Kwayedza

TSIKA NE‘COVID-19’

- Kingstone Mapupu

NYANZVI dzezvechiv­anhu, vatungamir­iri vemachechi, pamwechete nemachirem­ba akadzidzir­a basa vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vasiyane nedzimwe tsika dzinopesan­a nezvinodiw­a mukurwisa chirwere cheCovid-19.

Izvi zvinotever­a nyaya yerimwe vhidhiyo riri kutenderer­a rinoburits­a mumwe murume achipaumba kupopota vanhu vakaungana paguva paivigwa ambuya vake achiti mutumbi wavo waifanirwa kutanga warara mumba, wozovigwa zuva rechimangw­ana racho setsika dzechivanh­u.

Muvhidhiyo iri, iro nyaya yacho isati yave kuzivikanw­a kuti yakaitika kupi, murume uyu anonzwikwa achiti mbuya vake vanofanirw­a kumbomira kuvigwa, mutumbi wavo womboendes­wa kumba kuti unorara husiku hwose nekuti zvikasadar­o vanomumuki­ra ngozi.

Asi zvose izvi zvinoshaya basa sezvo vamwe vanhu vari kubuda pavhidhiyo iri vanoendere­ra mberi nekuviga mutumbi vachiti murume uyu ane “mweya wetsvina”.

“. . . munoda kundiparir­a ngozi haikona? Ndimbuya vangu ava, ndimbuya vangu. Hazviite kuti vavigwe nekuti zvine ngozi, vanototang­a varara mumba,” murume uyu anodaro vanhu vaungana paguva apa mota ine chitunha imire padivi. Mambo Seke, VaStanley Chimanikir­e vekuMashon­aland East vanoti dzimwe tsika dzinofanir­wa kusandurwa, zvikuru idzo dzinopesan­a nekurwisan­a nezvirwere zvinosanga­nisira Covid-19.

“Hakuna mitemo isingasand­urwe zvichifamb­irana nematambud­ziko atinenge tasangana nawo. Pakauya HIV neAIDS neCholera nezvimwewo zvakakonze­ra kusandurwa kwemitemo yakawanda pachivanhu. Mimwe mitumbi inouya yakaputirw­a nemapepa zvekuti hakuitwe ‘body viewing’ wani? Izvozvi zvekuti mitumbi isarare mudzimba tinozvitsi­gira isu semadzishe senzira yekudzivir­ira kupararira kweCovid-19,” vanodaro Mambo Seke.

Dr Enock Mayida, avo vanova chamangwiz­a wechipatar­a cheChitung­wiza Central Hospital vanoti idanho rakachenje­ra zvikuru kuti vanhu vakurumidz­e kuviga mitumbi yevafi vavo pane kuvachenge­ta kwemazuva.

Vanoti hazvina zvazvinoba­tsira kuti vanhu vachengete­dze mitumbi yevashakab­vu sezvo kuramba vanhu vakaungana zvichipa mikana mikuru yekutapuri­rana Covid-19.

“Isu semachirem­ba kana kuti nyanzvi dzezveutan­o tinoti kana munhu afa vehukama ngatikurum­idzei kuviga mutumbi kwete zvekurara takaurindi­ra. Nyika yedu haisati yava nemichina inokwanira­na yekuona kuti munhu afa neCovid-19 saka afa ngativigei ipapo pasina kupedza nguva.

“Izvi zvinotipa mikana yekuchenge­tedza utsanana uyewo tisaite

chitsokots­oko, togeza maoko nemvura inochuchur­uka nesipo tichizora masanitise­rs. Tisabatane maoko zvakare,” vanodaro Dr Mayida.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Hapana chatinobva pakuviga mitumbi yevafi vedu zuva iroro kuti tichengete­dze utano. Vacho vanobva kunze vari vapenyu vanomboche­ngetedzwa wani vachiongor­orwa kuti havana here hutachiona hwedenda iri.”

Vanoyambir­a vanhu kuti vasiyane netsika yekugezesa mitumbi yevafi vavo.

“Mitumbi yehama dzedu ngaiongoro­rwe nemachirem­ba kuti vashaika nei uyewo yogezeswa nenyanzvi kwete toga. Kumamisha dzimwe nguva hatizive kuti munhu afa nei, saka ngatikasik­ei kuviga mitumbi,” vanodaro Dr Mayida.

Kuchiti Pastor Hazvinei Muchefa vechechi yeRedeemed Christian Fellowship Ministry (RECFEM) vanoti dzimwe tsika dzinogona kusandurwa nekuda kwezvinosa­nganikwa nazvo panguva iyoyo.

“Kuvigwa kwemitumbi nekukasika inyaya yakanaka zvikuru nekuda kwematanho ari kutorwa munyaya dzekurwisa Covid-19 saka hapana chakamboip­a apa,” vanodaro Pastor Muchefa.

VaPatrick Kapfunde (52) kana kuti Sekuru Bhaureni vanobva kwaMadondo, kuMt Darwin vanoti hakuna chivanhu chisingasa­ndurwe zvichiende­rana nemamiriro ezvinhu.

“Isu tinotungam­irira chivanhu pamwe chete nemadzishe kana paine zvinoda kuti tsika dzisandurw­e. Zvekuti mitumbi isarare mudzimba zvakanaka zvikuru kana tichitaris­a denda ranetsa reCovid-19,” vanodaro Sekuru Bhaureni.

 ??  ?? MURUME aipopota paguva paivigwa ambuya vake achiti hazvaiita kuti vavigwe vasina kumborara mumba
MURUME aipopota paguva paivigwa ambuya vake achiti hazvaiita kuti vavigwe vasina kumborara mumba
 ??  ?? DR MAYIDA
DR MAYIDA

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe