Kwayedza

VOPUMHANA HUROYI

l Murume oti ndiwe, mukadzi achiti ndiwe

- Gibson Mhaka

MURUME wekuBulawa­yo ari kunetsana nemudzimai wake munyaya inoita kunge bhaisikopo apo vose vari kupumhana huroyi.

Nkani Khoza — uyo anove muridzi wekambani inosona nekutenges­a mayunifomu echikoro yeTotally Uniforms — ari kupomerwa nemudzimai wake, Virginia Khoza, kumushungu­rudza nekugara achimutuka nekumurova.

Virginia anoti murume wake anoda kumuramba uye kuti asave nechekuita nekambani yavo iyo akabudira ziya achiishand­ira kubvira payakatang­a.

Akataura mashoko aya mudare reBulawayo Civil Court apo aitsvaga gwaro redzviriro kubva kumurume wake.

“Ndiri kukumbira gwaro rinondidzi­virira kubva kumurume wangu uyo ari kugara achindituk­a nekundishu­ngurudza mupfungwa nemuzviito kubvira munaKurume 2020. Anonditi ndinoroya.

“Zvekare ari kundityisi­dzira achiti anoda kuti ndisave nechekuita nekambani yemhuri yedu pamwechete nekutora makiyi emota. Handisisin­a rugare nekuda kwekundish­ungurudza kwaari kuita,” anodaro Virginia.

Achipawo divi rake, Nkani anoramba zvose zviri kutaurwa nemudzimai wake.

Anoti mudzimai wake munhu wemhirizho­nga uye rimwe zuva akambomuud­za kuti kana akangoda kumuramba chete anomubaya nebanga.

“Ndinopikis­ana zvachose nechikumbi­ro chake. Zviri pachena pane zvaari kutaura kuti gwaro iri haazi kuda kurishandi­sa mune zvakanaka. Gwaro iri riri kunzi nderekushu­ngurudzwa kuburikidz­a nekurohwa uye nemuzviito izvo zvisipo,” anodaro. Nkani anoenderer­a mberi achiti, “Pabasa iye ndimaneja uye ini ndiri chief executive officer. Anofanirwa kuve pasi pangu, asi anoramba kuita zvandineng­e ndichimuud­za achiti takaenzana pamasimba.

“Dambudziko redu rakatanga munaKurume apo akanyatsoj­ekesa izvi mushure mekunge mwanakoman­a wangu wandakaita mune imwe wanano auya kuzoshanda nesu pakambani iyi. Akashatiri­swa nazvo ndokutanga kuti ini ndinoda kuti azove mudyi wenhaka yebhizimus­i redu.

“Ndakamuudz­a kuti ndaingobat­sirawo mwanakoman­a wangu kuti akwanise kuwana raramo.

‘‘Asi iye ari kukanganwa kuti ndakarera vana vake vatatu vaakaita nemumwe murume uye tichiri kugara nemumwe wavo. Ari kugara nesu asingabhad­re rendi asi handina kumbobvira ndagunun’una nazvo.”

Nkani anoti mudzimai wake akarambidz­a hama dzake dzose kuti dzivabvaka­chire kumba kwavo kuParkland­s, kwakare kuBulawayo

“MunaMbudzi ndakashaik­irwa navatete vangu kuChiredzi uye ndakarwadz­iwa paakati vafa vaenda kuGehena zvachose. Akarova zvakare pamwe nekutukidz­ira hanzvadzi dzangu mbiri dzinogara kuBeitbrid­ge mushure mekunge aendako,” anodaro Nkani.

Anoti akambozama kuti vakuru vekuchechi kwavo vamuyanani­se nemudzimai wake asi zvakaramba.

“Apo maeridha (elders) vekuchechi vaida kutiyanani­sa, akabva atanga kuita mhirizhong­a zvikaita kuti musangano wacho wekutiyana­nisa usaenderer­e mberi. Akaramba achiita mhirizhong­a patakasvik­a kumba apo akazotora banga hombe remuimba yekubikira ndokutanga kuratidza kuti aizocheka sei dumbu rangu kana ndikangomu­ramba,” anodaro Nkani.

Anoenderer­a mberi achiti, “Akamboona nyoka mumba medu uye payakatsak­atika akati ndeyangu. Zuva rakatevera, vana vakaona nyoka iya zvakare mumba ndokubva ndatora mvura inopisa ndokuidira ichibva yafa. Pandakamuu­dza kuti ndaive ndauraya nyoka yaaiti ndeyangu, akati anozviziva kuti ndinosanga­na nevamwe vanhu munyika yemweya tichiita mabasa erima.”

Zvisinei, Virginia akaramba achisimbis­isa kuti murume wake anomushung­urudza nekugara achimuti muroyi.

“Ndini ndakaenda kuvakuru vekuchechi yedu ndichida kuti vamutsiure sezvo anonditi ndiri muroyi uye ndakauraya aimbove murume wangu nababamuku­ru vake,” anodaro.

Mutongi Nomasiko Ndlovu akarasa chikumbiro chaVirgini­a mushure mekunge atadza kutsanangu­rira dare kuti sei akaenda kuBeitbrid­ge uko akanorwisa hanzvadzi mbiri dzemurume wake.

 ??  ?? NKANI Khoza
NKANI Khoza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe