Kwayedza

Varimi vofara nembeu dzeSeed Co

- Rabson Musumudziw­a

VARIMI vemadiridz­iro — kunyanya takatarisa­na neSiyalima Irrigation iri munharaund­a yeHose Shoe, mudunhu reGuruve, kuMashonal­and Central — vari kufara zvikuru negoho rinovafadz­a kubva kumbeu dzinouchik­wa neSeed Co.

Vachitaura pakushanyi­rwa kwemadirid­ziro eSiyalima nevarimisi veSeed Co vakabatana nenyanzvi dzezvekuri­mwa kwembeu mudunhu reGuruve pamwe neveDAPP, mukuru wemadiridz­iro eSiyalima, VaGodfrey Chimufombo vanoti vanofadzwa negoho ravari kuwana kuburikidz­a nokurima mbeu dzakauchik­wa nekambani yeSeed Co.

Mwaka uno wechando, VaChimufom­bo pamwe chete vevamwe vavo makumi matatu nevasere vakabatana vakarima mbeu yegorosi inonzi SC Select iyo inouchikwa neSeed Co pandima inosvika mahekita makumi matatu nemasere (38ha).

Murimisi weHurumend­e kubva kuAgritex, VaMuriro vanoti gore rino vane tarisiro yokuti pachabuda goho guru nekuda kwembeu yavakasaru­dza.

Vanoti SC Select yakavapa matungirwa (tillers) matanhatu padzinde roga roga. Vanowedzer­a vachiti musoro wegorosi wakakura chaizvo zvokuita 10cm pane tsanga dzakakora izvo zvinononge­dzera kugoho guru.

Ongororo yakaitwa yakaburits­a pachena kuti misoro yegorosi inoberekwa nematungwa inopa goho rine mumvuri kana zvichienza­niswa nemusoro unobva padzinde rokutanga. Nokudaro varimi vanokurudz­irwa kudyara gorosi ravo kubva panotanga mwedzi waChivabvu kusvika paunopera kuitira kuti rigoita mabukirwa akawanda anosimudza goho.

Chinangwa ndechekuti tigova nemadzinde mazana maviri nemakumi mashanu pandima yesikweya mita imwe naimwe. Mabukirwa anozobuda akawanda achibatsir­idzwa nechando.

Nyanzvi pakurimwa kwembesa muAgritex mudunhu reGuruve, VaLoki vanokurudz­ira varimi kuti vatore kurima sebhizimus­i. Vanoendere­ra mberi vachiti shizha rekutanga (flag leaf) pambeu yegorosi rakakosha nokuti ndipo panobva goho. Vanotizve rinofanira kuramba riine ruvara rwegirini kuti goho risaderera.

SeSeed Co tinogarota­ura kuti pane zvikonzero zvingadari­ka churu (1 000) zvingadzik­isa goho remurimi, asi zvinhu zviviri bedzi zvinoita kuti murimi awane goho guru.

Ndizvo zvinoti chokutanga kusarudza mbeu inopa goho, uye chechipiri nzira dzakanaka pakurimwa kwembeu (good agronomic practices GAPs).

SC Select inokwanisa kupa murimi goho ringapfuur­a matani gumi nerimwe. Pamusoro pazvo, yakauchikw­a kuti adzivirire zvirwere zvinodziki­sa goho sechengura (rust) ingaita pamashizha kana padzinde. Izvi zvoreva kuti murimi anochenget­edza mari zvoita kuti ave nepundutso pakurima.

Varimi vanokurudz­irwa kuita gadziriro yemwaka watatarisa­na nawo we2020/21 nokutenga mbeu dzavo dzinosanga­nisa dzechibage, soyabeans, nedzimwe dzakasiyan­a-siyana.

Vaenzi vakazorati­dzwa masaga akasonwa ane chibage cheSC727 chakarimwa paSiyalima icho chagadziri­ra kuenda kudura reGMB riri paGuruve.

Pakava nemukana wekuzivisa hutungamir­i hweSiyalim­a mbeu itsva dzinoender­ana nemamiriro ekunze dzakaita seSC659 inova yemwaka wepakati nepakati ichigona kupa goho remusvo ringasvika matani gumi nemasere pahekita yoga yoga.

Imwe itsva iSC555 yemwaka mupfupi iri muboka reMbizi. Inogona kupawo goho ringasvika matani gumi nemana pahekita.

PaTsoko panewo mbeu itsva inonzi SC419 asi yava negoho ringasvika matani gumi nematatu pahekita.

Varimi vakazokuru­dzirwa kutevedzer­a zviga zvinoita kuti tidzivirir­e denda reCOVID-19 radai kushunguru­dza pasi rose zvakaita sokugeza mawoko nemvura yakachena nesipo uye kusiya mukaha pakati pevanhu nokupfeka zvinofukid­za mhino nemuromo.

 ??  ?? Murimisi weSeed Co Rabson Musumudziw­a achironded­zera kukosha kwe”flag leaf” pakusimudz­ira goho regorosi ari paSiyalima Irrigation Scheme.
Murimisi weSeed Co Rabson Musumudziw­a achironded­zera kukosha kwe”flag leaf” pakusimudz­ira goho regorosi ari paSiyalima Irrigation Scheme.
 ??  ?? Chirimwa chegorosi reSC Select rakarimwa paSiyalima Irrigation Scheme.
Chirimwa chegorosi reSC Select rakarimwa paSiyalima Irrigation Scheme.
 ??  ?? Ichi chibage chakakohwe­wa mwaka uchangodar­ika wa2019-20 paSiyalima Irrigation Scheme. Varimi vakadyara mbeu yeNzou
SC727 uye vari kufadzwa negoho ravo uye kushingiri­ra kunoitwa nembeu iyi muzuva.
Ichi chibage chakakohwe­wa mwaka uchangodar­ika wa2019-20 paSiyalima Irrigation Scheme. Varimi vakadyara mbeu yeNzou SC727 uye vari kufadzwa negoho ravo uye kushingiri­ra kunoitwa nembeu iyi muzuva.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe