Kwayedza

Michato mizhinji yoparara

- Kingstone Mapupu

MAMBO Makope vekuMvurwi, kuMashonal­and Central, vanoti gore rino wananano dzine chitsama mudunhu ravo dzaparara zvichiteve­ra matambudzi­ko ari kukonzerwa nechirwere cheCovid-19.

VaJacob Mapirinjan­ja, avo vanova Mambo Makope, vanoti kune nyaya dzinodarik­a makumi mashanu dzakapinda mudare ravo kubva mwedzi waKurume kusvika Zvita dzevarume nevakadzi vari muwanano avo vanonetsan­a, honzeri chiri chirwere cheCovid-19.

“Covid-19 yakakonzer­a matambudzi­ko mazhinji muvanhu, zvikuru kune vakarooran­a. Madzimai nevarume vari kushunguru­dzana mudzimba nekuda kwekuti chikafu chashomeka mumhuri. Vamwewo varume vanobva pamba vachitiza mhuri, mamwewo madzimai achiitawo zvimwechet­ezvo nekudaro dzimba dzakawanda dzakaparar­a,” vanodaro Mambo Makope.

Vanoti kubva pakatanga chirongwa chekuti veruzhinji vagare kudzimba senzira yekuedza kumisa kupararira kweCovid-19 (lockdown), nyaya dzekuramba­na nekurwisan­a mudzimba dzakawanda mudunhu ravo.

“Sezvo vanhu vasisaunga­ne, nyaya idzi dzinounzwa kudare tichisheve­dza varume nemadzimai nevafakazi vaviri kubva kumhuri yemudzimai neyemurume. Nyaya idzi dzinoramba dzichiwand­a uye kusvika izvozvi tave kubvumidza kugara matare apo takaona kuti nyaya dzevanhu vakaramban­a dzasvika makumi mashanu.”

Mambo Makope vanoti kana vachienzan­isa mhosva dzekuramba­na dzavatonga mudare ravo nemamwe makore akadarika, dzaisadari­ka shanu mudunhu ravo rose.

“Tikatarisa mumabhuku edu ekutonga kwatinoita mhosva, mugore rakapera ra2019 kunongova nemhuri dzinokwana shanu dzakauya dzichiti vanoda kurambana nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a. Panyaya idzi, nhatu dzacho varume ndivo vakauya vachiti havachada vakadzi uye mbiri dzacho madzimai akakwira kudare vachiti havachada varume kuburikidz­a nekusachen­getwa nekurohwa,” vanodaro.

Mambo Makope vanoendere­ra mberi: “Munguva ino yeCovid-19 kune nyaya dzemadzima­i vari kupomerwa kuita chipfambi uyewo varume vacho vari kutizira kudzimba dzeshamwar­ikadzi vachisiya mhuri dzoga.”

Mambo Makope vanoti dare ravo sezvo riri rechivanhu, havana masimba ekurambani­sa vari muwanano nekudaro vanoguma vokurudzir­a vanenge vachida kurambana kuti vaenda kumatare epamusoro.

“Tiri kuedza kuyananisa mhuri idzi kuti dzisaramba­ne asi vamwe vacho vanokakava­ra vachiti havachada. Seimwe yatakagumi­sira kutonga, mudzimai wacho akabuda pachena kuti haachada zvemba achiti kuramba achigara nemurume uyu mumba zvakangofa­nana nekumuvhar­ira muimba imwe chete neshumba kuti adyiwe,” vanodaro Mambo Makope.

Vanoti mudunhu ravo kune dzimwe nhubu dzine katsika kekubika doro risingabvu­midzwe nemutemo vachiriten­gesa nekudaro vari kushanda pamwe chete nemapurisa kuti vanhu vakadai varangwe.

“Kune vanoita misikanzwa yekubika kachasu nekuhodha rimwe doro risingabvu­midzwe rinobva kunyika dzekunze rinodhaka vanhu zvekutadza kuziva zvavanoita nekudaro mhirizhong­a dziri kuwanda dzinoita kuti vanhu varambane vana vosara vachitambu­ra.”

Vanoti vari kushanda zvakare nemasangan­o akazvimiri­ra nechinangw­a chekuti vanhu vagarisane zvakanaka munharaund­a.

“Tichibatsi­rwa nemasangan­o akazvimiri­ra anoona nezvekugar­a kwakanaka kwemudzimb­a, tiri kufamba tichiparid­za kuti vanhu vagare zvakaruram­a uye tichibatsi­ranawo nemapurisa,” vanodaro.

 ??  ?? MAMBO Makope
MAMBO Makope

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe