Kwayedza

UNONZI ‘MUSHA’ NATAFADZWA SHAMBA

‘Akaba nhumbi dzamai vafa’ Ndokup aza dzimba dzose

- Nyaya naKingston­e Mapupu Mifananidz­o naKudakwas­he Hunda

CHIVANZE chose anongova masora nemarara. Dzimba dzakapera kudhirika zvidziro nematenga. Imwe yacho yasara imire ine denga rehuswa rave kuwaranyuk­a. Chine upenyu chasara bedzi pane uri kunzi musha uyu miti miviri yemukonde iri nechekumab­vazuva, madzvinyu nemakonzo kuita madiro. Pamwe nenyoka!

Haumirire kuudzwa kuti wasvika padongo.

Pinda mukati memba imwe chete yasar imire. Ko ungamiswe nei iro gonhi pasina?

Chinokutam­bira igutukutu rekunhuwa kwezviri mukati. Mune magumbeze akawaridzw­a pahuriri ayo anoratidza kuti haachaziva kuwaranyur­wa. Kuabvarany­ura kunotoda vane mwoyo yakasimba nekuti unogona kuburitsa zvawadya.

Hamuna zvinoshami­sira mumba umu semukurumb­ira (wakashata) waitwa nemuridzi wemo.

Ndiro imwe chete yakasiiwa isina kugezwa payagumisi­ra kudyirwa, poto yesimbi, hari yevhu, kapu nezvigubhu zviviri unenge watopedza midziyo irimo.

Ukuwo machira akavhara pamawindo abvaruka.

Svikai zvenyu pamusha waTafadzwa

Shamba — murume ari kuzviti ndiye akaponda nevamwe vake mwana wekwaMureh­wa anonzi Tapiwa Makore (7), ndokucheka-cheka nhengo dzemuviri wake zvekuusiya usisina musoro, maoko zvose nemakumbo.

Shamba (40) — pamwe chete nasazita uye babamukuru vemwana wekuuraiwa uyu, Tapiwa Makore (57) — vakatosung­wa nemhosva yekuponda mwana anga achidzidza paNyamutum­bu Primary School uyu.

Shamba anonzi nhoroondo yeupenyu hwake inozivikan­wa nenyaya dzehubhiny­a nehugororo.

Hama dzaTafadzw­a Shamba dzinoti hadzinyats­onzwisisa mararamiro ake.

Tendai Zulu (33), uyo anova muzukuru wemurume ari kubvuma kuti akaponda mwana uyu, anoti Shamba aimbonzi aiba nhumbi dzaamai vake vachiri vapenyu.

Zvinonzi akazotora nhumbi idzi, kusanganis­ira dzemukati, mushure mekunge amai ava vashaika, ndokudzite­ngesa dzisati dzagovewa.

Tafadzwa Shamba — uyo anoyera mutupo weMusvinya­ngwa Nzombe, achibva mubhuku raChinyani, ikoko kwaMurehwa — anonzi akatora mabhurugwa aamai vake nedzimwe mbatya kusanganis­ira magumbeze pavakafa, ndokunozvi­tengesa kwaBhora nekwaMureh­wa Centre.

“Sekuru vangu ava handizive kuti vachiri ‘right here’ nekuti vakashaiki­rwa nevabereki vose, ivo ndokutanga kutengesa zvinhu pamusha nekuti ndiye dangwe. Chakatinet­sa kuti akatengesa nezvipfeko zvaamai vake zvemukati ivo vafa nepavakang­e vari vapenyu izvo zvaisangan­isira mabhurugwa, mapitikoti, mabhodhi, madhirezi, magumbeze, mapoto nendiro. Akazogumis­ira ave kupunza imba achitenges­a zvidhinha zvacho,” anodaro Zulu.

Baba vaTafadzwa Shamba vanonzi vaiva nemotokari iyo mwanakoman­a uyu akatengesa, mari yacho ndokuidudu­nya mudoro nembanje.

“Dzimba dzaakasiir­wa nevabereki vake dzaiva nema‘tiles’ izvo zvose akakwatanu­ra nemahwindo nemadhoo frame akatengesa. Akazenge ave kugara achirwa nemudzimai apo vakazoramb­ana makore angaite gumi akadarika.

“Anorarama nemaricho muvanhu nekutsvaga howa achitenges­a munguva yeZhizha. Anga ava kugara muimba yekubikira isina madhoo nemahwindo iyo yakasiiwa nevabereki vake,” anodaro Zulu.

Tafadzwa Shamba anonzi akazobva ave kunogara kumba kwaTapiwa Makore (Snr) ava mufudzi wemombe nekuita mamwe mabasa mwedzi mitatu yadarika.

Panyaya yekutenges­a nhumbi dzaamai vake, zvinonzi madzisekur­u ake akazongo

ndokusiya zvakadaro pasina kugovewa kwenhumbi dzaive dzasara.

“Tafadzwa Shamba ane vana vaviri, mumwe chete akafa. Mukadzi wake mupenyu asi vakaramban­a uye ndiye aisimushan­dira pamusha apa vachiri vose. Vana vake vanogara kwatezvara vake makare muno,” anodaro Zulu.

Anoenderer­a mberi: “Zvimwe zvaakateng­esa zvinosanga­nisira welding machine neinjini yemota. Ane vanin’ina vaviri nehanzvadz­i imwe chete, vose vanogara kuHarare. Zvipfuyo akapedza kutengesa zvaisangan­isira mombe, mbudzi, hwai nehuku.”

Pakasvika Kwayedza pamusha paTafadzwa Shamba nemusi weChishanu wadarika, musha waitodyisa nerunyarar­o rwaivepo uye panoita kunge pasango.

Zulu akapinda nevatori venhau mumba yekubikira yasara imire umo muchakawar­idzwa magumbeze asi iye muridzi achinzi akagumisir­a kuraramo mwedzi miviri yakadarika uyewo dota ririmo muchoto.

VaJaphet Shamba (33), vanova babamudiki vaTafadzwa Shamba, vanotsinhi­ra kuti mwana wavo akatengesa midziyo yevabereki vake.

“Zvakatinet­sa mukomana uyu apo akatanga kuba mabhurugwa aamai vake nedzimwe mbatya achitenges­a zvose nezvababa.

“Pavakafa, akazvipedz­isa zvose zvaive pamusha apa. Takazoona atiza pamusha ave kunoshanda kwaTapiwa Makore (Snr),” vanodaro VaJaphet Shamba.

Vanoti vari kudyidzana nemhuri yekwaMakor­e iyo ine mwana anonzi akapondwa naTafadzwa Shamba sezvo vari kubatsira nehuni nechikafu parufu rwusati rwazivikan­wa kuti rwunopera rinhi urwu.

 ??  ?? MUSHA nemumba maTafadzwa Shamba
MUSHA nemumba maTafadzwa Shamba
 ??  ??
 ??  ?? TAFADZWA Shamba
TAFADZWA Shamba
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe