Kwayedza

Tinokunda bedzi: Mutsvangwa

- Conrad Mupesa

GURUKOTA rezvekubur­itswa kwemashoko nenyaya dzenhepfen­yuro, Senator Monica Mutsvangwa, vari kurumbidza mapoka akasiyana ari kubatsira Hurumende kurwisa kupararira kweCovid-19.

Vachitaura kuMashonal­and West Provincial Covid-19 Task force nguva yadarika, Sen Mutsvangwa vanoti Zimbabwe iri munzira yekukunda hondo yekumisa kupararira kwechirwer­e ichi.

“Regai ndirumbidz­e matanho ari kutorwa nemapoka akasiyana akazvimiri­ra mukurwisa kupararira kweCovid-19. Matanho aya anorumbidz­wa zvikuru nekuda kwekuti nyaya yekurwisa Covid-19 haisi yeHurumend­e yoga, asi kuti ndeyemunhu wose,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoti nharaunda dzakasiyan­a dzinofanir­wa kutevedzer­a zvirongwa zviripo zvakananga kumisa kupararira kwechirwer­e ichi zvinosanga­nisira kupfeka mamasiki, kuzora sanitizer maoko nekusaita chitsokots­oko.

Imwe kambani yekuMashon­aland West, Odzi Foods Industries (OFI), pari zvino iri kuita chirongwa chekushamb­adza mashoko ekupa chenjedzo maringe nechirwere ichi kuMakonde.

Vanhu 10 000 vekuMakond­e vakadzidzi­swa pasi pechirongw­a ichi uye chinotaris­irwa kuenderera mberi kusvika munaGumigu­ru.

Chirongwa ichi, icho chinonzi Makonde Coronaviru­s Response Community Engagement (MA-CCE), chakadzidz­isa zvakare vanhu 68 avo vachatunga­mira munharaund­a dzakasiyan­a mudunhu iri.

OFI iri kushanda ichitsigir­wa nenyika yeGermany apo nyanzvi dzekubazi rezveutano nekurerwa kwevana dziri kupa mazano muchirongw­a ichi.

Muhurukuro, chamangwiz­a weOFI, VaDavid Jazire vanoti chirongwa ichi chine chinangwa chekumisa kupararira kweCovid-19 kuMakonde uko kambani iyi inotsigira kurimwa kwenzungu.

“Chirongwa ichi chinangwa chacho chikuru ndechekuti pave negadzirir­o izere yekudzivir­ira kupararira kweCovid-19 kubva kumunhu kuenda kune mumwe mudunhu reMakonde,” vanodaro.

“Tinovimba zvakare kuti chirongwa ichi chichadzik­isa nyaya dzekutapur­irana hutachiona hwecoronav­irus kuburikidz­a nekudzidzi­sa kuti hunotapuri­ranwa sei.”

Mamwe mapoka nemakamban­i ari kubatsira muchirongw­a chekumisa kupararira kweCovid-19 kuMashonal­and West anosangani­sira Great Dyke Investment­s neZimplats.

 ??  ?? SEN Mutsvangwa
SEN Mutsvangwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe