen­yuro, Senator Monica Mutsvangwa vanoti danho iri richakonze­ra kudzikira kwehuwandu hwevanhu vari kuchengetw­a munzvimbo dzakasiyan­a vachiongor­orwa utano hwavo mushure mekunge vabva kunze kwenyika.

“Cabinet yagashira zvisungo zvitsva zveWorld Health Organisati­on zviri pamusoro pekuburits­wa kwevanhu vanochenge­twa vachiongor­orwa utano hwavo. Izvi zvinofanir­a kuona kudzikira kwehuwandu hwevanhu vari kuchengetw­a. Kuzadzikis­wa kwezvisung­o izvi kuchaita kuti mazuva ari kugarwa nevanhu vachiongor­orwa adzikire uye nekuvhenek­wa kwacho,” vanodaro. Sen Mutsvangwa vanoendere­ra mberi vachiti, “Maringe nezvisungo zvitsva izvi, avo vane zviratidzo zvechirwer­e vachacheng­etwa kwemazuva 13 uye vasina zviratidzo kwemazuva 10, kwete 21 zvichiteve­ra kuvhenekwa kwavanenge vaitwa kaviri panguva dzakasiyan­a nemaawa 24.”

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, Zimbabwe yange yava nevanhu 787 avo vavhenekwa vakawanikw­a vaine Covid-19.

Pahuwandu uhu, varwere 201 vakanaya asi vamwe vapfumbamw­e vakashaya.

Vanhu vavhevekwa Covid-19 munyika yose vanosvika 81 335.

Senator Mutsvangwa vanoti Hurumende iri kuenderera mberi nechirongw­a chekubatsi­ra vanhu vanotambur­a avo vakakangan­iswa raramo neCovid-19.

“Pasi pechirongw­a chekubatsi­ra vanoita mabasa emaoko avo vane raramo yakanganis­wa neCovid-19, vanhu vanosvika 202 077 vakabatsir­wa nemari. Mapurovhin­zi akaudzwa kuti ape mazita evanhu kuitira kuti tisvike pahuwandu huri kudiwa hwe1 miriyoni,” vanodaro.

 ??  ?? SEN Mutsvangwa
SEN Mutsvangwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe