Kwayedza

'BIGMAN' AKARARA NEMUFI

- Kingstone Mapupu

MURUME anogara kuMuguta Extension, kuEpworth — uyo anozvidaid­za kuti “Bigman” — anonzi akaita chipini apo akashinha nechitunha chemusikan­a wechidiki mumba machaiva chakaradzi­kwa vanhu vaive parufu vachiona.

Bigman — uyo asati azivikanwa zita rake rizere — anonzi akarara nechitunha chaMelliss­a Mazhindu Golowa (20) uyo aigara nevabereki vake panhamba KB78 kuEpworth nemusi wa1 Ndira.

Nyaya iyi yatove kumapurisa. Mellissa anonzi akashaika mushure mekurwara nerurindi.

Mai Phillipa Mazhindu (47) — avo vanova amai vaMellissa — vanoti mwanasikan­a wavo akafira panzvimbo yeChihota Bus Stop kwakare kuEpworth apo vakazotaku­ra mutumbi wake vodzokera nawo kumba.

“Mwana wangu aiva wechipiri pavana vangu vasikana vashanu akafira pamusika wepaChihot­a apo ndaimupere­kedza kuguta reHarare uko aienda kumba kwemukoma wake.

“Tave kuchema pano pamba, mvura yakatanga kunaya vamwe vanhu ndokutizir­a kudzimba dzavo ndokusara mumba maiva nechitunha tichingova vatatu — ini naMai Chipusira nagogo vangu,” vanodaro Mai Mazhindu.

Vanoti kwakazouya varume vaviri vaiva nedoro ndokugara pamacheya vachiputa fodya apo vanoti mumwe wavo akarovera gonhi rikadonha chekubata vachida kuita zvemheremh­ere.

“Varume ava, kusanganis­ira Bigman, vainyadzis­ira zvikuru vachiti vaida kushinha nesu nemutumbi wemwana wangu. Bigman anoti agara achichiva mwana wangu kubva kare achiri mupenyu, nekudaro aida kurara nechitunha chake,” vanodaro Mai Mazhindu.

Vanoti Bigman nemumwe wake vakazotora ivhu raive makanga makaiswa kenduru vachibva vadya vachiti vaida kurara nemadzimai matatu aiva mumba umu, zvose nechitunha.

“Ipapo Bigman akazotaura kuti akanga ava kunzwa kuda mukadzi zvakadarik­idza apo akazosimuk­a ndokuvhenh­eka paiva nechitunha ichi, ndokusvetu­kira pamusoro pacho achibva atanga kuita bonde nacho,” vanodaro Mai Mazhindu.

Vanoti vakazoridz­a mhere apo Bigman aitoramba achiita bonde nemutumbi uyu pamadiro ndokutora chinguvana achidaro.

“Bigman apedza kuita izvi, akazotanga kukarara semudzimu achigwesha nemagaro achiti aiva svikiro mudzimu mukuru.

“Akati zvake zvainge zvaita, zvadzora nekurara uko akaita nechitunha,” vanodaro Mai Mazhindu.

Murume uyu anonzi akazorohwa nevechidik­i vainge vaungana apo ainge asina kupfeka bhurugwa. Ndipo pavakaona chitsvimbo chaiva chakamoner­wa nemishonga nejira dzvuku uye mubhurugwa umu maiva negonzo benyu.

“Katsvimbo aka kakanzi nevamwe mubobobo kakazotorw­a nevanhu kaiva nemishonga nejira jena negonzo richibva rauraiwa zvikapiswa, haana kukwanisa kutaura kuti zvaiva zvei,” vanodaro Mai Mazhindu.

Vanoti vakashamis­wa zvikuru nezvakaitw­a nevarume ava zvavanoti havasati vamboona.

Masaramusi aya anonzi akaitika apo baba vepamusha uyu, VaCain Katiyo (44), vakange vasipo.

Mutumbi wemwanasik­ana uyu wakazoende­swa kuchipatar­a cheChitung­wiza Central Hospital kunoongoro­rwa mushure mekunge washinhwa nawo naBigman.

Mutumbi waMellissa wakazoradz­ikwa kumakuva ekwaZinyen­gere, kwakare kuEpworth.

“Nhamo yemwana wangu yakazokang­aniswa nevasikana vechipfamb­i muno vakazotang­a kufuridza makondomu vachiti mwana wangu aiva pfambi izvo zvandinofu­nga kuti zvine chekuita nevarume vakauya mumwe wavo akarara nechitunha chake. Mamwe makondomu vakazoakan­da muguva,” vanodaro Mai Mazhindu.

Mai Siza Mandizvidz­a (40) vanova muvakidzan­i waMai Mazhindu vanoti havana kumbobvira vakaona mashura akadai.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commission­er Paul Nyathi pavakabvun­zwa nezvenyaya iyi vanoti vanoda nguva yekuronda kuti iri kufambiswa sei.

Asi Mbuya Alice Kwenda Masoko (62) vemuHarare — avo vanova nyanzvi munyaya dzechivanh­u — vanoti munhu anoshinha nechitunha anenge akaromba.

“Mhuri iyi ngaifambe nekuda kwenyaya iyi kuti vatsvage zvakaitika chaizvo,” vanodaro Mbuya Kwenda.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ?? MAI Siza Mandizvidz­a
MAI Siza Mandizvidz­a
 ??  ?? ASST Comm Nyathi
ASST Comm Nyathi
 ??  ?? MAI Phillipa Mazhindu
MAI Phillipa Mazhindu
 ??  ?? MELLISA Mazhindu
MELLISA Mazhindu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe