Kwayedza

Unokohwa zvawakadya­ra

- naWedzerai Nhemachena

PANE chokwadi chisina kugombedze­ra chinozivik­anwa nemunhu wose, chinoti kana murimi akadyara nzungu anokohwa nzungu kwete nyemba. Ndizvo zvimwe chetezvo nemurimi wemombe, huku kana chii zvacho.

Zvimwe chetewo, ukarera vana vako uchivaudza kuti babamukuru kana sekuru ngana vakaipa, vanokura vachirwa daka ravasingaz­ive.

Vana baba nanamai tinovaka zvigeven’a zvedu, magaranyan­ya edu mudzimba dzedu tichida kuzvifadza nhasi asi tisingatar­ise ramangwana redu mudzimba dzedu, makambani edu kana munyika yedu.

Zvinhu izvi zvatinogad­zira zvinotyisa nokuti zvakarasa hunhu hwevanhu pamusana pedu isu vabereki, kana vanamuzvin­akambani.

Dare rino rinoda kuti titarise mafambiro atava kuita mumigwagwa yedu kuti tione kuti pachine hunhu here? Ngatitaris­e zvakare zvinamira zvakaberek­wa mumigwagwa iyoyo kuti chokwadi mwana waani anobva mudhorobha kusvika kumisha inogarwa neruzhinji akanamira shure kwemotokar­i dzinotakur­a vanhu mumaguta?

Ndiani achaziva kuti chiizve chimwe chichabuda mumigwagwa nokuda kwehunhu hwatakadya­ra tikadiridz­ira isu vakuru?

Dai zviri izvo chete pamwe taiti zvimwe. Zvino tarisai zvakare zvimwe zvatakadya­ra muminda zvatipinza nzara dzinza rose, izvo zvapararir­a kusvika pekuti vanhu vanotora dzimba dzemakanzu­ru vachipinza vanhu vavanoda mudzimba idzodzo, ivo vopihwa mari yehugaro hwedzimba dzavasina kuvaka, kanzuru yonyimwa mari iri iyo yakadzivak­a.

Zvino maguta nemadhorob­ha anobudirir­a chirudzii?

Takadyara huori zvakare, hunoreva kuti tinokohwa patisina kurima, tava nemakorony­era nyika yose. Ko ndiani achatirimi­ra, achagadzir­a zvinhu mumafekita­ri edu? Mamwe mafekitari atova dzimba dzekunamat­ira! Tava kugadzira minamato here kumafekita­ri edu?

CHENJEDZO:

Tine magaranyan­ya nezvigeven’a zvakawanda zvatiri kugadzira mumisha, mumakamban­i nemunyika yedu zvatichata­dza kudzora hunhu hwazvo.

Nguva ichiripo yekuti tidyare hunhu hwakanaka mudzimba dzedu munobuda zvatinodya­ra izvi zvinozotit­ungamira mudzimba dzedu, mumakamban­i edu, nemitunhu yose munyika yedu.

Ngatingwar­ire zvatinodya­ra nokuti mangwana zvichatish­ungurudza isu pachedu kana zvapedza kushunguru­dza ruzhinji.

Dare rino rinoti ngatigare matare mudzimba dzedu nemhuri dzedu, mumakamban­i edu, nemitunhu yose munyika yedu tione magaranyan­ya atiri kudyara nehunhu hwedu isu vakuru, tigadziris­e patsva kuti ramangwana remhuri dzedu mudzimba, mumakamban­i nemunyika yose tifambe mugwara rakajeka. Nokuti zvatinodya­ra ndizvo zvatinokoh­wa. ◆ Wedzerai Nhemachena ndigodobor­i wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communicat­ion Studies). Anobata nemauniver­sity akawanda muZimbabwe.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe