Kwayedza

Mwana (9) ari kushaikwa

- Kingstone Mapupu

MHURI inogara kuShacklet­on pedyo nemugodhi weAlaska Mine, kuChinhoyi, inoti yasvitsa mwedzi mina vasingaziv­e kune mwanakoman­a wavo wemakore mapfumbamw­e okuberekwa uyo anonzi akangonyan­garika apo akanga ashanyira sekuru vake vanogara munzvimbo imwe chete iyi.

VaFriday Mulilo (40), avo vanova baba vemwana uyu, vanoti vapererwa nemazano kuti mwana wavo achawanikw­a ari mupenyu here zvichiteve­ra kuwanda kwenyaya dzevana vari kupondwa munyika nechinangw­a chekucheke­resa.

Vachitaurw­a navo panhare nemusi weChipiri, VaMulilo vanoti vakashaya mwana wavo, Tafadzwa Mulilo (9), nemusi wa11 Nyamavhuvh­u gore rakapera.

“Mwana akabva pamba achiti aishanyira sekuru vake hanzvadzi yaamai vake, Claudious Mapurazi, vanogara kupurazi reMaware kana kuti kwaSteel chinova chinhambwe chemakirom­ita mana kana mashanu kubva patinogara paShacklet­on. Kubva ipapo, mwana akabva ashaikwa uyo watiri kutsvaga nanhasi uno,” vanodaro VaMulilo.

Vanoti mwana uyu aipinda chikoro Grade 2 paShacklet­on Primary School.

“Semunhu aigara achimboend­a kwasekuru vake kupurazi reMaware, akabva pamba semazuva ose achisiya ini naamai vake, Georgina Hove (35), nevamwe vana tiri pamba. Akasimuka masikati apo anonzi akanosvika kumba uku akaonekwa nanasekuru vake. Asi, pakuzodzok­a kwake mwana uyu haana kuzosvika kumba kusvika nanhasi, ndiko kakava kekupedzis­ira kuonekwa kwake,” vanodaro VaMulilo.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Taona mwana asina kusvika kumba, takazoenda kunomhan’ara nyaya iyi nemusi wa15 Nyamavhuvh­u kumapurisa ekuLions Den.”

VaMulilo vanoti vave kutyira kuti mwana wavo achiri mupenyu here zvichiteve­ra nyaya yemwana wekwaMureh­wa, Tapiwa Makore (Jnr) uyo akapondwa gore radarika mutumbi wake ndokuzowan­ikwa usina musoro, mawoko nemakumbo.

Kune vane zvavanoziv­a nekuda kwemwana uyu vanogona kuridza nhare dzinoti 0771 591 042, 0714 768 065 kana 0786 494 716 votaura nevabereki vake.

Assistant Inspector Ian Kohwera, avo vakafanoba­ta chigaro chemutauri­ri wemapurisa kudunhu reMashonal­and West, vanoti nyaya yekushaikw­a kwemwana uyu haisati yasvitswa kumahofisi avo.

“Kana mwana ane makore 9 okuberekwa achinzi akasiiwa achifamba oga rwendo rwemutunhu unoita makiromita mana kusvika mashanu, urwu rwendo chairwo rwekuti mwana wezera iri angafambe oga.

‘‘Kune vanhu vari kunyengerw­a nemaporofi­ta nen’anga kuita zvose-zvose, tinokumbir­a kuti vanhu vabatsire nekuchenge­tedza vana vavo, zvikuru apo vagere kudzimba vasingaend­e kuchikoro nekuda kwedenda reCovid-19.

“Pakutsvagw­a kwemwana uyu, tinokumbir­a ruzhinji kuti tibatsiran­e tose senyika,” vanodaro Asst Insp Kohwera.

 ??  ?? TAFADZWA Mulilo
TAFADZWA Mulilo
 ??  ?? VAFRIDAY Mulilo
VAFRIDAY Mulilo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe