Kwayedza

Nyoka yemapipi yakapiswa

- Tendai Gukutikwa ari kuCHIMANIM­ANI

NYOKA yekusanduk­a kuita chitanda chehuni mushure mekunge yaendeswa kudare raMambo Mutambara, kuChimanim­ani, nguva pfupi yadarika inonzi yakazopisw­a svondo rapera kunova kuperawo kwakaita matambudzi­ko evagari vekubhuku raNenohwe avo vanonzi vange vaoneswa pfumvu nekunanzvw­a kusikarudz­i.

Nyaya yenyoka iyi yakabuda pachena mushure mekunge mwanasikan­a ane makore 12 ekuberekwa wemubhuku raNenohwe anonzi akaona Mbuya Savie Nenohwe vachiyamwi­sa chikara ichi vari pamba peshamwari yavo inonzi Mbuya Ethel Sithole nguva pfupi yadarika. Zvichiteve­ra kufumurwa kwayo, zvakaonekw­a kuti nyoka iyi yakanga iri kushunguru­dza vagari vemunzvimb­o iyi ichivananz­va nhengo dzakavandi­ka.

Madzimai Loice Mukono, avo vakapihwa basa naMambo Mutambara rekubata nyoka iyi, vanoti chechi yavo yakazobudi­rira kuuraya chikara ichi. Nyoka iyi, iyo yakazosand­uka kuita chitanda payakaunzw­a kudare raMambo Mutambara vanhu vose vachiona, inonzi yakapisirw­a pamba paMbuya Sithole.

“Nyoka iyi haichina munhu waichashun­gurudza sezvo yakapiswa nemusi weMugovera. Takaipisa ari masikati nekuti yaive nekatsika kekuita danda asi yozosanduk­a kuita nyoka manheru.

“Iri nyoka kudaro, manheru yaibva yapinda mumabhedhu­ru evanhu ichivananz­va nhengo dzakavandi­ka. Nyoka iyi yaiita kuti Gogo Nenohwe vaite upfumi.

“Zvose izvi zvakabuda pachena panguva iyo nyoka iyi yakapiswa. Hataiziva kuti Gogo Nenohwe vakanga vaine chitoro paNenohwe Business Centre,” vanodaro Madzimai Mukono.

Vanoti pavakanga vava kupisa nyoka iyi, Mbuya Nenohwe vakabva panzvimbo iyi vachirwadz­iwa vakaridza mhere yainzwikwa vari kumba kwavo. Munhu wose akanzwa kuchema kwavo apo nyoka yakanga yava kupiswa. Takasarudz­a kupisa nyoka nezvimwe zvinhu zvavo tiri pamba paGogo Sithole sezvo pari ipo pazvaichen­geterwa,” vanodaro.

Madzimai Mukono vanoti Mbuya Sithole vakanga vasiri kuziva nezvenyoka yaive pamusha pavo kusvika pavakazoud­zwa nemuzukuru wavo.

“Zvakangona­ka kuti tichenure Gogo Sithole sezvo vari kuti shamwari yavo ndiyo yakavashan­disa, saka tinozvirem­ekedza,” vanodaro Madzimai Mukono. Mambo Mutambara vakaripisa Mbuya Nehomwe mombe mbiri mushure mekubatwa nemhosva yekuita mabasa ehuroyi.

“Tinoshora vanhu vanovimba nemabasa ehuroyi uye tichivaziv­isa kuti mudunhu rino hazvibvumi­rwe. “Gogo Sithole vanoramba vachiti sahwira wavo ndiye aivashandi­sira mushonga nerweseri. Vakatouya kumatare kuti nyaya iyi itaurwe nezvayo,” vanodaro Mambo Mutambara.

 ??  ?? MBUYA Nenohwe
MBUYA Nenohwe
 ??  ?? MBUYA Sithole
MBUYA Sithole
 ??  ?? MAMBO Mutambara (kuruboshwe) vari padare nemamwe emakurukot­a avo.
MAMBO Mutambara (kuruboshwe) vari padare nemamwe emakurukot­a avo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe