Kwayedza

Akaponderw­a mari yeroora

- Samuel Kadungure

MUSHA uri munzvimbo yeMasvosva, pedyo nedhorobha reRusape, svondo rapera wakaputirw­a nekusuwa kukuru zvichiteve­ra kupondwa kwemurume saimba nembavha dzaive dzakapakat­a zvombo dzichida mari yeroora pamwe chete nemari inobviswa nevanhu sechikwata yekuti izoshandis­wa mukuviga vafi (burial society).

Chikwata chembavha sere chinoratid­za kuti chaive neruzivo nezvemari iyi apo chakasvika pamusha waVaBoars Mamutse uri mubhuku rekwaGwere­mwezhe, kwaSadunhu Masvosva, ndokuponda murume uyu.

Mhondi idzi dzinonzi dzaida chikamu chemari yeroora yaive yabviswa muna Nyamavhuvh­u.

Pamusoro pezvo, mhondi idzi dzaida zvakare mari yose yeburial society kubva kune mushakabvu uyo anga ari mubati wehomwe yeMasvosva Village Burial Society.

Mutauriri wemapurisa kuRusape District, Assistant Inspector Muzondiwa Clean, vanotsinhi­ra nyaya iyi vachiti yakaitika nemusi weSvondo wadarika.

Vanoti mudzimai waVaMamuts­e, Thandiwe Makuyana, aive muimba yavo yekubikira apo vanasikana vavo — Caroline naTarisai — vaibika kudya kwemanheru vari mune imwe imba pakasvika mhondi idzi.

Zviso zvavo zvaive zvakavharw­a nemachira uye vainge vakapakata mazipanga, matemo nematanda.

Apo vakapinda muimba yekubikira, mumwe wemhondi idzi akabva abata VaMamutse nechisimba, ndokuvaudz­a kuti vavape mari yose yavaive nayo.

VaMamutse vakaudza mhondi idzi kuti vakange vasina mari, asi chikwata ichi chakatanga kuvarwisa vose nemudzimai wavo.

“Vaviri vemhondi idzi vakabva vamanikidz­a Muzvare Makuyana kuti avatungami­rire kuenda kumba uko vanasikana vavo vaviri vaibika chikafu chemanheru. Chikwata chemhondi ichi chakabva chasunga amai ava nevanasika­na vavo maoko netambo kuseri kwemusana.

“Vamwe vechikwata chembavha ichi vakaramba vachirwisa VaMamutse vachiti vanoda mari,” vanodaro Asst Insp Clean.

VaMamutse vakazama kurwisana nemumwe wemhondi idzi asi vakakurirw­a simba ndokubva vatemwa nedemo kamwe chete pamhuno.

“VaMamutse vakabva vadonha pasi apo chikwata ichi chakavazvu­zvurudza kuenda navo kuimba yavanorara. Vakaramba vachivarov­a mumusoro. Chikwata chemhondi ichi chakazoba US$7 yaive musuitcase yaVaMamuts­e neimwe mari yemuno isina kuzivikanw­a huwandu hwayo,” vanodaro.

Mhondi idzi dzakabva dzanyangar­ika murima.

“Muzvare Makuyana vakazokwan­isa kuzvisunun­gura pamwe chete nevanasika­na vavo pavaive vakasungwa. Vatatu avo vakawana VaMamutse vafenda varere mudivi reropa muimba yavo yekurara. Pavakaridz­a mhere yekuti vabatsirwe, vavakidzan­i vavo vakanovaya­mura. Vamwe vanhu vakabva vapihwa basa rekuvhima mhondi idzi asi hadzina kuonekwa,” vanodaro Asst Insp Clean.

VaMamutse vakazomhan­yiswa kuchipatar­a cheRusape General Hospital asi vakasvika vachinzi vainge vatofa.

Asst Insp Clean vanokurudz­ira veruzhinji kuti vatevedzer­e zvinenge zvichitaur­wa nembavha dzinenge dzakapata zvombo nechinangw­a chekucheng­etedza upenyu hwavo.

Vanokurudz­ira zvakare veruzhinji kuti vasachenge­te mari yakawanda mudzimba dzavo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe