Kwayedza

Akauraya mwana wake, ndokuviga chitunha mumugomo

-

Kingstone Mapupu MUDZIMAI anova shirikadzi anogara mubhuku raKajiwa, kwaDotito, kuMt Darwin akasungwa nemapurisa eko zvichiteve­ra mhosva yaari kupomerwa yekuuraya kasvava achiita zvekukamon­ya mutsipa achangobva mukukabara.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonal­and Central, Inspector Milton Mundembe, vanotsinhi­ra nyaya iyi.

Vanoti Mebo Nyabusha (37), uyo akafirwa nemurume uye anogara nevana pamusha, anonzi akaita pamuviri nechikomba ndokutanga kuvigiridz­a mimba iyi kuhama dzemurume wake.

“Nyabusha semunhu asina murume, akatangawo kutsvaga vamwe vekudanana navo kusvikira akabata pamuviri apo akasunga kuti pasaonekwe ndokuzosun­unguka mwana ari oga,” vanodaro Insp Mundembe.

Vanoti vagari vemumusha uyu, kusanganis­ira hama dzemurume wake, vakatanga kunzwa runyerekup­e kuti mudzimai uyu aive nepamuviri.

“Mushure mekunzwa nyaya iyi, muzukuru wepamusha pemurume wemudzimai uyu anonzi Donwell Mhindu (40) achigara mubhuku raChinyoka akazoenda kuna Mebo Nyabusha ndokumubvu­nza nezverunye­rekup rwekuti aiva nepamuviri mudzimai uyu ndokuzvira­mba. Muzukuru uyu akazosiya atsvaga vasori munyaya iyi.

“Nemusi wa18 Kurume, mumwe wevasori ava akazoridzi­ra muzukuru uyu nhare achimutaur­ira kuti ambuya vake vainge vasununguk­a mwana mukomana,” vanodaro Insp Mundembe.

Vanoti Donwell Mhindu akazobvaka­chira ambuya vake ava husiku achida kunobata chokwadi, ndokuvawan­a vagere pabhenji vari voga.

“Muzukuru uyu akavabvunz­a zvakare nezvenyaya iyi vachibva varamba, pakarepo kacheche aka kakabva katanga kuchema muimba yekurara yehuswa, muzukuru achibva aenda mumba umu ndokunovhe­neka nemwenje apo akaona mwana akaiswa mubhaketi raiva rakafukidz­wa nebhachi. Mebo Nyabusha akazokumbi­ra ruregerero kumuzukuru uyu kuti asazowana waanotauri­ra achiti aida kuuraya mwana uyu,”vanodaro Insp Mundembe.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekwaDotito, mutumbi wemwana uyu uchibva wazoendesw­a kumochari yechipatar­a cheMt Darwin.

Nyabusha akabva asungwa nemhosva yekuponda iyo ari kupomerwa.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe