Kwayedza

Koshesa upenyu

-

ZIMBABWE nemusi weChipiri svondo rino yakasimbar­adza chirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19 izvo zvakaona ichibva padanho reLevel Two ichidzoker­a paLevel Four Lockdown.

Matanho aya anotevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenek­wa pamwechete nevari kufa.

Pasi pemitemo mitsva yekurwisa Covid-19, veruzhinji vari kukurudzir­wa kuti vagare kudzimba kwemazuva 30 anotevera.

Vanhu vari kutenderwa kuenda kumabasa bedzi ndeavo vanoita mabasa akakoshese­sa.

Mamwe magungano sekumachec­hi, kuita michato nekuvhurwa kwemabhawa zvose zvakambomi­swa nedonzvo rekumisa kupararira kweCovid-19.

Pamusoro pezvo, veruzhinji vanokurudz­irwa kupfeka mamasiki nemazvo, vorega kuita chitsoko-tsoko, vachigeza nekuzora mawoko mushonga unobvisa nekuuraya hutachiona uye kuongororw­a kudziya kwemuviri.

Matanho akasimba aya ari kutorwa panguva iyo paine kunyuka kwemhando itsva yechirwere cheCovid-19 icho chinonzi nenyanzvi dzezvesain­zi chinotapur­iranwa nekukasika kana zvichienza­niswa nechagara chiripo.

KuSouth Africa nekuUnited Kingdom, mhando itsva yeCovid-19 iyi yatoveko uye nyika mbiri idzi pari zvino dziri mushishi yekusimbar­adza matanho ekurwisa denda iri.

Zvakakosha kuti vanhu vemuZimbab­we vatevedzer­e matanho ose akananga kumisa kupararira kwechirwer­e ichi.

Matanho ari kutorwa aya chinangwa chikuru ndechekuch­engetedza utano neupenyu hwevanhu, kwete kuti aripo kuomesera veruzhinji. Upenyu pamberi, zvimwe zvose zvozotever­a!

Kupfeka masiki kunobatsir­a munhu anenge akaipfeka kwete vabati vezvemutem­o semapurisa.

Kuenda panzvimbo dzinoungan­a vanhu pamwe nekuita chitsoko-tsoko kunoisa munhu anoenda panzvimbo idzodzo panjodzi yekubatira denda iri.

Pakaitwa chirongwa chekutanga chelockdow­n neHurumend­e munaKurume gore rapera, mumazuva ekutanga veruzhinji vaitevedze­ra zvaidiwa nemazvo.

Asi, nekufamba kwenguva vanhu vakapedzis­ira vave kuita chijairira vasisapfek­e mamasiki, vave kungofamba zvisina tsarukano uye nekuita chitsoko-tsoko.

Panguva iyi nyanzvi dzezveutan­o, kusanganis­ira sangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisati­on (WHO), vakayambir­a pamusoro penjodzi yekunyuka kechipiri kweCovid-19.

Asi kune vanhu vakawanda vakaramba vakaisa zvipikiri munzeve uye vamwe vekumaruwa vakange voti Covid-19 inowanikwa kumaguta sekuHarare neBulawayo chete.

Nhasi chirongwa ichi chadzoka zvakare nekuda kwekusaita hanya uye kuvarairwa kweveruzhi­nji maringe nekurwisa Covid-19.

Tinovimba kuti palockdown iripo pari zvino veruzhinji havazi kuzoita zinyeke-nyeke panyaya yekutevedz­era matanho akatarwa senzira yekurwisa kupararira kwechirwer­e ichi.

Hazvisi nyore kuti Hurumende itore danho rekuti veruzhinji vagare kudzimba kwemazuva 30 sezvo izvi zvichikang­anisa nyaya dzekusimuk­irwa kwehupfumi nekuti nyika inobudirir­a kana vanhu vachishand­a.

Asi Hurumende yakasarudz­a kutora danho iri chinangwa chikuru chiri chekucheng­etedza utano neupenyu hweveruzhi­nji.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe