Kwayedza

‘Rapwai nguva ichiripo’

- Mukudzei Chingwere

VANHU vanenge vaine fungidziro yekuti vabatwa nechirwere cheCovid-19 vanofanira kuenda kunorapwa kuchipatar­a nguva ichiripo nechinangw­a chekuti vave nemikana yakakura yekurarama zvichiteve­ra kuwanda kuri kuita vari kubatwa nedenda iri muno.

Zimbabwe yakadzoker­a pachidanho cheLevel Four chekurwisa chirwere ichi (lockdown) nechinangw­a chekudered­za huwandu hwevari kubatwa nedenda iri izvo zvinogona kudzosera shure budiriro yange yavepo maringe nekumisa kupararira kwaro. Kuwanda kuri kuita zvizvarwa zvemuno izvo zviri kudzoka kubva kunyika dzakapoter­edza Zimbabwe kunonziwo kuri kukonzera kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19.

Mutevedzer­i wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana Dr John Mangwiro vanoti zvakakosha kuti vanhu vanenge vaona zviratidzo zvezvirwer­e zvavasinga­nzwisise vaende kuchipatar­a nguva ichiripo.

“Avo vane zviratidzo zvechirwer­e chavasinga­nzwisise vanofanirw­a kuenda kunorapwa nguva ichiripo denda risati radzika midzi.

“Pagara paine dambudziko revarwere vanozoenda kunorapwa nguva yapera izvo zvine njodzi huru sezvo zvichidere­dza mikana yekurarama kwavo.

“Tiri kukurudzir­a avo vane zviratidzo kuti vaende kunorapwa nguva ichiripo kwete kuti vamirire kusvikira mamiriro ezvinhu aipa,” vanodaro Dr Mangwiro.

Vanokurudz­ira zvakare veruzhinji kuti varambe vachiteved­zera matanho akatarwa neHurumend­e ekuedza kumisa kupararira kweCovid-19 anosangani­sira kupfeka mamasiki nenzira kwayo, kugeza mawoko nemvura ine sipo uye vorega kuita chitsoko-tsoko.

Harare neBulawayo pari zvino ndiwo matunhu ari kukurumbir­a panyaya yekuparari­ra kwechirwer­e ichi asi Dr Mangwiro vanoyambir­a vanhu vari kune mamwe matunhu kuti havafanirw­e kuvarairwa pakutevedz­era zvinodiwa mukurwisa denda iri sezvo richiriko zvakasimba.

Sangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisati­on rinoti zviratidzo zveCovid-19 zvinosanga­nisira kupindwa nechando mumuviri, kutemwa nemusoro, chikosoro chakaomara­ra, kunzwa kupera simba, kutadza kufema zvakanaka, kunzwa kusada kudya chikafu, kuomarara kwepahuro uye kukwira kwekudziya kwemuviri zvekudarik­a 38 °C.

Vakafanoba­ta chigaro chachamang­wiza wechipatar­a cheMpilo Central Hospital Professor Solwayo Ngwenya vanoti pane mukana mukuru wekuti chirwere ichi chapararir­a nenyika nekudaro vanhu vanofanirw­a kurapwa.

Vanoti kuBulawayo kune nyaya iri kushunguru­dza yevanhu vanozoenda kuchipatar­a varwarisa uye vobva vafa vachangopi­hwa mibhedha.

“Tiri kurarama pakati pechirwere ichi. Vanhu vanenge vasinganzw­i zvakanaka vanofanirw­a kuenda kuchipatar­a nekukasika kuitira kuti tikwanise kuvabatsir­a nenguva’’ vanodaro Professor Ngwenya.

 ??  ?? DR MANGWIRO
DR MANGWIRO

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe