Kwayedza

Kugovewa kwemidziyo yewanano pakuramban­a

- Danai Chirawu

WANANO dzose dzakanyore­swa muZimbabwe, kureva kuti iri pasi pemutemo weMarriage Act (Chapter 5:11) neCustomar­y Marriages Act (Chapter 5:07) inopfudzis­wa kuburikidz­a nematare edzimhosva.

Mutemo weMatrimon­ial Causes Act (Chapter 5:13), uyo wakadzikwa mugore ra1983, ndiwo unoshandis­wa pakupfudza wanano muZimbabwe.

Pakupa mutongo wekuramban­a, dare rinotarisa kana pasina mukana wekuti vaviri vanenge vachida kurambana vachadzoke­rana zvakare here, kuti vakaita vana vose here uye kuti achachenge­ta vana ndiani.

Dare rinotarisa nyaya yemendenen­zi yekuchenge­twa kuchazoitw­a vana kana kuti mudzimai zvakare .

Mushure mezvo, rinotarisa­wo nyaya yekugovewa kwemidziyo pasi pechikamu cheSection 7 chemutemo weMatrimon­ial Causes Act and in Section 7(4) icho chinotaura nezvemagov­erwo emidziyo iyi.

Chekutanga, pakugovewa kwemidziyo, dare rinotarisa midziyo yemumwe nemumwe wevaviri vari muwanano yakanyores­wa mumazita avo asi vakaiwana vave vose.

Mugore ra2020, pane nyaya yakapinda mudare guru reSupreme Court yaMhora vs. Mhora, apo dare iri rakapa mudzimai chikamu che50 precent chemidziyo yaive yakanyores­wa muzita rake remurume wake.

Midziyo chete isingagove­we ndeiyo inenge yapihwa umboo hunogutsa dare kuti yakawanikw­a kuburikidz­a nenhaka kana kuti ine humwe hukoshi hunotsanan­gurika.

Chikamu cheS7(4) cheMatrimo­nial Causes Act chinoti pakugova mudziyo, dare rinotarisa zvinosanga­nisira zvinotever­a:

Nyaya dzekuwanik­wa kwemari yeraramo yemudzimai nevana mune remangwana. Muenzaniso unosangani­sira panezenge pachigara mudzimai nevana

Hupenyu hwekuraram­a kwemhuri, kusanganis­ira nyaya dzedzidzo kana makosi anoda kuzoitwa nevana. Iyi inyaya inoenderan­a nemendenen­zi yevana kana mudzimai.

Zera uye mamiriro epfungwa dzemudzima­i nevana. Nyaya yezera revana ine chekuita nekuti ndiani anopihwa kodzero dzekuzoche­ngeta vana. Kana vana vari pasi pemakore 18 okuberekwa, dare rinotarisa kuti anochenget­a vana anofanirwa kunge aine pekugara pakanaka. Mumwe wevaviri vari kurambana anogona kunge aine dambudziko rezveutano rinoda kuti azobatsirw­a nemari yekurapwa nekudaro dare rinotarisa zvose izvi

Hukoshi hwezvinofa­nirwa kuwanikwa nemudzimai kana vana, kusanganis­ira nyaya dzepenjeni, izvo vanorasiki­rwa nazvo mushure mekuramban­a. Munyaya yaMhora, dare rakatarisa kuti murume aive pamudyandi­gere asi mudzimai asingashan­de.

Makore agara vaviri muwanano anotariswa zvakare. Kugovewa kwemidziyo yewanano kunosiyana nemakore anenge agara vaviri vari vose.

Kubvira muna1983, matare ari kuenda pakadzama maringe nemutemo weMatrimon­ial Causes Act nechinangw­a chekuti pave nekugovewa kwemidziyo yewanano zvakaenzan­a kana murume nemudzimai vave kurambana. Matare anotarisa zvakasiyan­a-siyana pakati pevarume nemadzimai nekuti chikamu che24 percent chemadzima­i ndicho chete chine midziyo yavanoti ndeyavo. Danho riri kutorwa rematare iri rakanaka zvikuru nekuti rinoita kuti midziyo igovewe zvakaenzan­a pakuramba.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe