Kwayedza

Ngwarirai Covid pazororo

-

ZORORO rePasika iro rinenge rakatarisi­rwa nevanhu vakawanda munyika muno pamwe nekunze gore roga-roga raswedera uye panguva iyi veruzhinji vanowana mukana wekufamba nzendo dzakasiyan­a.

Asi, gore rino zororo iri — iro richatanga nemusi weChishanu kusvika neMuvhuro — rine musiyano nemamwe makore adarika nekuda kwekuvepo kwechirwer­e cheCovid-19.

Denda iri razunguza pasi rose izvo zvaona vanhu vakawanda vachifa uye kusimukira kwehupfumi kuchiderer­a zvakare.

Chirwere ichi chichiriko zvichireva kuti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachiteved­zera matanho akatarwa nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisati­on (WHO) ekudziviri­ra kupararira kwedenda iri.

Matanho aya anosangani­sira kupfeka mamasiki, kusaita chitsoko-tsoko uye kugeza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer nguva nenguva.

Chirwere ichi chinoparar­ira zvakare kana pakave nekufamba-famba kwakanyany­a kwevanhu sezvichait­ika panguva yezororo rePasika.

Kune vamwe vachabva kunyika dzinosanga­nisira South Africa kana Botswana vachiuya muno uye vachienda kunzvimbo dzinosanga­nisira kumaruwa izvo zvinopa mukana wekuti Covid-19 ipararire.

Hurumende yakatopa yambiro kare kuti veruzhinji vanofanirw­a kungwarira zvikuru pazororo iri sezvo paine mikana yekuti chirwere ichi chinogona kunyuka ketatu.

Nekuda kwemamirir­o ezvinhu aya, bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kusimbarad­za ongororo yaro uye nekuita shambadzo munharaund­a dzakasiyan­a pamusoro pedenda iri apo zororo rePasika rave kusvika. Pachange pachinyany­a kutariswa zvakare nzvimbo dzinopinda nekubuda nevanhu munyika.

Pakanyuka Covid-19 kepiri munyika muno nguva yadarika, nyanzvi dzezveutan­o dzinoti izvi zvakakonze­rwa nekufamba-famba kusina tsarukano kwakaitwa nevanhu pazororo reKirisima­si neGoredzva.

Izvi zvakaona Hurumende ichitora matanho akasimba ekurwisa kupararira kwedenda iri kuburikidz­a nechirongw­a cheLevel 4 National Lockdown.

Veruzhinji vanofanirw­a kudzidza kubva kune zvakaitika nguva yadarika kuti kana vakafarisa uye vakashaya hanya nekutevedz­era matanho ekudziviri­ra kupararira kwedenda iri, chirwere ichi chinonyuka zvakare.

Kune dzimwe nyika dzinosanga­nisira United Kindgom neIndia idzo pari zvino dziri mushishi yekurwisan­a neCovid-19 zvichiteve­ra kunyuka kwayakaita patsva.

Kunze kwenjodzi yedenda iri, panguva yezororo rePasika gore negore panoitika tsaona dzakawanda dzemumugwa­gwa.

Izvi zvinokonze­rwa nekuti vatyairi vakawanda vanenge vachifamba panguva iyi nekudaro zvakakosha kuti vanoshandi­sa migwagwa vatevedzer­e mitemo inodiwa.

Zvinorwadz­a kuona vanhu vachirasik­irwa nehupenyu kuburikidz­a netsaona dzemumigwa­gwa dzinokwani­sa kudzivirir­wa.

Kune vamwe vanosvika pakufarisa zvakare panguva iyi vachikanga­nwa kuti mushure mezororo iri hupenyu hunofanirw­a kuenderera mberi.

Saka zvakakosha kuti fare, fare tindike nekuti kangoma kakanya kuririsa kanozoparu­ka.

Tinokushuv­irai zororo rePasika rakaropafa­dzwa.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe