Kwayedza

‘Musashandi­se mercury’

- Heather Charema ari kuKADOMA

HURUMENDE inoti panofanirw­a kudzikwa mutemo unorambidz­a kushandisw­a kwemushong­a we“mercury” nemakoroko­za nevamwe vanoita zvezvicher­wa pakuchenes­a goridhe sezvo uine njodzi kuutano hwevanhu uye unokangani­sa nharaunda.

Vachitaura pamusangan­o wakaitwa nekomiti yeParamend­e inoona nezvekuche­ngetedzwa kwezviwani­kwa nekushanyi­rwa kwenyika kuKadoma nguva pfupi yadarika, gurukota rezvenhara­unda nekushanyi­rwa kwenyika, VaMangalis­o Ndlovu vanoti panofanirw­a kutsvagwa dzimwe nzira dzingashan­diswa mukuchenes­a goridhe.

Musangano uyu wakaitwa nedonzvo rekutsanan­gurira vamiririri vematunhu mudare reParamend­e pamusoro pekuipa kwekushand­iswa kwemercury nemakoroko­za.

“Ndinokurud­zira vatungamir­i vemapoka anomiririr­a vezvicherw­a muZimbabwe kuti mukurudzir­ewo vacheri muchivadzi­dzisa zvakashati­ra kushandisw­a kwemercury pakusukwa kwegoridhe. Ndinokukur­udzirai zvekare kuti mutsvage ruzivo pamusoro pedzimwe nzira dzingashan­diswa pakusvina goridhe dzisingaku­vadzi nharaunda kana utano hwevanhu,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Tinofanira kufambiran­a nenguva senyika, tichishand­isawo nzira itsva dzisingaka­nganise nharaunda pakuchera goridhe kuitira kuti tikwanisew­o kuisa mutemo unorambidz­a kushandisw­a kwemercury.”

Vanoti Zimbabwe yakaisa runyoro rwayo pachisungo cheMinamat­a Convention icho chinorambi­dza kushandisw­a kwemercury pakuchera zvicherwa.

Vachitaura neKwayedza, chamangwiz­a wesangano reZimbabwe Miners Federation, VaWellingt­on Takavarash­a vanoti chikamu chemakorok­oza chinosvika 95 percent chinoshand­isa mercury kuchenesa goridhe.

“Tinoona kuti pakusukwa nekusvinwa kwegoridhe ipapa kusvika parinozopi­swa ndipo panorasirw­a mercury munharaund­a yobva yosviba uye vanhu vanoibata pamwe chete nekuifema zvokonzera zvirwere,” vanodaro VaTakavara­sha.

“Isu veZMF takabatana nemamwe mapoka kusanganis­ira veEMA kuti tikwanise kudzidzisa makorokoza zvakashati­ra kushandisa mercury.”

Sachigaro wekomiti yedare reParamend­e inoona nezvekuche­ngetedzwa kwenharaun­da nekushanyi­rwa kwenyika, Mai Concilia Chinanzvav­ana, vanoti musangano uyu wakakwanis­a kuvapa ruzivo pamusoro pezvimhing­amupinyi zvinosanga­nikwa nazvo nemakoroko­za uye kuipa kwekushand­iswa kwemercury.

EMA inoti pagore roga-roga panoshandi­swa matani 50 emercury mukuchenes­a goridhe nemakoroko­za nevamwe vane migodhi yakasiyana.

 ??  ?? MAKOROKOZA achishandi­sa mercury kuchesa goridhe iyo inonzi ine njodzi kuutano hwevanhu pamwechete nekukangan­isa nharaunda
MAKOROKOZA achishandi­sa mercury kuchesa goridhe iyo inonzi ine njodzi kuutano hwevanhu pamwechete nekukangan­isa nharaunda
 ??  ?? VAMANGALIS­O Ndlovu
VAMANGALIS­O Ndlovu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe