Kwayedza

Rubatsiro kune vanhu vabatwa chibharo

- Clarah Maregere Chikohora

KUMBUNYIKI­DZWA nenzira yakarereke­ra kubonde (sexual harassment) chiitiko chisingadi­kanwi chinoitika mumabasa uye chinobvira pamashoko nekubatwa kwenhengo dzemuviri nechisimba zvinoita kuti munhu ashungurud­zike mupfungwa uye zvichikang­anisa mashandiro akanaka pamabasa.

Dzimwe nyaya dzerudzi urwu dzinogona kuitika kuburikidz­a nekushandi­swa kwedandemu­tande rakadai seWhatsApp kana Facebook.

Kumwe kubatwa-batwa muviri kusingadiw­e uku kunogona kugumisira nekunyuka kwematambu­dziko akadai sekubatwa chibharo kana kukanganis­wa muviri nemabatirw­o (indecent assault).

Vese vanenge vambunyiki­dza nenzira dzose, kusanganis­ira dzebonde, vanokurudz­irwa kuti vakwashe rubatsiro rwekurapwa mukati memawa 72 kuitira kuti vakwanise kudzivirrw­a kubva kuzvirwere zvepabonde zvinosanga­nisra HIV nezvimwe (Post Exposure Prophylaxi­s).

Pamusoro peizvi, kana ari madzimai anenge ambunyikid­zwa anopihwa mapiritsi anobatsira kuti vasabatire pamuviri pechibharo (Emergency Contracept­ive Pill).

Muna Kurume gore rino, nyika yakasangan­a nematambud­ziko mazhinji apo pakatanga chirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19 (lockdown).

Kuuya kwechirwer­e ichi kwakakanga­nisa dzimwe kodzero dzevanhu dzakadai sekufamba zvinova zvakakanga­nisawo kuwaniswa kwenyaya dzeutano zvisinei nekuti zvaiitirwa kuderedza kupararira kwechirwer­e cheCovid-19.

Somuenzani­so, mumwe munhu aifanira kunge achipihwa mubhedha muchipatar­a asi hamaingopi­ndwa kana usina kubudisa magwaro ekuratidza kuti wainge wakavhenek­wa chirwere cheCovid-19 ukaonekwa usina.

Zvakakosha kuti zvipatara zvirambe zvakavhura munguva yakadai kuitira kuti vanhu vabatsirik­ane panyaya dzeutano, zvikuru utano hwekuyaruk­a. Kukundikan­a kurapwa nenguva kuvanhu vanenge vambunyiki­dzwa kunokonzer­a zvirwere zvepabonde uye pamuviri pasina kurongeka.

Nyaya dzemhirizh­onga dzakabva dzawandawo munguva ye’lockdown’ uye vaimbunyik­idzwa ava, kusanganis­ira vashandi vemudzimba avo vainzi vambosudur­uka kuitira kuti mudzimba musagare vanhu vakawanda, vaisawana rubatsiro rungava rwemutemo chairwo.

*Tumirai mhinduro padandemut­ande rinotizwla@zwla.co.zw. Tarisirai chimwe chinyorwa chedu muKwayedza resvondo rinotevera nomusi weChina choga-choga kana kuchaya nhare dzinoti 08080131: Hotline 0782900900

Rangarirai kupfeka mamasiki enyu nguva nenguva pamunoenda pane ruzhinji uye musaungane, zvekare gezai maoko enyu nesipo.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe