Kwayedza

‘Todawo mari dzeCovid’

- Abel Ndooka

JAPHET “SHORT-CAT” MPARUTSA anoti sangano rinotungam­ira nhabvu reZimbabwe Football Associatio­n (Zifa) rinofanirw­a kurangarir­a shasha dzakambone­tsa mumutambo uyu kuburikidz­a nekudzibat­sira kuti dziwane raramo munguva ino yekuoma kwezvinhu apo nyika yakatarisa­na nekurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Achitaura ari kunyika yeEngland uko kwaanogara, Short-Cat anoti nekuda kwecoronav­irus, vanhu vapinda munzara, kunyanya shasha dzakambone­tsa dzichitamb­a nhabvu kudaro vanofanirw­a kurangarir­wa nebasa ravakabata vachimirir­a nyika.

“Chokwadi madhara mazhinji ari panzara nekudaro nebasa ravakabata vanofanirw­a kurangarir­wa uye Zifa inoziva vanhu vese kuti varipi saka inofanira kupota ichivakand­irawo tumbichana twekuti vabatsirik­ane muhupenyu hwavo panguva ino zvinhu zvakaoma,” anodaro.

Short-Cat, uyo aibata sekatsi mazuva aaitambira Dynamos, Black Rhinos nemaWarrio­rs zvakaita kuti azotumidzw­a zita remadunhur­irwa iri, anoti vanhu havana kumbobvira vakatarisi­ra kuti magariro avo achashandu­ka nekuda kwechirwer­e ichi.

“Mararamiro edu ashanduka zvikuru nekuda kwechirwer­e ichi, tave kutorarama hupenyu hutsva uye tinofanirw­a kutevedzer­a zvose zvinodiwa kuti tirambe tichiraram­a,” anodaro.

Zvakadaro, mutauriri weZifa, Xolisani Gwesela anoti sangano ravo harisati rambotambi­ra shoko rekuti pane shasha yakambonet­sa ichitamba nhabvu iri kutambudzi­ka zvikuru uye ndokuti kana pane vari kudya nhoko dzezvirond­a vasvike kumahofisi avo voona kuti vanovabats­ira sei.

Asi, anokurudzi­ra vatambi venhabvu kuti panguva yavanenge vachitamba mutambo uyu vachengete­dze mari yavo zvakanaka kuitira kuti remangwana vazokwanis­e kurarama.

“Isu hatina munhu akaita mukurumbir­a wekutamba nhabvu akambouya kwatiri achiti ari kuona nhamo muhupenyu hwake uye kana varipo ngavauye kumahofisi edu tigoona kuti tobatsiran­a sei?

“Asi, kurudziro yedu ndeyekuti kana vapedza kutamba nhabvu ngavasango­gare kudzimba, ngavatsvag­e zvimwe zvekuita munhabvu zvakaita sekuraidza nekuridza pembe chaiko. Isu tinovabats­ira kuti zviendeke vagobatsir­ikana.

“Uye chimwe chinhu chikuru, paye kana vachitamba nhabvu mari dzavanenge vachiwana ngavadzich­engetedze vachitangi­sa tumabhizim­isi tunovabats­ira muhupenyu hwavo,” anodaro Gwesela.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe