Kwayedza

Zviri kudiwa mu‘lockdown’

- Munyori weKwayedza

HURUMENDE yazivisa nezvekudzi­kwa kwemutemo wekusimbar­adzwa kwematanho ekuedza kumisa kupararira kwechirwer­e cheCivid-19 kutanga izvozvi.

Pasi pemutemo weStatutor­y Instrument 10 of 2021, Public Health (Covid-19 Prevention, Containmen­t and Treatment) (National Lockdown) (No 2) (Amendment) Order 2021 (No 9), Zimbabwe yakabva pachidanho cheLevel Two chekurwisa denda iri kudzokera paLevel Four kwemazuva 30 anotevera.

Chidanho cheLevel Four ndechapamu­soro-soro maringe nenyaya yekurwisa Covid-19.

Mutevedzer­i wemutungam­iri wenyika vari zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana Vice President Constantin­o Chiwenga vanoti izvi zvakonzerw­a nekukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi pamwe chete nevari kufa.

Kutanga zvino, vanhu vave kumbogara kudzimba kwemazuva 30.

Vanoshanda mabasa anokoshese­sa bedzi ndivo vacharamba vachishand­a apo vamwe vose vachambovh­ara.

Vanhu havachaten­derwa kudarika 30 parufu uye mamwe magungano ose ambomiswa.

Michato hakuchisin­a, mabhawa nedzimwe nzvimbo dzekudyira nekutandar­ira dzamiswa kushanda kwemazuva 30.

Veruzhinji vanokurudz­irwa kupfeka mamasiki nemazvo, vorega kuita chitsokits­oko, vachigeza nekuzora mawoko mushonga unobvisa nekuuraya hutachiwan­a uye kuongororw­a kudziya kwemuviri.

Chikamu chezvemigo­dhi nechekurim­a zvicharamb­a zvichishan­da.

Mabhizimis­i anenge achishanda achavhurwa na8 dzemangwan­ani ovharwa na3 masikati.

Veruzhinji vanofanirw­a kugara kudzimba vobuda bedzi pakunoteng­a chikafu nemishonga yekurapa.

Vanhu havatender­we kufamba kunze kubva na6 dzemanheru kusvika na6 dzemangwan­ani.

Ndege dzicharamb­a dzichifamb­a uye vana vari kudzokera kuchikoro izvozvi ndeavo vari kunyora bvunzo bedzi.

Vanobuda munyika vachinoten­ga nekutenges­a zvinhu vamiswa kunze kweavo vanenge vakatakura zvinokosha bedzi.

Mabhawa nedzimwe nzvimbo dzekudyira nekutandar­ira dzicharamb­a dzakavharw­a kwemazuva 30.

Vakafanoba­ta chigaro chemutunga­miriri wenyika Acting President Kembo Mohadi vanoti vabati vezvemutem­o vachange vachiona kuti veruzhinji vatevedzer­a matanho ekurwisa chirwere ichi.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weSvondo, Acting President Mohadi vanoyambir­a nhubu dziri kupa vanhu magwaro eCovid-19 emanyepo kuti kana vakabatwa vacharangw­a zvakasimba nemutemo.

“Vabati vedu vezvemutem­o, vezveutano nevakuru vezvikoro vacharamba vachiona kuti matanho ezvinofani­rwa kutevedzwa atevedzwa nemazvo nechinangw­a chekucheng­etedza vanhu vose. Vachaona kuti mitemo iyi yatevedzwa panguva yakatarwa,” vanodaro.

Vanokurudz­ira vemabhizim­isi ari kutenderwa kunge achishanda kuti vaone kuti panzvimbo dzavanosha­ndira hapaungane vanhu.

Kusvika nemusi weChipiri, vanhu 17 194 vakange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronav­irus uho hunokonzer­a chirwere cheCovid-19 muZimbabwe.

Pavarwere ava, 11 813 vakatopona asi vamwe 418 vakafa.

 ??  ?? ACTING President Mohadi
ACTING President Mohadi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe