Kwayedza

'HIV RING ROUYA AFRICA'

- Muchaneta Chimuka

SANGANO reInternat­ional Partenersh­ip for Microbicid­es (IPM) riri kugashira nemaoko maviri ongororo yakaitwa neEuropean Medicines Agency (EMA) mukuunza ringi rinobatsir­a mukurwisa hutachiona hweHIV (Dapivirine Vaginal Ring) iro rinoshandi­swa nevanhukad­zi vane makore 18 zvichienda mberi kuti vasatapuri­rwe kana kutapurira HIV.

Ringi iri rinoshandi­swa kamwe chete pamwedzi rakavepo senzira yekusimbar­adza nyaya dzeutano hwevanhuka­dzi izvo zvichaona vasikana nemadzimai vakawanda vachicheng­etedzeka zvichiteve­ra kuwanda kuri kuita nyaya dzehutachi­ona hweHIV, zvikuru munyika dziri mudunhu reSub- Saharan Africa.

Kuongororw­a kwakaitwa ringi iri kuchava hwaro hutsva apo richatanga kushandisw­a.

“SeEMA, tinoona riri danho guru rinokosha kumadzimai anenge achidawo nzira itsva dzinobatsi­ra mukuchenge­tedza utano hwavo, kunyanya mukurwisa HIV iyo isati yawanirwa mushonga unoipedza,” vanodaro Dr Zeda F Rosenberg vanova chamangwiz­a wesangano reIPM.

Sangano iri rinoshanda rakazvimir­irira uye ndiro rakabura Dapivirine Vaginal Ring.

Kushandisw­a zviri pamutemo kweringi iri kwakazadzi­kiswa pasi pemutemo weArticle 58 EMA’s Committee for Medicinal Products for Human Use vachishand­a pamwe nesangano reWorld Health Organisati­on kuitira kuti vanhu vari kunyika dzichiri kubudirira vabatsirik­ane.

Ongororo yeringi iri yakaitwa nemushandi­rapamwe wenyika dzepasi rose uye yakatora makore 16 kuti izosvika pakubudiri­ra gore rino.

Dr Rosenberg vanoti ringi iri richabatsi­ra mukuderedz­a mikana yekutapuri­rwa kana kutapurira HIV nechikamu che35 percent uye rinogona kushandisw­a nemadzimai asingade kutora mapiritsi avo emaAnti-retroviral drugs zuva nezuva.

“Madzimai anogona kusangana nemhirizho­nga yechibharo, nekudaro kana vachinge vaine ringi iri pane mikana yekuderedz­a kutapurirw­a hutachiona hweHIV. Kuvapo kweringi iri kuchaita kuti kodzero dzemadzima­i nevasikana dzeutano dzizadziki­swe,” vanodaro Dr Linda-Gail Bekker vanova deputy director weboka reDesmond Tutu Health Foundation uye zvakare vaimbova mutungamir­iri weInternat­ional AIDS Society.

Mukushandi­swa kweringi iri, madzimai anoripfeke­ra musikarudz­i richigaram­o kwemwedzi wose vachizorib­visa voisa rimwe panotanga mumwe mwedzi.

Ringi iri rakagadzir­wa ne”silicon” iyo inopota ichiburits­a mushonga wemaARV Dapivirine pashoma nepashoma uchipinda mumuviri.

Munyika dziri muAfrica, riri kutarisirw­a kuvamo mugore ra2021.

 ??  ??
 ??  ?? Dr Linda-Gail Bekker Dr Zeda F Rosenberg
Dr Linda-Gail Bekker Dr Zeda F Rosenberg
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe