Ngwarirai Covid pazororo
ZORORO rePasika iro rinenge rakatarisirwa nevanhu vakawanda munyika muno pamwe nekunze gore roga-roga raswedera uye panguva iyi veruzhinji vanowana mukana wekufamba nzendo dzakasiyana.
Asi, gore rino zororo iri — iro richatanga nemusi weChishanu kusvika neMuvhuro — rine musiyano nemamwe makore adarika nekuda kwekuvepo kwechirwere cheCovid-19.
Denda iri razunguza pasi rose izvo zvaona vanhu vakawanda vachifa uye kusimukira kwehupfumi kuchiderera zvakare.
Chirwere ichi chichiriko zvichireva kuti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho akatarwa nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) ekudzivirira kupararira kwedenda iri.
Matanho aya anosanganisira kupfeka mamasiki, kusaita chitsoko-tsoko uye kugeza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer nguva nenguva.
Chirwere ichi chinopararira zvakare kana pakave nekufamba-famba kwakanyanya kwevanhu sezvichaitika panguva yezororo rePasika.
Kune vamwe vachabva kunyika dzinosanganisira South Africa kana Botswana vachiuya muno uye vachienda kunzvimbo dzinosanganisira kumaruwa izvo zvinopa mukana wekuti Covid-19 ipararire.
Hurumende yakatopa yambiro kare kuti veruzhinji vanofanirwa kungwarira zvikuru pazororo iri sezvo paine mikana yekuti chirwere ichi chinogona kunyuka ketatu.
Nekuda kwemamiriro ezvinhu aya, bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kusimbaradza ongororo yaro uye nekuita shambadzo munharaunda dzakasiyana pamusoro pedenda iri apo zororo rePasika rave kusvika. Pachange pachinyanya kutariswa zvakare nzvimbo dzinopinda nekubuda nevanhu munyika.
Pakanyuka Covid-19 kepiri munyika muno nguva yadarika, nyanzvi dzezveutano dzinoti izvi zvakakonzerwa nekufamba-famba kusina tsarukano kwakaitwa nevanhu pazororo reKirisimasi neGoredzva.
Izvi zvakaona Hurumende ichitora matanho akasimba ekurwisa kupararira kwedenda iri kuburikidza nechirongwa cheLevel 4 National Lockdown.
Veruzhinji vanofanirwa kudzidza kubva kune zvakaitika nguva yadarika kuti kana vakafarisa uye vakashaya hanya nekutevedzera matanho ekudzivirira kupararira kwedenda iri, chirwere ichi chinonyuka zvakare.
Kune dzimwe nyika dzinosanganisira United Kindgom neIndia idzo pari zvino dziri mushishi yekurwisana neCovid-19 zvichitevera kunyuka kwayakaita patsva.
Kunze kwenjodzi yedenda iri, panguva yezororo rePasika gore negore panoitika tsaona dzakawanda dzemumugwagwa.
Izvi zvinokonzerwa nekuti vatyairi vakawanda vanenge vachifamba panguva iyi nekudaro zvakakosha kuti vanoshandisa migwagwa vatevedzere mitemo inodiwa.
Zvinorwadza kuona vanhu vachirasikirwa nehupenyu kuburikidza netsaona dzemumigwagwa dzinokwanisa kudzivirirwa.
Kune vamwe vanosvika pakufarisa zvakare panguva iyi vachikanganwa kuti mushure mezororo iri hupenyu hunofanirwa kuenderera mberi.
Saka zvakakosha kuti fare, fare tindike nekuti kangoma kakanya kuririsa kanozoparuka.
Tinokushuvirai zororo rePasika rakaropafadzwa.