Kwayedza

Covid-19 yavhiringa mitambo muzvikoro

- Abel Ndooka

SANGANO reNational Associatio­n of Schools Heads (NASH) riri kuchema kuti gore rino vana vanotamba mitambo yakasiyana vakarasiki­rwa zvikuru zvichiteve­ra kumbomiswa kwakaitwa mitambo yose nechinangw­a chekurwisa kupararira kweCovid-19 izvo zvakavatad­zisawo kunokwikwi­dza kunze kwenyika.

NASH ndiyo inotungami­ra mitambo yose inoitwa muzvikoro uye gore roga-roga inogaroita mitambo inosangani­sira Copa Coca Cola neStella Netball Under-17.

Mutungamir­i weNASH, VaArthur Maphosa, vanoti gore rino vana vakarasiki­rwa zvikuru nekuda kweCovid-19.

“Ndinonzwir­a tsitsi vana vedu vegore rino nekuti ishuviro yemutambi wose wenhabvu, netball kana mimwe mitambo kuti vagofamba nemuchaden­ga vachienda kunomirira Zimbabwe kumitambo yakasiyana kunze kwenyika.

“Gore rino Covid-19 yakanganis­a vana vazhinji, hapana aimbozvifu­ngira kuti zvichasvik­a pakadai. Makore adarika, kuburikidz­a neCopa CocaCola, vana vange vachienda kunokwikwi­dza kuKenya.

Mitambo iyi yaiona shasha dzakaita mukurumbir­a dzichiuya kuzoona pamwe nekurairid­za vatambi pamakwikwi aya izvo zvaibatsir­a mukusimudz­ira vana,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Gore negore taisienda nevana kumitambo yeCOSSASA yaiitwa kunyika dzakasiyan­a dzemuSouth­ern Africa uko kwaikwikwi­dzwa mijaho yekumhanya, volleyball, nhabvu, netball nemimwe. Izvi zvaibika vana murwendo rwavo mukusimuki­ra mune zvemitambo.”

VaMaphosa vanoti mitambo iyi ndiyo yakabika vatambi vazhinji vave nemukurumb­ira kusanganis­ira vemaGems avo vakanokwik­widza kumutambo weVitality Netball World Cup kuLiverpoo­l, kuEngland gore radarika.

“Vasikana vazhinji vakaenda kuLiverpoo­l, kuEngland gore radarika vakapfuura nemumitamb­o yeNASH Stella under17 Netball Tournament izvo zvinoratid­za kuti yakakosha zvikuru uye inobika vatambi vemangwana,” anodaro.

Zvisinei, VaMaphosa vanoti chikuru panguva ino kuti vanhu vagare vakachenge­tedzeka kubva kuchirwere cheCovid-19.

“Tongoshuvi­ra kuti kana denda iri rapera tirambe tichishand­a pamwe chete nevatsigir­i vedu sezvataisi­ita kare vachidira mari uye vachitibat­sira kuronga mutambo yevana yakasiyana,” vanodaro VaMaphosa. Zvakadaro, operations manager weTanganda Tea Company iyo inoronga mitambo yeNASH Stella Tea Under-17 netball tournament, VaFarai Garai vanoti kambani yavo yakazvipir­a kuti panopera denda reCovid-19 hukama hwavo neNASH hurambe huchiender­era mberi.

“Isu takazvipir­a mubasa redu uye hukama hwedu haumbopera neNASH, ticharamba tichishand­a navo mukusimudz­ira mutambo wenetball nemimwe yatinosits­igira inosangani­sira mujaho weTanganda Tea half marathon,” anodaro Garai.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe