Kwayedza

Makumbo emwana aiva muchimbuzi

- Kingstone Mapupu

VATORI venhau veKwayedza svondo rapera vakashanyi­ra musha waMakore kwaSabhuku Makore, kudunhu raMambo Mangwende, kwaMurehwa apo matikitivh­a akazowana makumbo emwana wekupondwa, Tapiwa Makore (Jnr), ari muchimbuzi.

Apo vatori venhau vaive pabasa vachitaura nevabereki vemwana uyu nevamwe vanhu parufu urwu, matikitivh­a akabva asvikawo vakapfeka magirovhos­i.

Vakatora varume nevakomana vaive parufu ndokunanga navo kuchimbuzi chiri mubani pedyo nemusha uyu.

Vakatanga kuchera chimbuzi ichi, icho chainge chakadzika mamita matatu, ndokuwana makumbo maviri anonzi ndeaTapiwa Makore (Jnr) ayo akange atove kuwora.

Panguva iyi, vatori venhau vaive vakamira nechekure sezvo matikitivh­a aya ainge ati hazvikodze­re kuti vavepo paicherwa chimbuzi ichi maringe nemutemo wavo webasa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commission­er Paul Nyathi, vanoti mapurisa ari kuenderera mberi nekuferefe­ta nyaya iyi.

“Hatisi kuzozorora kusvika nhubu dzose dzabatwa. Tichitaura kudai, vaviri vanoti Tafadzwa Shamba (40) naTapiwa Makore (Snr) (57) vakasungwa nenyaya yekupondwa kwemwana uyu.

“Musoro nemaoko zvinonzi zvakaenda nen’anga isati yabatwa iyo tiri kuvhima. Nemusi wa2 Gumiguru, Tafadzwa Shamba akanoratid­za matikitivh­a edu muchimbuzi maaiti akakanda makumbo emwana umo akazowanik­wa ari apo paida kuvakwa kireshi,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti Shamba akaudza mapurisa kuti akazokanda mbatya dzaiva dzizere neropa muchimbuzi ichi icho chakadhiri­tswa nekucherwa nerubatsir­o rwevanhu vemumusha wekwaMakor­e.

“Makumbo aya aive mupepa reruvara rweyellow refeteraiz­a uyewo mbatya dzinonzi dzaiva neropa hadzina kuwanikwa mugomba rechimbuzi ichi. Tafadzwa Shamba anonzi anobvuma kuti ndiye akakanda makumbo emwana uyu muchimbuzi ichi.

“Tichitaura kudai, makumbo emwana aya akaendeswa kuchipatar­a cheMurehwa Mission Hospital kunoongoro­rwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Zvichakada­i, guva rainge racherwa kuti rizovigwa mutumbi waTapiwa Makore (Jnr) rakangosha­ma uye rakaiswa masanzu pamusoro kuchimirir­wa zvichabuda mukuferefe­twa kwenyaya iyi.

Pamutemo wechivanhu, zvinonzi guva harifanirw­e kugara rakashama uye vakuru vemunzvimb­o iyi vanoti nyaya iyi ichazotaur­wa nezvayo kana mutumbi wemwana uyu wave kuzovigwa.

 ??  ?? VANHU vachichera chimbuzi — Mifananidz­o naKudakwas­he Hunda
VANHU vachichera chimbuzi — Mifananidz­o naKudakwas­he Hunda
 ??  ?? ASST Comm Nyathi
ASST Comm Nyathi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe