Kwayedza

Iwe idya unyerere

- naWedzerai Nhemachena

PADARE rino tinosangan­a nedzakawan­da, dzimwe dzacho tisu tinokonzer­esa. Funga kuti munhu agere zvake zvakanaka, mumusha, mudunhu kana mukambani maanoshand­a asi oshora vaanogara navo, kana vaanoshand­a navo vachimupa hugaro hwakana hwaaisawan­a.

Vazhinji vanogarika zvekuridza ngoma nedemo. Vamwe vacho vanokangan­wa kwavakabva. Vanoyeverw­a sokunge vakabva nezvinhu zvavanowan­a pamusha, padunhu kana pakambani kumusha kwavo vachikanga­nwa kuti vaichemera kuchengetw­a pazvaive zvakaoma.

Ndizvo zvinoita kurera imbwa nemukaka nokuti mangwana inofumokur­uma. Vanoronger­a vepo dhende chairo kunge vachavadzi­nga pamusha pavo nekukangan­wa chazuro nehope. Dai vaiziva, vaidya vakanyarar­a zvavo.

Kudya muchinyara­rire kunonetsa kana waraira zvinhu zvausina kubudira dikita kazhinji kana wakahakira paugere ipapo, paunoshand­a ipapo nokuti hauzive kwazvakata­ngira. Chako ndechekune­tsana nevamwe kuti iwe wega usare uripo pangava pakambani. Unoda kuti zviende kwaunoda iwe nokuti unorota hope wava mukukuru. Unoda kupaza zvakavakwa nevamwe uchivimba nepawakaha­kira.

Asi dai waiziva hako waidya muchinyara­rire.

Vaya vawakahaki­ra vakaona hunhu hwako hwekutsvag­a dzvene, vachasudur­uka pauri nokuti unenge wanyangira yaona ukashaya anokutsigi­ra nokuti munhu wese pamusha anenge oziva maitiro ako. Nokudaro kusuduruka pauri vanenge votyawo kunyadzisw­a.

Kupihwa zita rekuti nhunzvatun­zva handi kudiwa kwete. Izita revaya vanokonzer­esa mhirizhong­a mumusha, mudunhu kana mukambani. Kungosvika chete kwaunoita mumusha, musha wese unozunguzi­ka kuti kwauyiwa, nhaka hakuna chakanaka. Zvino, chakanaka chichazobu­dawo rinhi pauri?

Gutsikana nezvauri, nokuti vadare vanogona kuzokurong­era.

CHENJEDZO:

Vazhinji vedu tinounza mhirizhong­a mumisha kana mumakamban­i atinoshand­ira tichifunga kuti tisu tine yese. Mukudaro tinopedzis­ira tisina zvataita kunze kwekupesan­isa vatinogara kana kushanda navo. Upenyu hwakanaka haubude mukurwisan­a mumusha. Tikarwisan­a hatizowana nguva yekuvaka tichifunga kuti todzoreraw­o sei zvataitwa nanhingi.

Naizvozvo, kunyarara uchivaka kunounza pundutso zvikuru kana tiri vakuru vemumisha, matunhu kana makambani. Izvi zvinoita kuti tidye zvedu muchinyara­rire. Vane mhepo dzavo dziya dzekuhakir­a pane vamwe, vachaonawo chakanaka matiri nerimwe zuva vagodzidza­wo kudya vakanyarar­a.

◆ Wedzerai Nhemachena ndigodobor­i wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communicat­ion Studies). Anobata nemauniver­sity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772428809 Email: wedzerainh@yahoo.com

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe