Kwayedza

NeSeed Co, murimi unokohwa

- Godfree Magavu.

KUNYANGE mwaka uchangopfu­ura wa2019-2020 wange uine mvura shoma, tinokoroko­tedza varimi vose vakarima mbeu dzinouchik­wa nekambani yavo yeSeed Co sezvo varimi vazhinji vari kupupura nemufaro mukuru kubudikidz­a negoho ravakawana pambeu dzavo idzo dzinoshing­a pamwe nekutiviri­ra zvakanyany­a kuzuva kana dai dzikarimwa muminda isingadiri­dzirwe. Tinogarozi­visa varimi nguva dzose kuti vagadzire minda yavo zvakanaka uye nenguva (land preparatio­n), vosarudza mbeu yakanaka inoenderan­a nedunhu ravo, vozodyara pamwe nekuririti­ra mbesa dzavo (management) nenguva uye nemwero kwawo kusvika pakudzikoh­wa kuti vasazorasi­kirwa negoho. Chimwe chinoita kuti mbeu dzeSeed Co dzipe goho rinoendeka ndechekuti dzine gurinhwa dete, dzinoita mitsara mirefu inenge yakazara netsanga uye dzine tsanga hombe dzinenge dzakany’ura mumuguri (high shelling percentage).

Goho rinodakadz­a rakazadzis­ika pamunda pavaMunets­i Chavizha vekuWard 8, mudunhu reZaka, inova natural region 4 kuMasvingo.

“Ini semurimi wekuZaka, ndinodada pamwe nekuvimba zvikuru nembeu dzeSeed Co dzandakari­ma mwaka uno dzinoti SC529, SC555 neSC649 panzvimbo isina madiridzir­o. Zvirimwa zvangu zvakapedzi­sira kuwana mvura panguva yazvaiburi­tsa revhu rekutanga, dzairatidz­a kurwadziwa munguva dzemasikat­i nokusvava asi kumanheru nemangwana­ni dzaiyevedz­a nokuratidz­a marevhu matsvuku.

“Ndinotaris­ira kuwana matani mashanu kusvika matanhatu pahekita mushure mekusangan­a nezuva range ririko. Ndinonyany­ofarira mbeu idzi nokuti dzinozadza tsanga kusvika kumuromo uye dzinorema panova ndipo pane goho rangu. Kuti Seed Co ndokuti mbeu,” vanodaro vaChavizha. Vamwe vevarimi vanoti VaLuke Makonese naVaAnnani­as Muzapu vekuWard 13, kwaChinoru­mba, vanorumbid­zawo SC555 neSC529 idzo dzakarimwa naVaChaviz­ha vachiti ndiro vhangeri ravachapar­idza muminda yavo mwaka uno watakatari­sa wekurima.

◆ Godfree Magavu murimisi weSeed Co kudunhu reMasvingo.

 ??  ?? VACHAVIZHA vachifurur­a SC529
VACHAVIZHA vachifurur­a SC529
 ??  ?? VACHAVIZHA vari mumunda wavo wesugar beans yemhando yeSCBounty
VACHAVIZHA vari mumunda wavo wesugar beans yemhando yeSCBounty

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe