‘Zvakabva kudunhu, hwishu’
SHASHA yetsiva nenhabvu yechidzimai — Patience Mastara — anoti mitambo yechinyakare yakaita sedunhu, hwishu nemafulawu zvakamurera kuti akure achifarira zvemitambo.
Mastara vazhinji vanomuziva ari nyanzvi yakwanisa kumirira nyika ichisimudza mureza munhabvu netsiva izvo zvakamuona achitambira chikwata maMighty Warriors.
Anoti kuMbare, muguta reHarare kwaanogara uko akakurira aive shasha yehwishu yaizivikanwa uye aitamba achikwikwidza nevakomana izvo zvakazoita kuti akure achifarira kutamba nhabvu.
“Ndinoona sekunge kufarira kwandakazoita nhabvu inyaya yekuti ndakakura ndichitamba mitambo yakaita sehwishu uye kuzopinda mutsiva inyaya zvakare yekuti ndaitamba mafulawu.
“Mafulawu anodzidzisa kuti ugone kunzvenga nekuti ukasanzvenga unotemwa nebhora wobuda. Mutsiva unotamba uchinzvenga, ukatadza kunzvenga zvakanaka unorohwa chibhakera mumusoro ukakundwa. Saka mumaonero angu, mitambo miviri iyi tsiva nemafulawu zvinodzidzisa chinhu chimwe chete, kugona kunzvenga,” anodaro Mastara.
Anoenderera mberi achiti mitambo iyi kazhinji vaiitamba vakawanda vari muzvikwata zvine vatambi vashanu kana vana (4).
Mastara anoti dzimwe nguva vaitotamba mitambo iyi vachitoita zvekubheja mari.
“Mitambo iyi kuti inakidze, inotambwa ine zvikwata zvakasiyana. Isu takakurira kuGhetto kunenge kune zvikwata zvakawanda zvakasiyana zvekuti taitamba nevekune mamwe maraini dzimwe dzenguva tichitobheja mari.
“Kazhinji kacho, taihwina sezvo zvaitidzidzisa kushanda nesimba uye kushanda sechikwata,” anodaro Mastara.
Chidzidzo chikuru Mastara chaanoti akawana kubva kumitambo iyi kuti asatore zvinodhaka muhupenyu hwake. Anoti kuswera achitamba kwaaita hwishu, dunhu nemafulawu kwaimubatsira kuti asawane nguva yekutora zvinodhaka kana kuita mamwe mabasa ehunzenza.
“Ndichikura, ndaiziva kuti kana ndabva kuchikoro ndaienda kunotamba hangu hwishu, dunhu nemafulawu.
Kana nguva dzekuti vabereki vakudzoka kumba kubva kubasa dzakwana, ndaimhanya kumba kunotanga kuita basa rangu rekuchikoro uye kana ndapedza ndobva ndatanga kubika zvemanheru.
Izvi zvaindibatsira nekuti handina zuva randakambotora zvinodhaka zvisingatenderwi mumuviri zvakaita sembanje nekuti ndaiswera ndichiita zvemitambo.
“Kana kuswera ndiri kumafaro, handaiendako nekuti ndaiziva zvinangwa zvangu muhupenyu hwangu,” anodaro.
Zvakadai. zvichitevera matanho akatorwa neHurumende akananga kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 izvo zvakaona mitambo yose ichimbomiswa zvakare, Mastara anoti mamiriro ezvinhu aya akanganisa hurongwa hwake hwegore rino hwekuti agosimukira mutsiva.
“Covid-19 taishaira chaizvo kuti inotidarirei shuwa, yakauya kuzongoparadza chete.Isu tiri mune zvemitambo ndiko kunobva mari dzeduwo dzinotiraramisa manje kutorerwa kwataita mitambo iyi zvabva zvatidzorera shure chaizvo.
Ini nechikwata changu tange tine hurongwa hukuru hwatainge takaronga hwegore rino asi zvose zvaenda mudondo nekuda kweCovid-19 iyi.
“Asi chinhu chikuru ndechekuti hupenyu hweveruzhinji hunge hwakachengetedzeka chete,” anodaro Mastara.
Anoti zvakakosha kuti vatambi vemitambo yakasiyana vagare vachiita mitambo yekusimbisa miviri.
“Covid-19 haidi kuti munhu uswere wakangogara, kwete, asi unofanira kunge uchiita mitambo yekusimbisa muviri wako ugare yakasimba.
Izvi zvinokubatsira zvikuru zvakare kuti usabatwe nezvirwere zvakasiyana-siyana kusanganisira iyo Covid-19,” anodaro Mastara.