Mbudzi 22 dzakangofa
SHIRIKIDZA inogara mubhuku raJeke, kwaMambo Mola, kuKariba, yakagurwa kunorira apo yakazongoona mbudzi dzayo 22 dzakafa pedyo nedanga.
Mbuya Maria Mawere (65) vanoti nemusi wa29 Zvita kuma5 zuva rodoka, vakawana mbudzi dzavo dzangoita murakatira kufa pedyo nedanga radzo.
“Ndakarozvwa, ndasara ndisina kana pekubata. Handizive kuti ndoita seiko, ndiwo hwaingova upfumi hwangu hwoga nekuti mombe dzakaperazve kufa nezvirwere dzimwe dzikadyiwa nemapere neshumba. Ndaiva nemombe dzaidarika makumi matatu asi dzose dzakapera,” vanodaro Mbuya Mawere.
Vanoti musi uyu kune vamwe vavakidzani vavo vakauya kwavari masikati vachivapopotera vachiti mbudzi dzavo dzainge dzavadyira chibage mumunda wavo.
“Muvakidzani wangu uyu handina kumbomupindura mashoko akaipa kunze chete kwekuti ndakakumbira ruregerero ndichiti vazukuru vangu vaiva vakanganisa zvikuru pavaidzifudza ndichiti dzimwe nguva vaida kutaura kuti vaizoripwa nei ndivape zvangu mbudzi imwechete semuripo. Havana kutaura mashoko ekuripwa apo vakabva pamba pangu vachingopaumba kupopota.
“Rechimangwana racho, ndakazoona mbudzi dzose dzapera kufa muchirugwi,” vanodaro Mbuya Mawere.
Vanoti kubva pakafa mbudzi dzavo, havana kumbobvunza munhu wavakatukana naye uyu nekuda kwenyaya iyi.
“Handina kuvabvunza nekuti handina umboo hwekuti ndivo vakakonzera kufa kwembudzi dzangu. Zvichida dzakarumwa nenyoka nekuti musha wedu wakakomberedzwa nemasango nezvikomo uye pamwe irovambira kana zvimwe zvikara zvesango,” vanodaro Mbuya Mawere.
Vanoti vakaedza kutsvaga nyanzvi dzezvemhuka dzeDepartment of Livestock and Veterinary Services (DVLS) vakatadza kuvawana sezvo vachiti kwavanowanikwa kure navo.
“Mbudzi idzi takavhuna tikasvina matumbu acho tichitsvaga kuti tingaone zvirwere kana kudunduvira kweropa tikashaya chakakonzera kufa kwadzo. Hura nenyama takaomesa uye tiri kudya hatina kana dambudziko.
“Vamwe vakandirambidza kudya asi ndakaona kuti hapana kwaisava kufa panyaya iyi,” vanodaro Mbuya Mawere.
Muvakidzani wavo, VaPaul Mupedzi (50), vanotsinhira nyaya yekufa kwembudzi idzi.
“Ichokwadi gogo ava vakazongoona mbudzi dzavo dzakafa,” vanodaro VaMupedzi.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West Inspector Magarate Chitove vanoti nyaya yekufa kwembudzi idzi haina kutsvitswa kumahofisi avo.
“Nyaya yakadai iyi haisati yasvika kumahofisi edu, tinokurudzira veruzhinji kuti nyaya dzakadai idzi vanhu vapote vachisvitsa kumapurisa pane kungonyarara nekuti dzimwewo nguva panogona kunge pakaparwa mhosva nekufa kwembudzi idzi,” vanodaro Insp Chitove.
KUTANGA gore rinouya, Hurumende inenge yave kubatsira vana vari pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module (BEAM) nemayunifomu echikoro pamwe chete nemabhuku ekunyorera senzira yekuvayamura zvichitevera matambudziko akakonzerwa nechirwere cheCovid-19.
Bazi rehomwe yenyika rakaisa padivi mari inosvika $2 bhiriyoni yeBEAM uye vana vari kubatsirwa pasi pechirongwa ichi vanotarisirwa kuwedzera kubva pa950 000 kuenda pa1,5 miriyoni gore rinotevera.
Vachitaura muguta reHarare svondo rino pachirongwa chehurukuro dzakananga kupedza mhirizhonga kuvana, munyori mukuru mubazi revashandi nekubatsirwa kwevanoshaya — VaSimon Masanga — vanoti pane mukana wekuwedzera homwe yemari iyi kubva pa$2 bhiriyoni nedonzvo rekubatsira vana vakawanda.
“Chinangwa chedu ndechekubatsira vadzidzi 1,5 miriyoni kubva pa950 000. Ava 1,5 miriyoni havasi kubatsirwa nemari yechikoro bedzi. Vari kuwanawo mayunifomu nemabhuku ekunyorera.
“Sebazi, tinoona zvakakosha kuti tibatsire vana nemayunifomu nekuti vamwe vavo vange vave kushevedzwa nekunzi ‘vana veBEAM’ nekuda kwekushaya kwavo mayunifomu, nekudaro iri iburi ratinoda kuvhara muna 2021,” vanodaro.
BEAM inobatsira vadzidzi kubva vekupuraimari, kusekondari nevekuzvikoro zvepamusoro zvinosanganisira makoreji. Kubatsirwa kwawedzerwa uku kuri kuuya panguva iyo Zimbabwe iri kurwisa matambudziko akonzerwa nekuuya kwechirwere cheCovid-19.
Chirwere ichi chakanganisa zvikuru raramo yevanhu nekukonzera kudzikira munyaya dzeupfumi hwenyika. VaMasanga vanoti vashandi vemubazi ravo vari mubishi kushanda siku nesikati nechinangwa chekuona kuti chirongwa ichi chabudirira, kunyanya vari kumatunhu enyika.
Chirongwa cheBEAM chakatanga muna2000 nechinangwa chekubatsira vadzidzi vanobva kumhuri dzinoshaya, kusanganisira nherera, nemari dzechikoro uye gore rapera homwe iyi yakapihwa $450 miriyoni.
Kubvira pakatanga chirongwa ichi, chiri kutsigirwa neHurumende ichibatsirana nemamwe mapoka anoyamura.
VaMasanga vanoti kunze kweBEAM, Hurumende ichabatsirawo nezvekushandisa kuchikamu cheDepartment of Social Welfare pasi pechirongwa chekusimudzira upfumi hwenyika cheNational Development Strategy 1 (NDS1).
Izvi zviri kuitwa senzira yekusimudzira raramo yeveruzhinji apo bazi rehomwe yenyika rinotarisirwa kutenga motokari dzinosvika 60 dzeDepartment of Social Welfare kuitira kuti vashandi veko vakwanise kuita basa ravo.