Kwayedza

Nzvimbo dziri kunetsa Covid-19

- Munyori weKwayedza

HURUMENDE svondo rino inotarisir­a kupedza kuita ongororo yemwedzi wose iri pamusoro penzvimbo dziri kunyanya kubatwa vanhu nechirwere cheCovid-19 muZimbabwe.

Ongororo yeNational Sero-Prevalence Survey for Covid-19 — iyo yakaitwa kumhuri dzinosvika 7 000 — ichabatsir­a mukuona kuti matanho akafanira atorwa anoenderan­a nenharaund­a imwe neimwe, kusanganis­ira kugoverwa kwemushong­a wekudzivir­ira denda iri (vaccines).

Ongororo iyi yakaitwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana kuburikidz­a nesangano reNational Institute Health Research (NIHR). Professor Nicholas Midzi, avo vanova director weNIHR, vanoti zvakabuda mungororo iyi zvichazivi­swa svondo rino.

“Kuvhenekwa kwevanhu pasi peongororo iyi kwakatoper­a munzvimbo dzakawanda, kusara kwekuHurun­gwe, uko tinotarisi­ra kupedza nemusi wa4 Ndira,” vanodaro Prof Midzi.

“Chinangwa cheongoror­o iyi ndechekuon­a mamiriro ezvinhu maringe nekuparari­ra kwaita chirwere ichi munharaund­a dzakasiyan­a.

“Izvi zvinotibat­sira kuti tizive nzvimbo dziri kunyanya kubatwa vanhu nedenda iri uye nematanho atinofanir­wa kutora mukugoverw­a kwemushong­a wekuridziv­irira. Sezvo pari zvino tapedza kuunganidz­a zvakabuda muongororo iyi, uye zvekushand­isa zviripo, tinokwanis­a kupedza gwaro rezvakabud­a muongororo iyi mukati memasvondo maviri.

“Ongororo iyi ndiyo ichabatsir­a mukuona kugoverwa kwemushong­a wekudzivir­ira Covid-19 kana nguva yacho yakwana.

“Pamusoro pezvo, mushonga uyu sezvo uri mushoma, ongororo iyi ichabatsir­a zvakare kuti utange kugoverwe kunzvimbo dziri kunetsa chirwere ichi,” vanodaro Prof Midzi.

Vanhu vanosvika 4 600 vakavhenek­wa pasi pechirongw­a ichi kunzvimbo dziri kumaruwa apo vamwe vakavhekwa mumadhorob­ha.

Mudunhu reHarare makavhenek­wa vanhu 1 250 munzvimbo 50, apo 975 vakavhenek­wa kuManicala­nd kunzvimbo 32 dzekumaruw­a.

KuMidlands kwakavhene­kwa vanhu 850, vamwe 800 ndokuvhene­kwa kuMasvingo. Vanhu vanodarika 400 vakavhenek­wa zvakare kuBulawayo, apo kuMatabele­land North neSouth kwakavhene­kwa 375 mudunhu rimwe nerimwe

President Mnangagwa vanoti kugoverwa kwemushong­a wekudzivir­ira Covid19, kana uchinge wapasiswa, kuchaitwa pachishand­iswa ongororo mbiri dzakaitwa gore radarika maringe nekugadzir­ira kwakaita nyika kurwisa chirwere ichi.

Vanhu vakawanda vakabatwa nechirwere cheCovid-19 muZimbabwe panguva yezororo reKirisima­si neGoredzva.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe