Akauraya mwana wake, ndokuviga chitunha mumugomo
Kingstone Mapupu MUDZIMAI anova shirikadzi anogara mubhuku raKajiwa, kwaDotito, kuMt Darwin akasungwa nemapurisa eko zvichitevera mhosva yaari kupomerwa yekuuraya kasvava achiita zvekukamonya mutsipa achangobva mukukabara.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanotsinhira nyaya iyi.
Vanoti Mebo Nyabusha (37), uyo akafirwa nemurume uye anogara nevana pamusha, anonzi akaita pamuviri nechikomba ndokutanga kuvigiridza mimba iyi kuhama dzemurume wake.
“Nyabusha semunhu asina murume, akatangawo kutsvaga vamwe vekudanana navo kusvikira akabata pamuviri apo akasunga kuti pasaonekwe ndokuzosununguka mwana ari oga,” vanodaro Insp Mundembe.
Vanoti vagari vemumusha uyu, kusanganisira hama dzemurume wake, vakatanga kunzwa runyerekupe kuti mudzimai uyu aive nepamuviri.
“Mushure mekunzwa nyaya iyi, muzukuru wepamusha pemurume wemudzimai uyu anonzi Donwell Mhindu (40) achigara mubhuku raChinyoka akazoenda kuna Mebo Nyabusha ndokumubvunza nezverunyerekup rwekuti aiva nepamuviri mudzimai uyu ndokuzviramba. Muzukuru uyu akazosiya atsvaga vasori munyaya iyi.
“Nemusi wa18 Kurume, mumwe wevasori ava akazoridzira muzukuru uyu nhare achimutaurira kuti ambuya vake vainge vasununguka mwana mukomana,” vanodaro Insp Mundembe.
Vanoti Donwell Mhindu akazobvakachira ambuya vake ava husiku achida kunobata chokwadi, ndokuvawana vagere pabhenji vari voga.
“Muzukuru uyu akavabvunza zvakare nezvenyaya iyi vachibva varamba, pakarepo kacheche aka kakabva katanga kuchema muimba yekurara yehuswa, muzukuru achibva aenda mumba umu ndokunovheneka nemwenje apo akaona mwana akaiswa mubhaketi raiva rakafukidzwa nebhachi. Mebo Nyabusha akazokumbira ruregerero kumuzukuru uyu kuti asazowana waanotaurira achiti aida kuuraya mwana uyu,”vanodaro Insp Mundembe.
Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekwaDotito, mutumbi wemwana uyu uchibva wazoendeswa kumochari yechipatara cheMt Darwin.
Nyabusha akabva asungwa nemhosva yekuponda iyo ari kupomerwa.