Kwayedza

Votyora mitemo yemumigwag­wa

- Abel Ndooka

SANGANO reTraffic Safety Council of Zimbabwe (TSCZ) rinoti kubva nyika yatanga kuenda pa“lockdown” munaKurume, vanhu vakawanda vari kutyora mitemo yemumigwag­wa inosangani­sira kutyaira vasina marezinesi.

Vachitaura neKwayedza svondo rino, mutauriri weTSCZ, VaTatenda Chinoda vanoti mitemo yemumigwag­wa iri kutyorwa inosangani­sira vanhu vari kutyaira motokari vasina marezinesi nevamwe vanofamba nemotokari dzisina kutererwa.

Vanoti dzimwe motokari dziri kufamba mumigwagwa hadzitombo­tenderwa kuita izvi sezvo dzisina kukodzera.

VaChinoda vanoti izvi zvinogona kukonzera njodzi sezvo mumigwagwa yakawanda mapurisa vari kunyanya kutarisa matsamba ekufambisa kubva kuvatyaira vachisiya kubvunza marezinesi.

“Takaita ongororo kuti pakatanga lockdown apo vanhu vakanzi vasangofam­be zvisina chikonzero, tikaona kuti vamwe vabereki vari kupa vana motokari dzavo kuti vatyaire ivo vasina marezinesi.

“Kuita uku kwakashata zvikuru uye imhosva nekuti mwana uyu akatsika munhu kana kuita tsaona mumigwagwa zvokonzera kuti vamwe vanhu vafe, vose mubereki nemwana vanoenda kujeri. Imhosva munhu kutyaira asina rezinesi.

“Kana mitero yemotikari haisi kumbokoshe­swa uye dzimwe dzacho hadzina kumira zvakanaka — dziye dzinonzi zvipoto dziri kungofamba,” vanodaro VaChinoda.

Vanoti kubva nyika payakaenda palockdown, zvakamboba­tsira zvikuru pakuderedz­a njodzi mumigwagwa kunyanya pamazuva 21 ekutanga apo vanhu vose vakambogar­a kudzimba. Asi nekunyeven­utswa kwazoita matanho aya, njodzi dzemumigwa­gwa dzakatanga kukwira.

Vanoti kutaura kuno havasati vanyatsozi­va kuti pafa vanhu vangani nekuda kwenjodzi dzemumugwa­gwa kubva nyika payaenda palockdown sezvo vachiri kumboshand­a vakabatana nemapurisa eZimbabwe Republic Police kuunganidz­a magwaro aya.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe