Makumbo emwana aiva muchimbuzi
VATORI venhau veKwayedza svondo rapera vakashanyira musha waMakore kwaSabhuku Makore, kudunhu raMambo Mangwende, kwaMurehwa apo matikitivha akazowana makumbo emwana wekupondwa, Tapiwa Makore (Jnr), ari muchimbuzi.
Apo vatori venhau vaive pabasa vachitaura nevabereki vemwana uyu nevamwe vanhu parufu urwu, matikitivha akabva asvikawo vakapfeka magirovhosi.
Vakatora varume nevakomana vaive parufu ndokunanga navo kuchimbuzi chiri mubani pedyo nemusha uyu.
Vakatanga kuchera chimbuzi ichi, icho chainge chakadzika mamita matatu, ndokuwana makumbo maviri anonzi ndeaTapiwa Makore (Jnr) ayo akange atove kuwora.
Panguva iyi, vatori venhau vaive vakamira nechekure sezvo matikitivha aya ainge ati hazvikodzere kuti vavepo paicherwa chimbuzi ichi maringe nemutemo wavo webasa.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti mapurisa ari kuenderera mberi nekuferefeta nyaya iyi.
“Hatisi kuzozorora kusvika nhubu dzose dzabatwa. Tichitaura kudai, vaviri vanoti Tafadzwa Shamba (40) naTapiwa Makore (Snr) (57) vakasungwa nenyaya yekupondwa kwemwana uyu.
“Musoro nemaoko zvinonzi zvakaenda nen’anga isati yabatwa iyo tiri kuvhima. Nemusi wa2 Gumiguru, Tafadzwa Shamba akanoratidza matikitivha edu muchimbuzi maaiti akakanda makumbo emwana umo akazowanikwa ari apo paida kuvakwa kireshi,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Vanoti Shamba akaudza mapurisa kuti akazokanda mbatya dzaiva dzizere neropa muchimbuzi ichi icho chakadhiritswa nekucherwa nerubatsiro rwevanhu vemumusha wekwaMakore.
“Makumbo aya aive mupepa reruvara rweyellow refeteraiza uyewo mbatya dzinonzi dzaiva neropa hadzina kuwanikwa mugomba rechimbuzi ichi. Tafadzwa Shamba anonzi anobvuma kuti ndiye akakanda makumbo emwana uyu muchimbuzi ichi.
“Tichitaura kudai, makumbo emwana aya akaendeswa kuchipatara cheMurehwa Mission Hospital kunoongororwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Zvichakadai, guva rainge racherwa kuti rizovigwa mutumbi waTapiwa Makore (Jnr) rakangoshama uye rakaiswa masanzu pamusoro kuchimirirwa zvichabuda mukuferefetwa kwenyaya iyi.
Pamutemo wechivanhu, zvinonzi guva harifanirwe kugara rakashama uye vakuru vemunzvimbo iyi vanoti nyaya iyi ichazotaurwa nezvayo kana mutumbi wemwana uyu wave kuzovigwa.