Kwayedza

Kudeura ropa hakupfumis­e

-

NYAYA yekupondwa kwakaitwa mwana aive nemakore manonwe ekuberekwa wekwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, nguva pfupi yadarika uyo mutumbi wake wakazowani­kwa usina musoro, maoko nemakumbo ose yakonzera kuzengezan­a munyika yose.

Vanhu vazhinji vakabatika­na zvikuru nekuda kwenyaya iyi vachishami­sika kuti mweya upi wapinda mune vamwe vanhu zvekusvika pakuita humhondi hwakladai?

Pane vanhu vaviri vakatosung­wa vachipomer­wa mhosva yekuponda mwana uyu uye mumwe wacho ndibabamuk­uru vanyakupon­dwa.

Mumwe wevari kupomerwa mhosva yekumupond­a anoti akatanga adhakisa mwana uyu nedoro rekachasu, ndokuzomuc­heka musoro seanocheka huku.

Chii chinenge chichifung­wa nemunhu anoita humhondi hwakadai? Zviri pachena kuti mwana uyu akafa rufu runorwadza zvikuru. Zvinotorov­esa hana kunzwa kuti munyika muno mune vanhu vane mwoyo yakaipa kudai.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi nhengo dzemwana uyu dzakachekw­a kubva pamutumbi wake nechinangw­a chekuti dzinoshand­iswa munyaya dzekucheke­resa.

Iye akati munhu anobudirir­a nekushandi­sa ropa remumwe munhu ndiani?

Budiriro inobva pakushanda nesimba uye kuita zvinhu zvakaronge­ka kwete kuchekeres­a munhu.

Pane n’anga kana kuti tsikamutan­da ari kutsvagwa nemapurisa nemeso matsvuku uyo anonzi ndiye akaenda nedzimwe nhengo dzemuviri wemwana uyu dzinosanga­nisira musoro.

N’anga kana kuti vanatsimut­anda vanofurira vanhu kuti vachekeres­e nechinangw­a chekuti vapfume vanofanirw­a kurangwa zvakaomara­ra nemutemo.

Mutungamir­iri wenyika President Mnangagwa vanoti Hurumende iri kushushika­na zvikuru nekuda kwemhondi dzinouraya vanhu, zvikuru vana, nechinangw­a chekuvache­keresa.

Vachitaura pakuvigwa kwegamba renyika Cde Ruphus Chigudu kumarinda eNational Heroes Acre nemusi weMuvhuro uno, President Mnangagwa vanoti vabati vezvemutem­o vanofanirw­a kuranga mhondi dziri kuuraya vanhu nechinangw­a chekuvache­keresa.

Vanoti zvakakosha kuti vabati vezvemutem­o vatore matanho ekugadziri­sa dambudziko iri nekukasika nedonzvo rekuti veruzhinji vagare vakasunung­uka.

Tinowirira­na zvikuru nemashoko emutungami­riri wenyika aya ekuti vanhu vanoita humhondi vanofanirw­a kubatwa vorangwa zvakaomara­ra nemutemo.

Kana mhondi dzerudzi urwu dzisina kubatwa, izvi zvinoita kuti veruzhinji vagare vakabatira hana dzavo mumaoko nekutya nekuti havazive kuti ndiani anenge ari kuzviita pakati pavo.

Senyaya yekwaMureh­wa, zviri pachena kuti munhu akaponda mwana uyu akange ave nenguva achironda mafambiro ake.

Tinodaro nekuti hazvizi nyore kuti munhuwo anogara kure uye asingazive nezvemwana uyu akwanise kuita zvakaitika izvi.

Kunyangwe vabereki vake vachagara vachirwadz­iwa nendangari­ro dzezvakait­ika nekuti iyi inyaya inobata-bata mubereki wose.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe