Kwayedza

Tava kuiferefet­a: Mapurisa

- Munyori weKwayedza

MUTAURIRI wemapurisa kudunhu reManicala­nd, Inspector Luxson Chananda, vanoti nyaya yemurume wekwaMambo Mutasa uyo ari kupomerwa kuponda mwana wake makore matatu adarika asi ndokuzovig­iridza humhondi uhu achiti ainge azviuraya inoda kuferefetw­a.

Izvi zvinotever­a kufukunurw­a kwakaitwa mutumbi waJoel Nyamunokor­a waive wakavigwa kwaSabhuku Nyamunokor­a, kwakare kwaMutasa, makore matatu adarika mushure mekunge chipoko chake chaonesa pfumvu vemhuri yake.

Mutumbi wake, uyo waimbenge wavigwa kusango kwawo woga, wakazovigw­a kumarinda anovigwa vamwe munharaund­a inogara vabereki vake.

Amai vaJoel — Mai Marian Chitembwe — vari kupomera baba vake, VaGilbert Nyamunokor­a, kuti ndivo vakaponda mwana wavo kunyangwe zvazvo murume uyu ari kurambisis­a nyaya iyi.

Insp Chananda vanoti nyaya iyi inoda kuferefetw­a.

“Tine nyaya yemwanakom­ana anonzi aifudza mombe dzavo kwaDC Mutasa aibva pamba paNyamunok­ora aiva nemakore 18 okuberekwa. Mukomana uyu anonzi akanodyisa mumunda mevamwe vanhu avo vakazoenda kumba kwavo vachimupop­otera apo anonzi akazozviur­aya nekunwa muchetura ndokuvigwa patsika dzechivanh­u dzekuti vanhu vanozviura­ya vanovigwa kwavo voga,”vanodaro Insp Chananda.

“Amai vemushakab­vu uyu vari kupomera baba vacho kuti ndivo vakaponda mwana uyu vakazomunw­isa muchetura kuti vasabatwe nemhosva yekunzi vakarova mwana akafa. Saka panoda kuferefetw­a.”

Insp Chananda vanotsinhi­ra kuti mhuri yekwaNyamu­nokora yakapihwa mvumo nemapurisa uye nehofisi yamudzviti kuti vafukure mutumbi waJoel pamwechete nekuuviga patsva.

“Nyaya iyi yakazoende­swa kwamudzvit­i mhuri iyi ikapihwa matsamba ekuti vanofukunu­ra guva iri asi vakazoenda voga pasina mapurisa. Asi paifanirwa kunge mutumbi uyu wakatanga waongororw­a kuti zvionekwe kuti akafa nei kuchitaris­wa kana pane kuparwa kwemhosva sekutaurwa kwazvinoit­wa naamai vemushakab­vu kuti mwana uyu akafa nekupondwa nababa vake. Paidiwa kuitwa post-mortem,” vanodaro Insp Chananda.

 ??  ?? INSP Chananda
INSP Chananda

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe