Tava kuiferefeta: Mapurisa
MUTAURIRI wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Luxson Chananda, vanoti nyaya yemurume wekwaMambo Mutasa uyo ari kupomerwa kuponda mwana wake makore matatu adarika asi ndokuzovigiridza humhondi uhu achiti ainge azviuraya inoda kuferefetwa.
Izvi zvinotevera kufukunurwa kwakaitwa mutumbi waJoel Nyamunokora waive wakavigwa kwaSabhuku Nyamunokora, kwakare kwaMutasa, makore matatu adarika mushure mekunge chipoko chake chaonesa pfumvu vemhuri yake.
Mutumbi wake, uyo waimbenge wavigwa kusango kwawo woga, wakazovigwa kumarinda anovigwa vamwe munharaunda inogara vabereki vake.
Amai vaJoel — Mai Marian Chitembwe — vari kupomera baba vake, VaGilbert Nyamunokora, kuti ndivo vakaponda mwana wavo kunyangwe zvazvo murume uyu ari kurambisisa nyaya iyi.
Insp Chananda vanoti nyaya iyi inoda kuferefetwa.
“Tine nyaya yemwanakomana anonzi aifudza mombe dzavo kwaDC Mutasa aibva pamba paNyamunokora aiva nemakore 18 okuberekwa. Mukomana uyu anonzi akanodyisa mumunda mevamwe vanhu avo vakazoenda kumba kwavo vachimupopotera apo anonzi akazozviuraya nekunwa muchetura ndokuvigwa patsika dzechivanhu dzekuti vanhu vanozviuraya vanovigwa kwavo voga,”vanodaro Insp Chananda.
“Amai vemushakabvu uyu vari kupomera baba vacho kuti ndivo vakaponda mwana uyu vakazomunwisa muchetura kuti vasabatwe nemhosva yekunzi vakarova mwana akafa. Saka panoda kuferefetwa.”
Insp Chananda vanotsinhira kuti mhuri yekwaNyamunokora yakapihwa mvumo nemapurisa uye nehofisi yamudzviti kuti vafukure mutumbi waJoel pamwechete nekuuviga patsva.
“Nyaya iyi yakazoendeswa kwamudzviti mhuri iyi ikapihwa matsamba ekuti vanofukunura guva iri asi vakazoenda voga pasina mapurisa. Asi paifanirwa kunge mutumbi uyu wakatanga waongororwa kuti zvionekwe kuti akafa nei kuchitariswa kana pane kuparwa kwemhosva sekutaurwa kwazvinoitwa naamai vemushakabvu kuti mwana uyu akafa nekupondwa nababa vake. Paidiwa kuitwa post-mortem,” vanodaro Insp Chananda.