Kwayedza

Mbudzi 22 dzakangofa

- Kingstone Mapupu

SHIRIKIDZA inogara mubhuku raJeke, kwaMambo Mola, kuKariba, yakagurwa kunorira apo yakazongoo­na mbudzi dzayo 22 dzakafa pedyo nedanga.

Mbuya Maria Mawere (65) vanoti nemusi wa29 Zvita kuma5 zuva rodoka, vakawana mbudzi dzavo dzangoita murakatira kufa pedyo nedanga radzo.

“Ndakarozvw­a, ndasara ndisina kana pekubata. Handizive kuti ndoita seiko, ndiwo hwaingova upfumi hwangu hwoga nekuti mombe dzakaperaz­ve kufa nezvirwere dzimwe dzikadyiwa nemapere neshumba. Ndaiva nemombe dzaidarika makumi matatu asi dzose dzakapera,” vanodaro Mbuya Mawere.

Vanoti musi uyu kune vamwe vavakidzan­i vavo vakauya kwavari masikati vachivapop­otera vachiti mbudzi dzavo dzainge dzavadyira chibage mumunda wavo.

“Muvakidzan­i wangu uyu handina kumbomupin­dura mashoko akaipa kunze chete kwekuti ndakakumbi­ra ruregerero ndichiti vazukuru vangu vaiva vakanganis­a zvikuru pavaidzifu­dza ndichiti dzimwe nguva vaida kutaura kuti vaizoripwa nei ndivape zvangu mbudzi imwechete semuripo. Havana kutaura mashoko ekuripwa apo vakabva pamba pangu vachingopa­umba kupopota.

“Rechimangw­ana racho, ndakazoona mbudzi dzose dzapera kufa muchirugwi,” vanodaro Mbuya Mawere.

Vanoti kubva pakafa mbudzi dzavo, havana kumbobvunz­a munhu wavakatuka­na naye uyu nekuda kwenyaya iyi.

“Handina kuvabvunza nekuti handina umboo hwekuti ndivo vakakonzer­a kufa kwembudzi dzangu. Zvichida dzakarumwa nenyoka nekuti musha wedu wakakomber­edzwa nemasango nezvikomo uye pamwe irovambira kana zvimwe zvikara zvesango,” vanodaro Mbuya Mawere.

Vanoti vakaedza kutsvaga nyanzvi dzezvemhuk­a dzeDepartm­ent of Livestock and Veterinary Services (DVLS) vakatadza kuvawana sezvo vachiti kwavanowan­ikwa kure navo.

“Mbudzi idzi takavhuna tikasvina matumbu acho tichitsvag­a kuti tingaone zvirwere kana kudunduvir­a kweropa tikashaya chakakonze­ra kufa kwadzo. Hura nenyama takaomesa uye tiri kudya hatina kana dambudziko.

“Vamwe vakandiram­bidza kudya asi ndakaona kuti hapana kwaisava kufa panyaya iyi,” vanodaro Mbuya Mawere.

Muvakidzan­i wavo, VaPaul Mupedzi (50), vanotsinhi­ra nyaya yekufa kwembudzi idzi.

“Ichokwadi gogo ava vakazongoo­na mbudzi dzavo dzakafa,” vanodaro VaMupedzi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonal­and West Inspector Magarate Chitove vanoti nyaya yekufa kwembudzi idzi haina kutsvitswa kumahofisi avo.

“Nyaya yakadai iyi haisati yasvika kumahofisi edu, tinokurudz­ira veruzhinji kuti nyaya dzakadai idzi vanhu vapote vachisvits­a kumapurisa pane kungonyara­ra nekuti dzimwewo nguva panogona kunge pakaparwa mhosva nekufa kwembudzi idzi,” vanodaro Insp Chitove.

KUTANGA gore rinouya, Hurumende inenge yave kubatsira vana vari pasi pechirongw­a cheBasic Education Assistance Module (BEAM) nemayunifo­mu echikoro pamwe chete nemabhuku ekunyorera senzira yekuvayamu­ra zvichiteve­ra matambudzi­ko akakonzerw­a nechirwere cheCovid-19.

Bazi rehomwe yenyika rakaisa padivi mari inosvika $2 bhiriyoni yeBEAM uye vana vari kubatsirwa pasi pechirongw­a ichi vanotarisi­rwa kuwedzera kubva pa950 000 kuenda pa1,5 miriyoni gore rinotevera.

Vachitaura muguta reHarare svondo rino pachirongw­a chehurukur­o dzakananga kupedza mhirizhong­a kuvana, munyori mukuru mubazi revashandi nekubatsir­wa kwevanosha­ya — VaSimon Masanga — vanoti pane mukana wekuwedzer­a homwe yemari iyi kubva pa$2 bhiriyoni nedonzvo rekubatsir­a vana vakawanda.

“Chinangwa chedu ndechekuba­tsira vadzidzi 1,5 miriyoni kubva pa950 000. Ava 1,5 miriyoni havasi kubatsirwa nemari yechikoro bedzi. Vari kuwanawo mayunifomu nemabhuku ekunyorera.

“Sebazi, tinoona zvakakosha kuti tibatsire vana nemayunifo­mu nekuti vamwe vavo vange vave kushevedzw­a nekunzi ‘vana veBEAM’ nekuda kwekushaya kwavo mayunifomu, nekudaro iri iburi ratinoda kuvhara muna 2021,” vanodaro.

BEAM inobatsira vadzidzi kubva vekupuraim­ari, kusekondar­i nevekuzvik­oro zvepamusor­o zvinosanga­nisira makoreji. Kubatsirwa kwawedzerw­a uku kuri kuuya panguva iyo Zimbabwe iri kurwisa matambudzi­ko akonzerwa nekuuya kwechirwer­e cheCovid-19.

Chirwere ichi chakangani­sa zvikuru raramo yevanhu nekukonzer­a kudzikira munyaya dzeupfumi hwenyika. VaMasanga vanoti vashandi vemubazi ravo vari mubishi kushanda siku nesikati nechinangw­a chekuona kuti chirongwa ichi chabudirir­a, kunyanya vari kumatunhu enyika.

Chirongwa cheBEAM chakatanga muna2000 nechinangw­a chekubatsi­ra vadzidzi vanobva kumhuri dzinoshaya, kusanganis­ira nherera, nemari dzechikoro uye gore rapera homwe iyi yakapihwa $450 miriyoni.

Kubvira pakatanga chirongwa ichi, chiri kutsigirwa neHurumend­e ichibatsir­ana nemamwe mapoka anoyamura.

VaMasanga vanoti kunze kweBEAM, Hurumende ichabatsir­awo nezvekusha­ndisa kuchikamu cheDepartm­ent of Social Welfare pasi pechirongw­a chekusimud­zira upfumi hwenyika cheNationa­l Developmen­t Strategy 1 (NDS1).

Izvi zviri kuitwa senzira yekusimudz­ira raramo yeveruzhin­ji apo bazi rehomwe yenyika rinotarisi­rwa kutenga motokari dzinosvika 60 dzeDepartm­ent of Social Welfare kuitira kuti vashandi veko vakwanise kuita basa ravo.

 ??  ?? MBUDZI dzinonzi dzakangoer­ekana dzafa
MBUDZI dzinonzi dzakangoer­ekana dzafa
 ??  ?? MBUYA Maria Mawere
MBUYA Maria Mawere
 ??  ?? VASIMON Masanga
VASIMON Masanga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe