Kwayedza

Ngozi yotsvaira mhuri

Yauraya vanhu 12 Zvose nemasvikir­o

- Tendai Gutikwa ari kwaMUTARE

VANHU 12 vemhuri imwe chete inogara kwaMambo Mutasa, kwaMutare — kusanganis­ira 4 vavo vaisvikirw­a nemidzimu — vanonzi vafa zvisinganz­wisisike mukati memakore maviri adarika zvichiteve­ra kuramba kuri kuita vemhuri iyi kuripa ngozi yemunhu anonzi akafa nekupondwa nemumwe wavo.

Ngozi iyi iri kubuda ichiti ndeyaJohn Kudzunga uyo anonzi akapondwa naOscar Hapadyiwi (Snr) mugore ra1980 uye inonzi inoti inoda kuuraya vanhu vose vedzinza rekwaHapad­yiwi kana isina kuripwa.

Ngozi iyi inonzi yauraya vanhu 12 vemhuri yekwaHapad­yiwi mukati memakore maviri.

Izvi zvakabuda apo mhuri yekwaHapad­yiwi inogara mubhuku rekwaMukoy­i yakapotera kudare raMambo Mutasa mushure mekumhan’arira mudzimai waOscar (Snr), Venna Hapadyiwi, vachiti haasi kuda kuisa musoro pamwechete nevamwe nechinangw­a chekuti varipe mweya wengozi uyu.

Oscar (Snr) anonzi akaurayiwa­wo nengozi iyi.

Vanin’ina vaOscar (Snr) vanoti Oscar Hapadyiwi (Jnr), Owen Hapadyiwi naMartin Hapadyiwi vari kupomera Venna kuti haazi kuda kubatsiran­a nevamwe kuti varipe ngozi iyi kunyangwe zvazvo murume wake achinzi ndiye akaponda Kudzunga.

“Tiri kurarama upenyu hunosiriri­sa nekuda kwengozi iyi, mweya waKudzunga uri kutitambud­za zvikuru uye hauzi kutizorodz­a. Kusvika pari zvino, ngozi iyi yauraya vanhu 12 vemhuri yedu, kusanganis­ira Oscar, murume anove honzeri.

“Apo mwana wekutanga akabatwa nemweya waKudzunga ndokutaura uchiti unoda mombe nomwe dzekuripwa nadzo, Oscar akange achiri mupenyu. Akaramba kuti ane chekuita nekupondwa kwaKudzung­a. Kuramba kwaakaita ndiko kwakakonze­ra kuti aurayiwe nengozi iyi,” anodaro Oscar (Jnr).

Owen anoti Oscar (Snr) akarambidz­a vemhuri yake kuti varipe ngozi iyi panove payakabva yamuka chibhebhen­enga.

“Resca Hapadyiwi, uyo aipoterwa nemudzimu aine makore 22 okuberekwa, akabva afawo zvisinganw­isisike. Mwedzi wakatevera, mumwe mwana Ethel aive nemakore 16 okuberekwa, akabudirwa nemweya wengozi uyu zvakare ndokuvimbi­sa kuti iye aizofa kana isina kuripwa izvo zvakaitika mushure menguva pfupi-pfupi.

“Kubva ipapo, vamwe vanasikana vakabudirw­a nemweya wengozi uyu uye ndokufa zvisina tsarukano,” anodaro Owen.

Anoti vanhu vasere vemhuri yavo vakafa mushure mekunge ngozi iyi yavayambir­a kuti vaizofa kana vasina kuiripa.

Zvichiteve­ra kufa kwaOscar (Snr), vemhuri yekwaHapad­yiwi vari kuzama kuda kuripa ngozi iyi asi mukadzi wake nevana vanonzi vari kuzviramba.

“Haadi (Venna) kubatana nevamwe kunyangwe zvazvo murume wake ari iye akaponda munhu uyu. Semhuri, tiri kuzama kuripa ngozi yakaparwa nemurume wake, asi ari mushishi yekukangan­isa kuti pasawane chinobudir­ira. Anoda kuti ngozi iyi itiuraye tose. Anozviziva kuti iye haaurayiwe nengozi iyi nekuti haazi wedzinza redu,” anodaro Owen.

Mambo Mutasa vakaudza Venna kuti abatane nevemhuri yekwaHapdy­iwi mukuripwa kwengozi iyi uye voita zvairi kuda.

Vemhuri yekwaHapdy­iwi vakanzi vadzoke kudare nemusi wa30 Ndira vaine mumwe wemhuri yekwaKudzu­nga uyo anotarisir­wa kutsinhira zviri kudiwa mukuripwa kwengozi iyi.

 ??  ?? MAMBO Mutasa
MAMBO Mutasa
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe