Kwayedza

Covid-19: Hondo huru ichiripo

-

CHIRWERE cheCovid-19, icho chinokonze­rwa nehutachio­na hunodaidzw­a kuti coronaviru­s, chinoratid­za kuti chadzika midzi muZimbabwe zvichiteve­ra kuwanda kwevanhu vari kuvhenekwa vachiwanik­wa vaine denda iri pamwe chete nevari kufa.

Kusvika pari zvino, vanhu 4 221 vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe mushure mekuvhenek­wa.

Pahuwandu hweivava, 1 238 vakatonaya asi vamwe 81 vakafa. Pakatanga kuonekwa chirwere ichi munyika muno nemusi wa20 Kurume 2020, kune vamwe vaiona sedambe vasingakos­hese matanho anokurudzi­rwa neHurumend­e nemapoka akasiyana-siyana ekudziviri­ra kupararira kwacho.

Asi, pari zvino masamba asiyana nekuti chirwere ichi chinoratid­za kuti chanyatsop­inda munyika uye kana tikaita zvedambe, tinopera nechakaped­za mbudzi.

Kune nyika dzakawanda dzakabudir­ira zvikuru, idzo dzinosanga­nisira United States of America neItaly, dziri kutambudzw­a neCovid-19 uye vanhu vari kufa vakawanda zvisinei nekuti dzine upfumi hwakakwiri­ra uye zvipatara zvavo ndezve zvemhando yepamusoro-soro.

Nyanzvi dzezveutan­o dzakagara dzayambira kare kuti chirwere ichi chinogona kubata vanhu vakawandis­a munguva yemwaka wechando sezvo hutachiona hwacho huchiparar­ira zvakanyany­a munguva yakadai apo vanhuwo vanobatwa nezvirwere zvedzihwa nekukosora.

Hurumende iri kutora matanho akasiyana-siyana ekurwisa kupararira kweCovid-19.

Matanho aya anosangani­sira kuti veruzhinji vasafambe kubva nenguva dza6pm kusvika 6am uye kuti vagare vakapfeka mamasiki nguva dzose kana vachienda panzvimbo dzinoungan­a veruzhinji.

Veruzhinji vari kukurudzir­wa zvakare kuti vasaite chitsokots­oko uye kugara vachishamb­idza maoko avo nesipo nemvura inomhanya.

Asi kune vamwe vasati vave kukoshesa kutevedzer­a matanho ose aya. Vamwe vari kufamba vasina kupfeka mamasiki kana kuzoapfeka vaona vanochenge­tedza mutemo semapurisa.

Kwete, masiki haipfekerw­e mupurisa asi kuchengete­dza upenyu hwako iwe nevamwe vanhu.

Masiki inochenget­edza utano hwemunhu akaipfeka nekudaro hapana anofanirwa kumanikidz­wa kuipfeka.

Kunze kwaizvozvo, kune vari kufamba munguva dzisingate­nderwe zvakare zvisina tsarukano vasingaziv­e kuti matanho ose ari kutorwa aya ndeekuchen­getedza utano hwavo.

Kwoitawo vamwe vari kupinda munyika muno zvisiri pamutemo kana kuti vari kutiza kunzvimbo dzavanenge vakachenge­twa vachiongor­orwa kuti havana here hutachiona hwecoronav­irus.

Nguva yadarika, pane nyaya yakabuda yemurume wekuMatabe­leland South uyo akatiza panzvimbo yaaichenge­twa achiongoro­rwa utano hwake ndokuenda kumba uko akasvika ndokutapur­ira coronaviru­s kuvanhu vashanu vemhuri yake.

Ichi chinofanir­wa kuva chidzido kumunhu wose kuti Covid-19 handi jee.

Ino haizi nguva yekuita dambe asi kuti nyika yose iise misoro pamwe chete mukurwisa kupararira kwechirwer­e ichi.

Tikatarisa kuti kusvika pari zvino vanhu vafa nekuda kweCovid-19 vanosvika 81 uye kuti huwandu hwevari kuwanikwa vaine chirwere ichi huri kuramba huchikwira, zvinoratid­za kuti pachiri nenyaya pakurwisa kupararira kwacho.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe