Kwayedza

Unofanira kudya cheziya

- naWedzeray­i Nemachena

HARISI guhwa kuti chose chaunobata uchachisha­ndira. Ichi ndicho chokwadi chinofanir­a kuzivikanw­a nemunhu wose. Dare rino rave nehumbowo hunoratidz­a kudaro.

Kana munhu akaita twunhu twake achiti hapana ari kumunzwa, kumuona, angava baba kana amai pamusha, sabhuku kana muzvinakam­bani, mhedzisiro achazvisha­ndira chete. Vakachena vanotanga vashandira zvinhu kuti vagare zvakanaka asi vasina kuchena vakafanana neavo vanokweret­a mari kubhangi vozoibhara pashure. Mari yechikwere­ti chebhangi inotobhadh­arwa chete uchida kana kusada.

Vazhinzi vanobvunza kuti dare rinorevei kana richiti uchazvisha­ndiri zvaunobata. Mhinduro ndiyoyo yekuti kana ukawana chinhu nyore-nyore usina kuchishand­ira, ichasvika nguva yauchazoch­ishandira zvako, pava paye, dzimwe nguva watorivara zvako nokuti munhu wese anofanira kudya cheziya.

Kudya cheziya ndiwo mutemo wakadzikwa naNyadenga mukusikwa kwakaitwa rudzi rwedu sevanhu. Nedzimwe nguva vadare vangade kuziva kuti ndevapi vanhu vanowana zvinhu nyore vasina kuzvishand­ira vozozvisha­ndira pave paya. Dare rinoti munhu wese kubvira pane mudiki kusvika pamukuru, munhukadzi kana munhururum­e vemazera ose, vananyamas­imba kana vanapombiy­adonha, tese tinobatani­dzwa apa pekuti tidye zvatashand­ira nguva dzose. Uyu mutemo hapana waunosiya.

Mutemo waNyadenga hapana waunosiya, hautsvagir­we gweta kwete. Mutemo uyu une nzira yekugadzir­isa zvinhu wega.

Kana uri mwanasikan­a ari kucollege kana university usingaguts­ikane nemari yaunopihwa nevabereki vako iwe woti ndichaiwan­a kuna sugardaddy, kana sugardaddy anotadzisa mwanasikan­a wemumwewo kukura zakanaka, vaviri ava vachashand­ira kubata kwavo kwese. Vanogona kurwara vese nechirwere chepabonde kana kuti vanogona kunyadzisw­a vese kana zvavakaita muchivande zvabuda.

Kana vari vanyamasim­ba vashandisa simba ravo pabasa ravo kutora zvevapfupi nekureba, vachashand­irawo zvavatora izvi. Angave sabhuku, kana mudzimai wasabhuku, mukuru wechikoro kana ani zvake anoshandis­a simba rake kuita zvisizvo.

Tinoona vamwe vave kutaura vega pamatare avo vachikuruk­urirana nevanhu vatisingao­ne isu nemaziso edu enyama. Vamwe vanopedza kutengesa pfuma yavo mukuripa ngozi, vamwewo ndivo vanogona kuramba basa chairo, woshaya kuziva kuti vachazvifa­mbisa sei.

Ngazvizivi­kanwe kuti vanhu vose ava, nguva yavo yekushandi­ra chikwereti chavo inenge yakwana. CHENJEDZO:

Pane zvose zvatinobat­a, dare rino rinoda kutiyeuchi­dza kuti igaroziva kuti mari yatinotora kubhangi nechikwere­ti tonakirwa nayo nhasi, tichaishan­dira mangwana paye patinenge taipedza yese, isu toona setabiridz­irwa asi tatokangan­wa chazuro nehope.

Nekudaro chose chatinobat­a nhasi ngatidzami­sei pfungwa dzedu kuti tione pazvichati­svitsa hwedza kana tave kuchishand­ira isu vadiki, vakuru kana ani zvake.

◆ Wedzerai Nhemachena ndigodobor­i wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communicat­ion Studies). Anobata nemauniver­sity akawanda muZimbabwe. Nhare: 0772-428809 Email: wedzerainh@yahoo.com

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe