Kwayedza

‘MAJEKISENI AYA ANOBATSIRA’

- Mary Chimenya

VANHU vane chitsama, avo vakabaiwa majekiseni ekudziviri­ra chirwere cheCovid-19, vari kukurudzir­a veruzhinji kuti vatambire chirongwa cheHurumen­de ichi vachiti chinobatsi­ra zvikuru kurwisa denda ranetsa pasi rose iri.

Majekiseni aya ari kubaiwa pachena uye kune vanoda.

Mutungamir­iri wenyika President Mnangagwa nemusi weChitatu svondo rino vakaparura chirongwa chepiri chekubaiwa kwevanhu majeseni aya kuVictoria Falls.

President Mnangagwa nemamwe makurukota eHurumende vakabva vabaiwawo majekiseni ekutanga ekudziviri­ra Covid-19 mushure mekuparurw­a kwechirong­wa ichi.

Kwayedza inoita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana avo vari kukurudzir­a vasati vabaiwa kuti vatambire chirongwa ichi.

VaEmmanuel Tigere (38) vekuMainwa­y Meadows, muguta reHarare, vanogamuch­ira kubaiwa jekiseni rekudzivir­ira Covid-19 uye vari kunzwa kurerukirw­a.

“Ini pekutanga ndaizengur­ira kubaiwa majekiseni aya asi nekufamba kwenguva uyewo nekuona vamwe vachibaiwa, ndakanzwa kurerukirw­a. Ndinokurud­zira vasati vabaiwa kuti vanobaiwa nokuti ndiyo nzira inotibatsi­ra kuti tisatapuri­rane chirwere ichi, icho chauraya hama dzedu dzakawandi­sa. Ngatibatan­ei kurwisa chirwere ichi uye ngapasawan­e anosarira kumashure,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhir­wa naVaPatric­k Chiramu (57) vemuHarare zvakare vachiti zvakakosha kuti veruzhinji vatambire chirongwa chekubaiwa majekiseni ichi.

“Ini pandakaton­gonzwa kuti kwave nemushonga unodziviri­ra chirwere ichi ndakafara chaizvo nokuda kwokuti chakatikan­ganisira mararamiro edu atakange tajaira. Ndinokurud­zira vamwe kuti vabaiwe majekiseni aya, kunyanya nguva ino yekuti munhu wose ave kukwanisa kufamba zvichiteve­ra pakasunung­urwa nyika ino kubva muLevel 4 Lockdown.

“Vanhu dai vaonawo kuti Hurumende pamwe chete nevezveuta­no nemutungam­iriri wenyika vari kuita basa guru kwazvo,” vanodaro.

Faith Matsekeza (22) anotiwo, “Ndakasarud­za kubaiwa jekiseni iri nokuda kuzvidzivi­rira kuchirwere ichi. Covid-19 iriko uye hatifanire kuita zvekutamba neutano hwedu kana hwevamwe. Pamwe chete senyika, tinokwanis­a kukunda chirwere ichi tikabaiwa majekiseni aya tidzokere pamararami­ro edu akare,” anodaro Kuchiti Tapiwa Kapfunde (22) anoti anotambira­wo chirongwa chekubaiwa majekiseni ekudzvirir­a Covid-19.

“Sesu vana vechikoro vekumayuni­vhesiti, tinofanira kubatana kudzivirir­a chirwere ichi kuitirawo vadiki kwatiri vagotevedz­era kunesu. Ndakabaiwa jekiseni iri kuti ndizvidziv­irire sezvo zvikoro zvakavhurw­a uye vadzidzi vanogona kutapurira­na chirwere ichi nekusaziva. Ngatibatan­ei senyika tirwise Covid-19, tisadzoker­a kumashure zvekare uye hama dzedu dzisafa nekuda kwechirwer­e ichi,” anodaro.

 ??  ?? PATRICK Chiramu
PATRICK Chiramu
 ??  ?? FAITH Matsekeza
FAITH Matsekeza
 ??  ?? VAEMMANUEL Tigere
VAEMMANUEL Tigere

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe