Kwayedza

EMWANA MU ' TOILET' … anga atowora

-

BABA vemwana wemakore manomwe okuberekwa wekwaMureh­wa uyo akapondwa nechinangw­a chinofungi­dzirwa kuti ndechekuch­ekeresa vanoti vakagurwa kunorira uye zvinovarwa­dza kunzwa kuti mukoma wavo ane chekuita nenyaya iyi.

Tapiwa Makore (Jnr) akapondwa chipo chemasvond­o matatu adarika, mutumbi wake ndokuzonho­ngwa ikoko asi wakabviswa musoro nemutsipa, maoko nemakumbo ose.

Musoro nemaoko hazvisati zvawanikwa asi makumbo akaburitsw­a muchimbuzi chemumusha nemusi weChishanu.

Tafadzwa Shamba (40) — uyo anga ari mufudzi wemombe — pamwe chete nababamuku­ru vemwana uyu, Tapiwa Makore (Snr) (57), vakatosung­wa nekuda kwemhosva yekuponda yavari kupomerwa.

Shamba anga achifudza mombe dzababamuk­uru ava uye anoti vakapara mhosva iyi pamwe chete.

Svondo rino baba vemwana wekupondwa uyu, VaMunyarad­zi Makore (39) — avo vanoita basa rekubika cobra vachitenge­sa

— vanodurura zviri pamwoyo pavo kuKwayedza.

Vanoti vanga vaine tarisiro yekuti mwanakoman­a wavo mumwe chete aizorarama­wo oita upenyu sehwevamwe.

“Tapiwa ndiye oga pavana vangu vatatu anga ari mukomana – mukuru ari musikana, kwouya iye newekupedz­isira musikana. Anga ava Grade 1 paNyamutum­bu Primary School zvekare aigona muchikoro.

“Aisipota achibatsir­ana nehanzvadz­i yake huru kurinda kugarden redu. Musi uyu ndakabuda ndichienda kuchigayo iye ndokuenda kugarden semazuva ose, aka ndiko kakava kekupedzis­ira kuona mwana wangu,” vanodaro baba ava mazivo avo akatsvuka misodzi yekurwadzi­wa.

Vanoti vakazoteve­ra kubindu uku pamwe chete nemudzimai wavo, Mai Linda Munyori (32), apo vakasvikow­ana mwana wavo asiko ndokumutsv­aga asi vakamushay­a.

Mutumbi wake wakazowani­kwa rechimangw­ana racho usina musoro, maoko nemakumbo.

Murume uyu anoti chinonyany­a kumurwadza munyaya iyi ndechekuti nyakuruka zano rekuponda mwana wake anonzi mukoma wake weropa, Tapiwa Makore (Snr).

“Mukoma wangu kana ariye akaponda mwana uyu akandirozv­a. Akanditema nerakagoma­ra uyo ari kudurwa naTafadzwa Shamba kuti vakauraya mwana wangu pamwe chete.

“Handizive kuti ndakavatad­zira chii, pataitsvag­a mwana mukoma wangu aitobatsir­a achiita sekunge pasina zvaaiziva uye achitishin­gisa. Asi zvose ndave kungosiira kuna Mwari, wangu mwana akatofa.

Tapiwa Makore (Snr) anonzi ane mudzimai nevana, vamwe vacho vari kunze kwenyika. Anonzizve mutyairi wematekisi uyo anogara kumba kwevaberek­i vake mumusha weMufakose, muguta reHarare, uko anoita bhindauko rekupfuya huku achitenges­a.

“Ndangariro dzangu dziri pakuti mwana wangu paaichekwa nezibanga rinotaurwa iri kusvikira adamburwa musoro ivo vanhu ava vainzwa sei? Dambudziko ratava naro nderekuti iwo musoro wemwana wangu hausati wawanikwa, uyu uripo wakaendesw­a kunoongoro­rwa kuParireny­atwa unonzi ndewe mumwewo mwana ane makore 12 okuberekwa.

“Makumbo bedzi ndiwo awanikwa muchimbuzi, apa guva raida kuvigwa mwana rakangosha­ma,” vanodaro VaMunyarad­zi Makore nemusi weChishanu apo

Kwayedza yaivepo pakaburits­wa makumbo aya muchimbuzi.

Bhokisi rekuviga naro mwana uyu rakatoteng­wa uye rakangoche­ngetwa.

Musoro nemaoko zvaTapiwa Makore (Jnr) zvinonzi zvakaenda nen’anga iyo isati yasungwa. Mapurisa vanoti vari kuvhima n’anga iyi nemeso matsvuku. Shamba – uyo anoyer a mutupoweMu­svinyangwa Nzombe – anonzi ari kutaura kuti akatumwa kuponda mwana uyu naT apiwa Makore (Snr) nechinangw­a chec uchekeresa nhengo dzemuviri wake.

Imo mumhuri yekwaMakor­e munonzi mune vanoita zvehun’anga.

Mumhuri iyoyi munonzi mune mum wewo murume akafa nekupondwa ainzi George Makore.

Mai Linda Munyori (32) — vanova amai vaTapiwa Makore (Jnr) — vanoti vakagurwa kunorira nekupondwa kwemwana wavo.

“Takaita vana vedu vatatu — musikana ane makore 10 okuber ekwa, iye Tapiwa nemusikana wekupedzis­ira ane makore maviri. Handaimbof­unga kuti vanhu ivava vangatidar­o nekuti huswa hwakapfiri­riswa imba yababamuku­ru ndini ndakacheka nekuitawo mamwe kwavo,” kumba mabasa vanodaro.

Vanoendere­ra mberi: “Vanhu vekwaShamb­a

tiri kudyidzana navo zvikuru munyaya iyi, vakaunza ngoro mbiri dzehuni ne50kg yechibage. Kunyangwe kukanzi varipe mwana wangu, hazvimbofa zvakandisu­nungura nekuti haadzoke, akatofa.”

Vakazotend­a rubatsiro rwavari kupihwa neruzhinji zvichiteve­ra kupondwa kwemwana wavo. Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanokwanis­a kuridza nhare dzinoti 0787 335 468 kana 0778 155 787.

 ??  ??
 ??  ?? MUNYARADZI Makore
MUNYARADZI Makore
 ??  ?? TAPIWA Makore (Jnr)
TAPIWA Makore (Jnr)
 ??  ?? LINDA Munyori
LINDA Munyori
 ??  ?? GUVA raTapiwa (Jnr)
GUVA raTapiwa (Jnr)
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe