Kwayedza

Mwana akazvambar­adzwa naticha

- Muchaneta Chimuka

MWANA wechikoro ane makore 12 ekuberekwa anodzidza paFungisai Government Primary School, kuChitungw­iza, ari kunzi akazvambar­adzwa nemurairid­zi wake kumagadzik­o achishandi­sa “fan belt” izvo zvakaita kuti akuvare zvekusara asisakwani­se kugara zvakanaka.

Nyaya iyi yatove kumapurisa.

Onismus Chitebwe anonzi akarohwa nemurairid­zi akangozivi­kanwa saSibanda achipomerw­a mhosva yekutaura mukirasi nekusadari­ka mutsetse pakunyora rondedzero mubhuku.

Kwayedza yakataura naamai vemwana uyu apo vakange vatovhuris­a dhoketi pakamba yeZRP Makoni Police Station, kuChitungw­iza kwekare.

“Ticha vakandirov­a tiri mukirasi nemumwe mwana wechikoro vachishand­isa fan belt. Pazuva rekutanga waive musi weChitatu chadarika apo vakandirov­a ka56 vamwe vana vechikoro vachiveren­ga huwandu hweshamhu dzacho kuchizoti zuva rakatevera vakandirov­a shamhu 5.

“Vaiti ndainge ndisina kucharika mutsetse pakunyora rondedzero, kuchizoti pamwe pacho vakati ndaitaura panguva iyo ivo vakanga vachidzidz­isa mukirasi,” anodaro mwana uyu.

Amai vake, Mai Monalisa Chitebwe (41) vanoti murairidzi uyu avarwadzis­a zvikuru.

“Takazonzwa zvekurohwa kwemwana mushure memazuva maviri nekuti aisataura sezvo aive atyisidzir­wa. Mushure mekunzwa kuti mwana wangu arohwa zvekuti kana kugara akanga ongogara nerutivi rwumwechet­e, ndakaenda kunoona mukuru wechikoro uyo akazodaidz­a murairidzi. Mukuru wechikoro akakumbira ruregerero asi nekuona hudzamu hwekurohwa kwemwana, handina kufara nazvo ndikati ndoda kuenda nemwana kuchipatar­a kunova kwaidiwa magwaro anobva kumapurisa,” vanodaro.

Mai Chitebwe vanoti mwana wavo akazvimba uye haasi kukwanisa kugara.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Simon Chazovachi­i, vanotsinhi­ra nyaya iyi.

“Hongu, tine nyaya yakadaro yemwana akarohwa nemurairid­zi saka iri kuferefetw­a nemapurisa,” vanodaro.

Kwayedza ine mifananidz­o yemagadzik­o emwana wekuzvamba­radzwa uyu ayo aisingakwa­nise kuburitsa.

Pasi pebumbiro remutemo weZimbabwe, vana havatender­we kurohwa sezvo iri mhosva inoendesa munhu kujeri.

 ??  ?? MAI Monalisa Chitebwe nemwana wavo Onismus Chitebwe
MAI Monalisa Chitebwe nemwana wavo Onismus Chitebwe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe