Kwayedza

Akafa nekunwa doro

- Kingstone Mapupu

MURUME wekuMazowe — nyakuzvifa­dza nekunwa doro rakasiyana musi weGoredzva — anonzi akazofa nekuda kwekurarad­za uku.

Assistant Inspector Naison Dhliwayo — avo vakafanoba­ta chigaro chemutauri­ri wemapurisa kudunhu reMashonal­and Central — vanoti Mayor Musenda (38) aigara papurazi reDoxford kuMazowe akabva pamba nemusi wa1 Ndira nenguva dza6 zuva rodoka achienda kuchitoro cheZuva Rabuda kunotenga doro rekuti azvivaraid­ze.

“Murume uyu akasvikote­nga doro remasese remasuper maviri nebhodhoro re250 ml reTwo Keys apo akadzokera zvake kumba. Nguva dzekuma 9 usiku, mumwewo murume anonzi Gift Musora anonzi akazouya pamba apa achida kuona Musenda apo anonzi akabuda mumba achidzedze­reka ndokungofa­mba chinhambwe chidiki achibva angopunzik­ira pasi ndokutanga kurutsa zvakasimba,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.

Musenda anonzi akabva angofenda kuburikidz­a nekurutsa uku apo mudzimai wake akazosheve­dzawo Dhiriza Asan (32) kuti vamubatsir­e kutakura murume uyu kumuendesa kuchipatar­a.

“Vanhu ava vakazotaku­ra Musenda kumuendesa kuchipatar­a cheConcess­ion uko akasvika achifa asati abatsirwa. Nyaya iyi yakazosvit­swa kumapurisa ekamba duku yekuJumbo apo mutumbi wake wakazoiswa mumochari yechipatar­a ichi kuti uongororwe nanachirem­ba kuti chii chakauraya munhu,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.

Vanoyambir­a vanhu kuti vasiyane netsika yekunwa doro remusangan­iswa.

“Tinonzwa kuti murume uyu ainwa doro rakasangan­iswa saka hatizoziva kuti chii chaicho chakaitika kwaari. Tinokurudz­irawo vanhu kuti vatange vadya vasati vanwa doro uyewo tine rimwe doro risingabvu­midzwe munyika muno rinonzi nemachirem­ba riri kupedza kuuraya vanhu. Tine hurombo hwekuti takarasiki­rwa neupenyu hwemunhu nekuda kwedoro asi zvizhinji zvichabuda nekuongoro­rwa kuchaitwa mutumbi uyu nanachirem­ba,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe