Kwayedza

BABA VOGOCHA VANA NEMOTO

… hanzi vane misikanzwa

- Fungai Lupande ari kuSHAMVA

MURUME anogara mubhuku rekwaMbata, kuShamva South, ari kunzi anoshungur­udza vanakomana vake vatatu zvekusvika pakuvapisa maoko avo nemoto wemapurasi­tiki nekuvarova achivapome­ra kuti vari kuba zvirimwa nezvimwe zvinhu.

Vana ava — Tadiwanash­e (9), Byron (7) naAuthor (6) — pari zvino vari muchipatar­a cheBindura Provincial Hospital umo vari kurapwa maronda ekupiswa nekurohwa nababa vavo vanonzi Gilbert Samhungu.

Samhungu akatosungw­a uye nyaya yake yatova mudare reMt Darwin Magistrate­s’ Court uko ari kupomerwa mhosva yekushungu­rudza vana vake.

Amai vevana ava — Mai Joylene Kunyama (28) — nevanakoma­na vavo vanonzi vagara vachishung­urudzwa naSamhungu kwemakore matatu adarika kusvikira mumwe mugari wemunharau­nda iyi akazonomha­n’ara nyaya iyi kuMadziva Police Station.

Nemusi wa7 Kurume gore rino, Samhungu anonzi akasungiri­ra mwanakoman­a wake mukuru, Tadiwanash­e, pagumbo remubhedha ndokumurov­a kumagadzik­o zvekumusiy­a asisakwani­se kugara.

Anonzi akazorova zvakare Byron achishandi­sa nzira imwe chete iyi kusvikira mwana uyu akazviitir­a tsvina.

Kwayedza svondo rapera yakashanyi­ra chipatara cheBindura Provincial Hospital uko vana ava vari kurapwa vachicheng­etwa naamai vavo.

Maoko aAuthor akapiswa zvakaipisi­sa apo Byron akapiswa zvakare mumaoko nepagumbo.

Tadiwanash­e, uyo achiri kutambura kuti akwanise kugara, akange akarara nedumbu pamubhedha wemuchipat­ara ichi musoro wakatsinin’ina pasi.

Vachitaura nezvekushu­ngurudzwa kwavo, Mai Kunyama vanoti vanakomana vavo vave kuzivikanw­a munharaund­a yavanogara nezita remadunhur­irwa rekuti “three musketeers” nenyaya yekuba, asi baba vavo vanovarang­a zvakadarik­idza.

“Vakatanga kurova vana, vanoita sevari kurwa nemurume wezera ravo,” vanodaro.

Vanoti rimwe zuva uri musi weSvondo, vakapereke­dza murume wavo kunobatsir­a vanatezvar­a vake basa mumunda wefodya.

“Murume wangu akazobva ave kuenda kubindu uye paaive munzira akaona Byron naTadiwana­she vakagara pasi vachidya nzungu. Akavabvunz­a kuti vainge vadziwanep­i vachibva vati vaive vapihwa nemhuri yekwaSaway­a.

“Nekuda kwekuziva kuti vana ava vane misikanzwa, akabva aenda kunobvunza kuti abate chokwadi ndokuudzwa kuti vana vakatanga kudya nzungu idzi mangwanani kunyangwe zvazvo vasina kumbobvira vaonekwa munharaund­a iyi,” vanodaro.

Mai Kunyama vanoti vana ava vakaratidz­a kutya kukuru ndokubva vaudza baba vavo kuti vainge vadziba mumunda wemhuri yekwaSaway­a.

“Saamai, ndakatora tsarapu ndokurova Tadiwanash­e zvisingarw­adze nayo nechinangw­a chekucheng­etedza vana kubva kuhasha dzababa vavo,” vanodaro Mai Kunyama.

“Vakazoshev­edza Tadiwanash­e muimba yekurara ndokumuti abvise chikabudur­a chake, vachibva vazomusung­irira pamubhedha. Vakatora chitanda ndokutanga kurova mwana nacho. Ndakamhany­a kumba kwemuvakid­zani wedu apo vakazomure­gedza. “Nenguva dza6 zuva rovira, vakasheved­za Bryron muimba yekurara ndokumusun­girirazve pamubhedha.

“Mwana akazviitir­a dope nekurohwa. Ndakamugez­a uye akazongove­rera asina kupfeka. Ndakatsvag­a mwana ndokumusha­ya.”

Mushure mekutiza, Bryron anonzi akaenda kumba kwaMore Mbata uko akanohwand­a mumotokari yakafa.

Zuva rakatevera, Bryron akawanikwa ari mumota iyi apo vanhu vakaungana kusanganis­ira nhengo dzeSchool Developmen­t Committee.

Aka kanonzi kakange kari kechipiri mwana uyu achirara musango mushure mekushungu­rudzwa nababa vake.

Sabhuku wemunzvimb­o iyi, VaWilliam Mbata, ndivo vakazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Mai Kunyama vanoti izvi zvisati zvaitika, Author akamboba chibage mumunda wemhuri yekwaMurun­gweni uye ndokudya poto yose yenyama yehuku.

“Mushure mekunge vaziva nezvechiit­iko ichi, baba vavo vakasheved­za Bryron naAuthor pamoto pavaive ndokuvapis­a nemapurasi­tiki mumaoko nemakumbo.

“Ndakatauri­ra muvakidzan­i wangu kuti azivise vekuSOS avo vaishanyir­a bhuku redu pamusoro pekushungu­rudzwa kwatiri kuitwa,” vanodaro.

Vanoona nezvekuche­ngetedzwa kwevana munhauraun­da iyi vanonzi vakambozam­a kubatsira mhuri iyi asi vakatyisid­zirwa naSamhungu.

Kanzura weWard 9, VaSimon Matibayira­kupusa, vanoti mushure mekunge vaziva nezvekushu­ngurudzwa kwemhuri iyi, zvainetsa kuti mapurisa apindire sezvo Mai Kunyama vairamba kutaura zvaiitika nekuda kwekutya murume wavo.

“Tine madzimai matatu akasarudzw­a achadzidzi­swa sevabereki vanochenge­ta vana (foster parents) avo vachacheng­eta vanoshungu­rudzwa. Panyaya iyi, vana ava vaiba chikafu unova munongedzo wekuti vane nzara.

“Tichasimba­radza chirongwa chedu chekubatsi­ra mhuri iyi uye nekuona kuti vana ava vapinzwa muchirongw­a cheBEAM nekubatsir­wawo kwemhuri iyi nechibage,” vanodaro.

 ??  ??
 ??  ?? TADIWANASH­E achitaridz­a maoko aanonzi akapiswa nababa vake nemapurasi­tiki
TADIWANASH­E achitaridz­a maoko aanonzi akapiswa nababa vake nemapurasi­tiki
 ??  ?? BRYON achitaridz­a maoko aanonzi akapiswa nababa vake nemapurasi­tiki
BRYON achitaridz­a maoko aanonzi akapiswa nababa vake nemapurasi­tiki
 ??  ?? BRYON achitaridz­a maoko aanonzi akapiswa nababa vake nemapurasi­tiki
BRYON achitaridz­a maoko aanonzi akapiswa nababa vake nemapurasi­tiki
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe