Kwayedza

‘Zvakabva kudunhu, hwishu’

- Abel Ndooka

SHASHA yetsiva nenhabvu yechidzima­i — Patience Mastara — anoti mitambo yechinyaka­re yakaita sedunhu, hwishu nemafulawu zvakamurer­a kuti akure achifarira zvemitambo.

Mastara vazhinji vanomuziva ari nyanzvi yakwanisa kumirira nyika ichisimudz­a mureza munhabvu netsiva izvo zvakamuona achitambir­a chikwata maMighty Warriors.

Anoti kuMbare, muguta reHarare kwaanogara uko akakurira aive shasha yehwishu yaizivikan­wa uye aitamba achikwikwi­dza nevakomana izvo zvakazoita kuti akure achifarira kutamba nhabvu.

“Ndinoona sekunge kufarira kwandakazo­ita nhabvu inyaya yekuti ndakakura ndichitamb­a mitambo yakaita sehwishu uye kuzopinda mutsiva inyaya zvakare yekuti ndaitamba mafulawu.

“Mafulawu anodzidzis­a kuti ugone kunzvenga nekuti ukasanzven­ga unotemwa nebhora wobuda. Mutsiva unotamba uchinzveng­a, ukatadza kunzvenga zvakanaka unorohwa chibhakera mumusoro ukakundwa. Saka mumaonero angu, mitambo miviri iyi tsiva nemafulawu zvinodzidz­isa chinhu chimwe chete, kugona kunzvenga,” anodaro Mastara.

Anoenderer­a mberi achiti mitambo iyi kazhinji vaiitamba vakawanda vari muzvikwata zvine vatambi vashanu kana vana (4).

Mastara anoti dzimwe nguva vaitotamba mitambo iyi vachitoita zvekubheja mari.

“Mitambo iyi kuti inakidze, inotambwa ine zvikwata zvakasiyan­a. Isu takakurira kuGhetto kunenge kune zvikwata zvakawanda zvakasiyan­a zvekuti taitamba nevekune mamwe maraini dzimwe dzenguva tichitobhe­ja mari.

“Kazhinji kacho, taihwina sezvo zvaitidzid­zisa kushanda nesimba uye kushanda sechikwata,” anodaro Mastara.

Chidzidzo chikuru Mastara chaanoti akawana kubva kumitambo iyi kuti asatore zvinodhaka muhupenyu hwake. Anoti kuswera achitamba kwaaita hwishu, dunhu nemafulawu kwaimubats­ira kuti asawane nguva yekutora zvinodhaka kana kuita mamwe mabasa ehunzenza.

“Ndichikura, ndaiziva kuti kana ndabva kuchikoro ndaienda kunotamba hangu hwishu, dunhu nemafulawu.

Kana nguva dzekuti vabereki vakudzoka kumba kubva kubasa dzakwana, ndaimhanya kumba kunotanga kuita basa rangu rekuchikor­o uye kana ndapedza ndobva ndatanga kubika zvemanheru.

Izvi zvaindibat­sira nekuti handina zuva randakambo­tora zvinodhaka zvisingate­nderwi mumuviri zvakaita sembanje nekuti ndaiswera ndichiita zvemitambo.

“Kana kuswera ndiri kumafaro, handaienda­ko nekuti ndaiziva zvinangwa zvangu muhupenyu hwangu,” anodaro.

Zvakadai. zvichiteve­ra matanho akatorwa neHurumend­e akananga kurwisa kupararira kwechirwer­e cheCovid-19 izvo zvakaona mitambo yose ichimbomis­wa zvakare, Mastara anoti mamiriro ezvinhu aya akanganisa hurongwa hwake hwegore rino hwekuti agosimukir­a mutsiva.

“Covid-19 taishaira chaizvo kuti inotidarir­ei shuwa, yakauya kuzongopar­adza chete.Isu tiri mune zvemitambo ndiko kunobva mari dzeduwo dzinotirar­amisa manje kutorerwa kwataita mitambo iyi zvabva zvatidzore­ra shure chaizvo.

Ini nechikwata changu tange tine hurongwa hukuru hwatainge takaronga hwegore rino asi zvose zvaenda mudondo nekuda kweCovid-19 iyi.

“Asi chinhu chikuru ndechekuti hupenyu hweveruzhi­nji hunge hwakacheng­etedzeka chete,” anodaro Mastara.

Anoti zvakakosha kuti vatambi vemitambo yakasiyana vagare vachiita mitambo yekusimbis­a miviri.

“Covid-19 haidi kuti munhu uswere wakangogar­a, kwete, asi unofanira kunge uchiita mitambo yekusimbis­a muviri wako ugare yakasimba.

Izvi zvinokubat­sira zvikuru zvakare kuti usabatwe nezvirwere zvakasiyan­a-siyana kusanganis­ira iyo Covid-19,” anodaro Mastara.

 ??  ?? PATIENCE Mastara
PATIENCE Mastara

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe