Kwayedza

Akapihwa jambwa nemafuta ekuzora

Ini nemudzimai wangu takashamis­ika kuti sei aida mafuta ekuzora emwanasika­na wedu chete asi hatina kuita hanya nazvo.

- Tendai Gukutikwa

MURUME wekwaMambo Mutambara, kuChimanim­ani, akazopoter­a kudare rashe veko mushure mekunetsan­a nemuramu wake uyo waari kupomera kuti akapa mwanasikan­a wake munyama wekuti adzingwe basa pasina chaatadza kuburikidz­a nekushinhi­rira mafuta ake ekuzora muviri (body lotion).

Joseph Mutereko anoti Catherine Chigidi, uyo anove mudzimai wemun’ina wake, ndiye akaroya mwanasikan­a wake.

Mutereko anoti Chigidi akakumbira mafuta ekuzora emwanasika­na wake, ndokubva amupa munyama mushure mekuashinh­irira.

Apo vaviri ava vakamiswa pamberi paMambo Mutambara neMugovera wadarika, Mutereko akati muramu wake ane godo nevana vake.

Anoti munaNdira gore rino, Chigidi akamushany­ira pamusha pake ndokukumbi­ra mafuta ekuzora emwanasika­na wake.

“Akatokumbi­ra mafuta ekuzora emwanasika­na wangu.

“Ini nemudzimai wangu takashamis­ika kuti sei aida mafuta ekuzora emwanasika­na wedu chete asi hatina kuita hanya nazvo.

“Mudzimai wangu akaunza mafuta ekuzora aya ndokupa Chigidi.

“Paakapihwa mafuta aya, Chigidi pane zvaakataur­a kazevezeve asi zvatisina kunzwa ndokubva adzorera mafuta aya kumudzimai wangu. Akatitenda achibva aenda.

“Husiku ihwowho, mwanasikan­a wangu aive asipo ari kubasa kuNyanyadz­i akandichai­ra nhare achindiudz­a kuti ainge adzingwa basa pasina chikonzero,” anodaro Mutereko.

Anoti vana vake vari kusangana neminyama inosangani­sira kudzingwa mabasa nekusaroor­wa uye zvose izvi zvichikonz­erwa naChigidi.

“Muporofita upi neupi watiri kunobvunzi­ra pamwe nen’anga, vose vari kuti mukadzi uyu ndiye honzeri yematambud­ziko emumhuri yangu.

“Handina kumbobvira ndamubvunz­a pamusoro penyaya iyi nekuti zvaigona kukonzera kusawirira­na kukuru pakati pemhuri dzedu,” anodaro Mutereko.

Achipawo divi rake, Chigidi anoti akaenda kumba kwemhuri yekwaMuter­eko achinokumb­ira mafuta ekuzora emwanasika­na uyu sezvo aifunga kuti vanozora akafanana.

“Handaikwan­isa kuzora mafuta avakandipa nekuti akasiyana neandinozo­ra, saka ndakavadzo­rera.

“Kana mwana wavo akadzingwa basa, haizi mhosva yangu. Pamwe aisaita basa racho nemazvo.

“Zvinotosha­misa kuti vari kudyidzani­dza nyaya yemafuta ekuzora nekudzingw­a kwakaitwa mwanasikan­a wavo basa,” anodaro Chigidi.

Anoenderer­a mberi achiti, “Mutereko akandiveng­a nekuti ndinowirir­ana nemuroora wake. Anoti ndinoburit­sa nyaya dzakavanzi­ka kwaari.

Imhosva yangu here kuti muroora wake anondifari­ra kudarika zvaanoita vamwene vake?”

Mambo Mutambara vakaudza mhuri mbiri idzi kuti dzifambe kune vanoita zvemweya zvigoonekw­a kuti Mutereko ari kutaura chokwadi here kuti mwanasikan­a wake akadzingwa basa mushure mekunge mafuta ake ekuzora ashinhirir­wa naChigidi.

 ?? — Mufananidz­o naTinai Nyadzayo ?? JOSEPH Mutereko (kurudyi) aine muramu wake, Catherine Chigidi, padare raMambo Mutambara.
— Mufananidz­o naTinai Nyadzayo JOSEPH Mutereko (kurudyi) aine muramu wake, Catherine Chigidi, padare raMambo Mutambara.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe