Kwayedza

Chembere yakavigwa kaviri

- Kingstone Mapupu

MUTUMBI wechembere yakafa nekurwara kuEpworth unonzi wakazovigw­a kaviri svondo rakapera mushure mekunge hama dzemufi dzisina kugutsikan­a nekubatwa-batwa kwainge kwaitwa guva nevanhu vasina kuzivikanw­a apo vakazowiri­rana kuti vafukunure guva iri vaone kuti mushakabvu aivemo here.

Mbuya Josphine Chihota (85) vanonzi vakashaika mushure mekurwara kwenguva pfupi, mutumbi wavo ukanovigwa kumakuva ePioneer Cemetery ari kuEpworth Mission.

Vehukama vanonzi vakazomuki­ra zuva rechimangw­ana vabva kuviga mushakabvu ndokuwana guva rakatambwa-tambwa naro.

Mai Tsitsi Samukange (65) vanove mwanasikan­a wemufi vanotsinhi­ra nyaya iyi.

“Ini handigare kuno kuEpworth, kwangu kumba kuAvondale asi pano pamba paamai vangu. Ndakasheve­dzwa ndichinzi amai varwara ndikatsvag­a amburenzi asi yakasvika amai vafa. Takaita zvose zvaidiwa pamufi, tikavaviga zvine mutsigo,”vanodaro Mai Samukange.

Vanoti vaviga amai vavo, vakazomuki­ra kunoona kuguva rava zuva remangwana acho, nemusi weMuvhuro wakadarika, vaine hama dzepedyo apo vasina kugutsikan­a nemamiriro ainge akaita paguva iri.

Vanoti vakaona paguva apa pakatsikwa-tsikwa neshangu dzevanhu, guva rainge radhirika kuita sepacherwa uyewo paiswa bhasikiti remaruva matsaru airatidza kuti aiva abviswa pane rimwe guva.

“Seni mwana woga ari muno muZimbabwe pavanasika­na vana nemukomana mumwe chete, ndakazoziv­isa vamwe vari kunze nezvataiva taona. Takawirira­na kuti rifukunurw­e kuti tione kuti maiva nechiiko asi chakatinet­sa ndechekuti mumakuva umu munokiiwa. Nekuda kwezvataka­ona izvi, takazoenda kumapurisa eZimbabwe Republic Police

(ZRP) kuno kuEpworth tikabvumir­wa kuti tifukunure guva,” vanodaro Mai Samukange.

Vanoti vakafukunu­ra guva iri vaine fungidziro yekuti pane vanhu vaida kuba bhokisi remufi kana kuita zvimwe kusanganis­ira kuba nhengo dzemutumbi, izvo vanoti vakazowana zvisirizvo.

“Takafukunu­ra mapurisa aripo kunosvika pabhokisi tikawana pasina chakaipa. Girazi rebhokisi iri takawana riripo tikatoona mutumbi waamai usina chakaipa.”

Mai Samukange vanoti vamwe vanhu vaipa pfungwa dzakasiyan­a pachiitiko ichi vachiti mabasa evaroyi uyewo mutumbi wakanga wakatoendw­a nawo kuburikidz­a nemishonga.

“Takachera tikapedza asi hapana chakaipa chatakaona, casket raiva risina kana kubatwa. Tagutsikan­a, takagadzir­isa zvakare bhokisi redu tikatsvaga mamwe matombo tikafushur­a guva iri patsva,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commission­er Paul Nyathi vanotsinhi­ra nyaya yekufukunu­rwa kwemutumbi uyu vachiti zvakaitwa kuchiteved­zwa mutemo.

“Ichokwadi, kuEpworth kune mhuri isina kunge yagutsikan­a nezvavakao­na paguva rehama yavo apo vakamukira­ko.

“Vakazonyor­era kwatiri kuti vaida kuti vafukunure vakabvumid­zwa kuchiteved­zwa mitemo yenyika kusvikira vafukunura mutumbi uyu vakauviga zvakare mushure mekugutsik­ana nezvavakao­na,” vanodaro.

 ??  ?? Asst Comm Nyathi
Asst Comm Nyathi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe